Zvino negore rechinomwe raJehu, Jehoashi wakatanga kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha.In the seventh year of Jehu Jehoash began to reign; and forty years reigned he in Jerusalem. And his mother’s name was Zibiah of Beer-sheba.
Jehoashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ake ose, aakadzidziswa nawo nomupirisiti Jehoyadha.And Jehoash did that which was right in the sight of the LORD all his days wherein Jehoiada the priest instructed him.
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.But the high places were not taken away: the people still sacrificed and burnt incense in the high places.
Zvino Jehoashi akati kuvapirisiti, Mari yose yezvinhu zvakatsaurwa, inoiswa mumba maJehovha, mari yavanhu vakaverengwa, nemari yavose sezvavakatarirwa mumwe nomumwe, nemari yose, inoiswa mumba maJehovha nomumwe nomumwe nomoyo wake,And Jehoash said to the priests, All the money of the dedicated things that is brought into the house of the LORD, even the money of every one that passeth the account, the money that every man is set at, and all the money that cometh into any man’s heart to bring into the house of the LORD,
vapirisiti ngavatore mari iyo, mumwe nomumwe kumuzikanwi wake, vagadzire zvakaputsika patemberi pose pose pavanowana pakaputsika.Let the priests take it to them, every man of his acquaintance: and let them repair the breaches of the house, wheresoever any breach shall be found.
Asi negore ramakumi maviri namatatu ramambo Jehoashi vapirisiti vakanga vachigere kugadzira zvakaputsika paimba.But it was so, that in the three and twentieth year of king Jehoash the priests had not repaired the breaches of the house.
Zvino mambo Jehoashi akadana mupirisiti Jehoyadha navamwe vapirisiti, akati kwavari, Munoregereiko kugadzira zvakaputsika paimba? Naizvozvo zvino chiregai kutora mari kuvazikanwi venyu, asi muibudisire zvakaputsika patemberi.Then king Jehoash called for Jehoiada the priest, and the other priests, and said unto them, Why repair ye not the breaches of the house? now therefore receive no more money of your acquaintance, but deliver it for the breaches of the house.
Vapirisiti vakatenda kusatora mari kuvanhu, kunyange kugadzira zvakaputsika patemberi.And the priests consented to receive no more money of the people, neither to repair the breaches of the house.
Asi mupirisiti Jehoyadha wakatora bhokisi, akabvovora buri pachifunhiro charo, akarigadzika kurutivi rwearitari, kurudyi rwomunhu, kana achipinda paimba yaJehovha.But Jehoiada the priest took a chest, and bored a hole in the lid of it, and set it beside the altar, on the right side as one cometh into the house of the LORD: and the priests that kept the door put therein all the money that was brought into the house of the LORD.
Zvino vakati kana vaona kuti mari zhinji yavamo mubhokisi, munyori wamambo nomupirisiti mukuru ndokuuya, ndokuisa muhomwe, vachiverenga mari yakawanikwa mumba maJehovha.And it was so, when they saw that there was much money in the chest, that the king’s scribe and the high priest came up, and they put up in bags, and told the money that was found in the house of the LORD.
Vakaisa mari yakayerwa mumaoko avaibata basa iro, vaitarira temberi yaJehovha; zvino vairipira nayo vavezi navavaki vaibata patemberi yaJehovha,And they gave the money, being told, into the hands of them that did the work, that had the oversight of the house of the LORD: and they laid it out to the carpenters and builders, that wrought upon the house of the LORD,
navaironga navaiveza mabwe, vakatenga matanda namabwe akavezwa okugadzirisa nawo zvakaputsika patemberi yaJehovha, nokuripira zvose zvaidikanwa kuzogadzirisa nazvo temberi.And to masons, and hewers of stone, and to buy timber and hewed stone to repair the breaches of the house of the LORD, and for all that was laid out for the house to repair it.
Asi havana kuitira temberi yaJehovha mikombe yesirivha, nembato dzemwenje, nembiya, nehwamanda, nemidziyo yendarama, nemidziyo yesirivha, nemari yakaiswa temberi yaJehovha,Howbeit there were not made for the house of the LORD bowls of silver, snuffers, basons, trumpets, any vessels of gold, or vessels of silver, of the money that was brought into the house of the LORD:
nokuti vakaiisa kuna vaibata basa, kuti vagadzirise temberi yaJehovha nayo.But they gave that to the workmen, and repaired therewith the house of the LORD.
Uye havana kuzobvunza vanhu avo, vavaipa mari mumaoko avo, kuzoripira vaibata basa; nokuti ivo vaibata vakatendeka.Moreover they reckoned not with the men, into whose hand they delivered the money to be bestowed on workmen: for they dealt faithfully.
Asi mari yezvipiriso zvemhosva, nemari yezvipiriso zvezvivi, hazvina kuiswa mumba maJehovha; yakapiwa vapirisiti.The trespass money and sin money was not brought into the house of the LORD: it was the priests’.
Zvino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akaringira chiso chake kuenda Jerusaremu.Then Hazael king of Syria went up, and fought against Gath, and took it: and Hazael set his face to go up to Jerusalem.
Asi Jehoashi mambo waJudha, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.And Jehoash king of Judah took all the hallowed things that Jehoshaphat, and Jehoram, and Ahaziah, his fathers, kings of Judah, had dedicated, and his own hallowed things, and all the gold that was found in the treasures of the house of the LORD, and in the king’s house, and sent it to Hazael king of Syria: and he went away from Jerusalem.
Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?And the rest of the acts of Joash, and all that he did, are they not written in the book of the chronicles of the kings of Judah?
Zvino varanda vake vakasimuka, vakarangana, vakauraya Joashi paimba yaMiro, panzira inoburukira Sira.And his servants arose, and made a conspiracy, and slew Joash in the house of Millo, which goeth down to Silla.
Nokuti Jozakari mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamubaya, akafa; vakamuviga kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.For Jozachar the son of Shimeath, and Jehozabad the son of Shomer, his servants, smote him, and he died; and they buried him with his fathers in the city of David: and Amaziah his son reigned in his stead.