Zvino Nahashi muAmoni wakakwira akavaka misasa yake paJabheshigiriyadi kuzorwa naro; zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi, Itai sungano nesu tikushumirei.Then Nahash the Ammonite came up, and encamped against Jabesh-gilead: and all the men of Jabesh said unto Nahash, Make a covenant with us, and we will serve thee.
Nahashi muAmoni akati kwavari, Ndichatenda kuita sungano nemi kana meso enyu ose orudyi achitumburwa, kuti ndinyadze vaIsiraeri vose nazvo.And Nahash the Ammonite answered them, On this condition will I make a covenant with you, that I may thrust out all your right eyes, and lay it for a reproach upon all Israel.
Vakuru veJabheshi vakati kwaari, Titenderei mazuva manomwe, titume nhume kunyika yose yaIsiraeri, zvino kana pasina ungatiponesa, tichabuda kwauri.And the elders of Jabesh said unto him, Give us seven days respite, that we may send messengers unto all the coasts of Israel: and then, if there be no man to save us, we will come out to thee.
Zvino nhume dzikasvika paGibhiya, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuvanhu; vanhu vose vakachema kwazvo.Then came the messengers to Gibeah of Saul, and told the tidings in the ears of the people: and all the people lifted up their voices, and wept.
Zvino Sauro wakabva kumunda achitinha mombe dzake; Sauro akati, Vanhu vanonzweiko zvavanochema kudai? Akaudzwa mashoko avarume veJabheshi.And, behold, Saul came after the herd out of the field; and Saul said, What aileth the people that they weep? And they told him the tidings of the men of Jabesh.
Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo, kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo.And the Spirit of God came upon Saul when he heard those tidings, and his anger was kindled greatly.
Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo. Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose-vose.And he took a yoke of oxen, and hewed them in pieces, and sent them throughout all the coasts of Israel by the hands of messengers, saying, Whosoever cometh not forth after Saul and after Samuel, so shall it be done unto his oxen. And the fear of the LORD fell on the people, and they came out with one consent.
Iye akavaverenga paBhezeki; vana vaIsiraeri vakasvika zviuru zvina mazana matatu, navarume vaJudha zviuru zvina makumi matatu.And when he numbered them in Bezek, the children of Israel were three hundred thousand, and the men of Judah thirty thousand.
Vakati kunhume dzakauya, Udzai varume veJabheshigiriyadi, muti, `Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa.' Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.And they said unto the messengers that came, Thus shall ye say unto the men of Jabesh-gilead, To morrow, by that time the sun be hot, ye shall have help. And the messengers came and shewed it to the men of Jabesh; and they were glad.
Naizvozvo varume veJabheshi vakati, Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire henyu sezvamunoda.Therefore the men of Jabesh said, To morrow we will come out unto you, and ye shall do with us all that seemeth good unto you.
Fume mangwana Sauro akagadzira vanhu, akavaita mapoka matatu, vakapinda pakati pemisasa nenguva yamangwanani vakauraya vaAmoni kusvikira zuva ropisa; zvino vakasara vakaparadzirwa, hakuna kusara vaviri pamwechete.And it was so on the morrow, that Saul put the people in three companies; and they came into the midst of the host in the morning watch, and slew the Ammonites until the heat of the day: and it came to pass, that they which remained were scattered, so that two of them were not left together.
Zvino vanhu vakati kuna Samueri, Ndianiko wakati, `Sauro ungatibata ushe here?' Hendei, tivauraye.And the people said unto Samuel, Who is he that said, Shall Saul reign over us? bring the men, that we may put them to death.
Sauro akati, Ngakurege kuurawa munhu mumwe nhasi, nokuti Jehovha wakarwira Isiraeri.And Saul said, There shall not a man be put to death this day: for to day the LORD hath wrought salvation in Israel.
Zvino Samueri akati kuvanhu, Hendei Girigari, tinovandudza ushe ipapo.Then said Samuel to the people, Come, and let us go to Gilgal, and renew the kingdom there.
Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose vaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.And all the people went to Gilgal; and there they made Saul king before the LORD in Gilgal; and there they sacrificed sacrifices of peace offerings before the LORD; and there Saul and all the men of Israel rejoiced greatly.