1 Madzimambo 1
1 Kings 1 · 53 verses
1Zvino mambo Dhavhidhi wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana kudziyirwa.
2Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe.
3Ipapo vakatsvaka musikana wakanaka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.
4Uyu musikana wakanga akanaka kwazvo, akachengeta mambo, akamushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.
5Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, Ini ndichava mambo; akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana makumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
6Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, Unoitireiko kudaro? Wakanga ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakanga achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.
7Akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari mupirisiti, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.
8Asi Zadhoki mupirisiti, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, havana kutevera Adhonia.
9Adhonia akabaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohereti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vamambo;
10asi haana kudana Natani muporofita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munun’una wake.
11Ipapo Natani akataura naBhatishebha mai vaSoromoni, akati, Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhidhi ishe wedu haazvizivi?
12Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwanakomana wako Soromoni.
13Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here,' mukati, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?
14Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndichapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako.
15Bhati-shebha akapinda kuna mambo mumba; zvino mambo wakanga akwegura kwazvo, Abhishagi muShunami waishandira mambo.
16Ipapo Bhatishebha akakotama, akanamata kuna mambo. Mambo akati, Unoreveiko?
17Iye akati kwaari, Ishe wangu, imi makapikira murandakadzi wenyu naJehovha Mwari wenyu, mukati, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye uchagara pachigaro changu choushe.
18Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.
19Iye wabaya nzombe, nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari mupirisiti, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.
20Zvino ishe wangu mambo, meso avaIsiraeri vose anotarira kwamuri, kuti muvaudze kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.
21Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.'
22Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.
23Vakaudza mambo, vakati, Natani muporofita wasvika. Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
24Zvino Natani akati, Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai pakubata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?
25Nokuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupirisiti; tarirai, vodya nokunwa pamberi pake, vachiti, `Mambo Adhonia ngaararame
26Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupirisiti, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
27Chinhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?
28Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, Ndidanirei Bhati-shebha. Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.
29Zvino mambo akapika, akati, NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,
30zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.'
31Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi.
32Mambo Dhavhidhi akati, Ndidanirei Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo vakapinda kuna mambo.
33Mambo akati kwavari, Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;
34Zadhoki mupirisiti naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, `Mambo Soromoni ngaararame.'
35Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nokuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha.
36Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.
37Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.
38Ipapo Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.
39Zvino Zadhoki mupirisiti akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, Mambo Soromoni ngaararame!
40Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
41Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?
42Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupirisiti, akasvika; Adhonia akati kwaari, Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.
43Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.
44Uye mambo wakatuma Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;
45uye Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.
46Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.
47Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, `Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe;' mambo akakotama panhovo dzake.
48Uyezve mambo wakataura akati, `Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.'
49Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.
50Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.
51Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nokuti wandobata nyanga dzeatari, akati, `Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.'
52Ipapo Soromoni akati, Kana akazova munhu kwaye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa.
53Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, Enda kumba kwako.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.