Bhaibheri

1 Samueri 22

1 Samuel 22 · 23 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akatizira kubako reAdhurami; zvino hama dzake navose veimba yababa vake vakati vachinzwa, vakaburukirako kwaari.

2Zvino vose vakanga vari panjodzi, navose vakanga vane mhosva, navose vakanga vane shungu vakaungana kwaari, akava mutangamiriri wavo; kwakanga kuna varume vanenge mazana mana naye.

3Zvino Dhavhidhi akabvapo akaenda Mizipa kwaMoabhu; akati kuna mambo waMoabhu, Baba vangu namai vangu ndinokumbira kuti vauye vagare nemi, kusvikira ndaziva chandichaitirwa naMwari.

4Akavaisa kuna mambo waMoabhu, vakagara naye nguva yose yokugara kwaDhavhidhi munhare.

5Zvino muporofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi: Usaramba ugere munhare, asi ibva undogara panyika yaJudha. Ipapo Dhavhidhi akabva akasvika kudondo reHereti.

6Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakanga agere Gibhiya, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.

7Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, Inzwai zvino, vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?

8Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?

9Ipapo Dhoegi muEdhomu, wakanga amire navaranda vaSauro, akapindura akati, Ndakaona mwanakomana waJese achisvika Nobhi, kuna Ahimereki mwanakomana waAitubi.

10Iye akamubvunzira kuna Jehovha, akamupa mbuva, akamupawo munondo waGoriati muFirisitia.

11Ipapo mambo akatuma nhume kundodana Ahimereki mupirisiti, mwanakomana waAhitubi, neveimba yake yose, ivo vapirisiti vaiva paNobhi; vakauya vose kuna mambo.

12Zvino Sauro akati; Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubi. Iye akapindura, akati, Ndiri pano, ishe wangu.

13Sauro akati kwaari; Mandiranganeiko, iwe nomwanakomana waJese, zvawakamupa, chingwa, nomunondo, nokumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire, andivandire sezvaanoita nhasi?

14Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?

15Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Haisva! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nokuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zv ikuru.

16Ipapo mambo akati, Zvirokwazvo, uchafa Ahimereki, iwe navose veimba yababa vako.

17Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, Tendeukai, muuraye vapirisiti vaJehovha, nokuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nokuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa. Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapirisiti vaJehovha.

18Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, Tendeuka iwe, uuraye vapirisiti. Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapirisiti, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.

19Akaparadzawo Nobhi, guta ravapirisiti, neminondo inopinza, varume navakadzi vose, navana navakanga vachimwa, nemombe, nembongoro, namakwai; zvose zvakaparadzwa neminondo inopinza.

20Asi mumwe wavanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubi, wainzi Abhiatari, wakapukunyuka, akatiza, akatevera Dhavhidhi.

21Abhiatari akaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapirisiti vaJehovha.

22Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, Musi uya wandakaona Dhoegi muEdhomu aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo uchandoudza Sauro; ndini ndakaurayisa vanhu vose veimba yababa vako.

23Gara hako neni, usatya; nokuti unotsvaka kundiuraya ini, ndiye unotsvaka kukuuraya iwewo; nokuti kana ukagara neni uchachengetwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.