Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuwira.And, behold, there came a man of God out of Judah by the word of the LORD unto Bethel: and Jeroboam stood by the altar to burn incense.
Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josia; iye uchabaya pamusoro pako vapirisiti vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako.And he cried against the altar in the word of the LORD, and said, O altar, altar, thus saith the LORD; Behold, a child shall be born unto the house of David, Josiah by name; and upon thee shall he offer the priests of the high places that burn incense upon thee, and men’s bones shall be burnt upon thee.
Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.And he gave a sign the same day, saying, This is the sign which the LORD hath spoken; Behold, the altar shall be rent, and the ashes that are upon it shall be poured out.
Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, Mubatei! Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.And it came to pass, when king Jeroboam heard the saying of the man of God, which had cried against the altar in Bethel, that he put forth his hand from the altar, saying, Lay hold on him. And his hand, which he put forth against him, dried up, so that he could not pull it in again to him.
Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.The altar also was rent, and the ashes poured out from the altar, according to the sign which the man of God had given by the word of the LORD.
Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu. Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare.And the king answered and said unto the man of God, Intreat now the face of the LORD thy God, and pray for me, that my hand may be restored me again. And the man of God besought the LORD, and the king’s hand was restored him again, and became as it was before.
Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro.And the king said unto the man of God, Come home with me, and refresh thyself, and I will give thee a reward.
Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kunwa pano,And the man of God said unto the king, If thou wilt give me half thine house, I will not go in with thee, neither will I eat bread nor drink water in this place:
nokuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, Usadya zvokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.'For so was it charged me by the word of the LORD, saying, Eat no bread, nor drink water, nor turn again by the same way that thou camest.
Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri.So he went another way, and returned not by the way that he came to Bethel.
Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa no munhu waMwari paBheteri pazuva iro, namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo.Now there dwelt an old prophet in Bethel; and his sons came and told him all the works that the man of God had done that day in Bethel: the words which he had spoken unto the king, them they told also to their father.
Ipapo baba vavo vakati kwavari, Waenda nenzira ipiko? Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha.And their father said unto them, What way went he? For his sons had seen what way the man of God went, which came from Judah.
Akati kuvanakomana vake, Ndisungirei chigaro pambongoro; ivo vakamusungira chigaro pambongoro, akaitasva.And he said unto his sons, Saddle me the ass. So they saddled him the ass: and he rode thereon,
Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here? Akati, Ndini.And went after the man of God, and found him sitting under an oak: and he said unto him, Art thou the man of God that camest from Judah? And he said, I am.
Ipapo akati kwaari, Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.Then he said unto him, Come home with me, and eat bread.
Iye akati, Handingagoni kudzoka nemi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kunwa mvura nemi pano,And he said, I may not return with thee, nor go in with thee: neither will I eat bread nor drink water with thee in this place:
nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, Usadya zvokudya, kana kunwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.'For it was said to me by the word of the LORD, Thou shalt eat no bread nor drink water there, nor turn again to go by the way that thou camest.
Ipapo akati kwaari, Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokunwa mvura.' Akareva nhema kwaari.He said unto him, I am a prophet also as thou art; and an angel spake unto me by the word of the LORD, saying, Bring him back with thee into thine house, that he may eat bread and drink water. But he lied unto him.
Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokunwa mvura.So he went back with him, and did eat bread in his house, and drank water.
Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa,And it came to pass, as they sat at the table, that the word of the LORD came unto the prophet that brought him back:
akadanidzira kumunhu waMwari, wakanga abva kwaJudha, akati, Zvanzi naJehovha, Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murayiro wawakarairwa naJehovha Mwari wako,And he cried unto the man of God that came from Judah, saying, Thus saith the LORD, Forasmuch as thou hast disobeyed the mouth of the LORD, and hast not kept the commandment which the LORD thy God commanded thee,
ukadzoka, ukadya zvokudya, ukanwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokunwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.'But camest back, and hast eaten bread and drunk water in the place, of the which the LORD did say to thee, Eat no bread, and drink no water; thy carcase shall not come unto the sepulchre of thy fathers.
Zvino wakati adya zvokudya, nokunwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.And it came to pass, after he had eaten bread, and after he had drunk, that he saddled for him the ass, to wit, for the prophet whom he had brought back.
Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha.And when he was gone, a lion met him by the way, and slew him: and his carcase was cast in the way, and the ass stood by it, the lion also stood by the carcase.
Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.And, behold, men passed by, and saw the carcase cast in the way, and the lion standing by the carcase: and they came and told it in the city where the old prophet dwelt.
Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.And when the prophet that brought him back from the way heard thereof, he said, It is the man of God, who was disobedient unto the word of the LORD: therefore the LORD hath delivered him unto the lion, which hath torn him, and slain him, according to the word of the LORD, which he spake unto him.
Akati kuvanakomana vake, Ndisungirirei chigaro pambongoro, vakaisungira chigaro.And he spake to his sons, saying, Saddle me the ass. And they saddled him.
Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.And he went and found his carcase cast in the way, and the ass and the lion standing by the carcase: the lion had not eaten the carcase, nor torn the ass.
Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga.And the prophet took up the carcase of the man of God, and laid it upon the ass, and brought it back: and the old prophet came to the city, to mourn and to bury him.
Akaisa chitunha chake muhwiro hwake, vakamuchema, achiti, Haiwa, munun’una wangu!And he laid his carcase in his own grave; and they mourned over him, saying, Alas, my brother!
Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mapfupa angu kurutivi rwamapfupa ake;And it came to pass, after he had buried him, that he spake to his sons, saying, When I am dead, then bury me in the sepulchre wherein the man of God is buried; lay my bones beside his bones:
nokuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuaritari paBheteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo.For the saying which he cried by the word of the LORD against the altar in Bethel, and against all the houses of the high places which are in the cities of Samaria, shall surely come to pass.
Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapirisiti pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapirisiti pamatunhu akakwirira.After this thing Jeroboam returned not from his evil way, but made again of the lowest of the people priests of the high places: whosoever would, he consecrated him, and he became one of the priests of the high places.
Chinhu ichi chikava chivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.And this thing became sin unto the house of Jeroboam, even to cut it off, and to destroy it from off the face of the earth.