Zvino negore regumi namaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea mwanakomana waEra wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore mapfumbamwe.In the twelfth year of Ahaz king of Judah began Hoshea the son of Elah to reign in Samaria over Israel nine years.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; asi haana kufanana namadzimambo aIsiraeri akamutangira.And he did that which was evil in the sight of the LORD, but not as the kings of Israel that were before him.
Zvino Sharimaneseri mambo weAsiria akasvika kuzorwa naye, Hoshea akava muranda wake, akamuteerera mutero.Against him came up Shalmaneser king of Assyria; and Hoshea became his servant, and gave him presents.
Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nokuti wakanga atuma nhume kuna Soromoni mambo weIjipiti, akarega kuteerera mambo weAsiria mutero sezvaaiita gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutorongo akamusunga.And the king of Assyria found conspiracy in Hoshea: for he had sent messengers to So king of Egypt, and brought no present to the king of Assyria, as he had done year by year: therefore the king of Assyria shut him up, and bound him in prison.
Ipapo mambo weAsiria akafamba nenyika yose, akaenda Samaria, akarikomba makore matatu.Then the king of Assyria came up throughout all the land, and went up to Samaria, and besieged it three years.
Negore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria, akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, napamaguta avaMedhi.In the ninth year of Hoshea the king of Assyria took Samaria, and carried Israel away into Assyria, and placed them in Halah and in Habor by the river of Gozan, and in the cities of the Medes.
Izvozvo zvakaitwa, nokuti vana vaIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avabudisa panyika yeIjipiti kwavakanga vakabatwa naFarao mambo vakatya vamwe vamwari,For so it was, that the children of Israel had sinned against the LORD their God, which had brought them up out of the land of Egypt, from under the hand of Pharaoh king of Egypt, and had feared other gods,
vakafamba nemitemo yendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri, neyamadzimambo aIsiraeri yavakatema ivo.And walked in the statutes of the heathen, whom the LORD cast out from before the children of Israel, and of the kings of Israel, which they had made.
Vana vaIsiraeri vakaita pakavanda zvisina kururama pamberi paJehovha Mwari wavo, vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose,kubva pachirindo chavarindi kusvikira pamaguta akakombwa.And the children of Israel did secretly those things that were not right against the LORD their God, and they built them high places in all their cities, from the tower of the watchmen to the fenced city.
Vakazvimutsira shongwe namatanda okunamata nawo pamatunhu ose akakwirira, napasi pemiti yose mitema.And they set them up images and groves in every high hill, and under every green tree:
Vakapisirapo zvinonhuwira pamatunhu ose akakwirira, sezvaiita ndudzi dzakanga dzabviswa pamberi pavo naJehovha; vakaita zvakashata zvakatsamwisa Jehovha;And there they burnt incense in all the high places, as did the heathen whom the LORD carried away before them; and wrought wicked things to provoke the LORD to anger:
vakashumira zvifananidzo, zvavakanga vanzi naJehovha, Regai kuita chinhu ichi.For they served idols, whereof the LORD had said unto them, Ye shall not do this thing.
Kunyange zvakadaro Jehovha wakapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurayiro wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu.Yet the LORD testified against Israel, and against Judah, by all the prophets, and by all the seers, saying, Turn ye from your evil ways, and keep my commandments and my statutes, according to all the law which I commanded your fathers, and which I sent to you by my servants the prophets.
Kunyange zvakadaro, vakaramba kuteerera, vakawomesa mitsipa yavo, semitsipa yamadzibaba avo, vakanga vasingatendi Jehovha Mwari wavo.Notwithstanding they would not hear, but hardened their necks, like to the neck of their fathers, that did not believe in the LORD their God.
Vakaramba mitemo yake nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varairwa naJehovha kuti varege kuita saivo.And they rejected his statutes, and his covenant that he made with their fathers, and his testimonies which he testified against them; and they followed vanity, and became vain, and went after the heathen that were round about them, concerning whom the LORD had charged them, that they should not do like them.
Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.And they left all the commandments of the LORD their God, and made them molten images, even two calves, and made a grove, and worshipped all the host of heaven, and served Baal.
Vakapinza vanakomana navakunda vavo mumoto, vakauka nokuita uroyi hwavo, vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa.And they caused their sons and their daughters to pass through the fire, and used divination and enchantments, and sold themselves to do evil in the sight of the LORD, to provoke him to anger.
Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiyiwa, asi rudzi rwaJudha bedzi.Therefore the LORD was very angry with Israel, and removed them out of his sight: there was none left but the tribe of Judah only.
Kunyange navaJudhawo havana kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wavo, asi vakafamba nemitovo yavaIsiraeri, yavakatema.Also Judah kept not the commandments of the LORD their God, but walked in the statutes of Israel which they made.
Jehovha akarasha vana vaIsiraeri vose, akavatambudza, akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avarashira kure nechiso chake.And the LORD rejected all the seed of Israel, and afflicted them, and delivered them into the hand of spoilers, until he had cast them out of his sight.
Nokuti wakabvarura vaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsausa vaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.For he rent Israel from the house of David; and they made Jeroboam the son of Nebat king: and Jeroboam drave Israel from following the LORD, and made them sin a great sin.
Vana vaIsiraeri vakafamba pazvivi zvose zvaJerobhoamu, zvaakaita; havana kutsauka kwazviri;For the children of Israel walked in all the sins of Jeroboam which he did; they departed not from them;
kusvikira Jehovha abvisa Isiraeri kure nechiso chake, sezvaakataura nemiromo yavaporofita, varanda vake vose. Naizvozvo vaIsiraeri vakatapwa panyika yavo, vakaiswa Asiria kusvikira nhasi.Until the LORD removed Israel out of his sight, as he had said by all his servants the prophets. So was Israel carried away out of their own land to Assyria unto this day.
Zvino mambo weAsiria wakatora vanhu paBhabhironi, napaKuta, napaAva, napaHamati, napaSefarivhaimi, akavaisa mumaguta eSamaria panzvimbo yavana vaIsiraeri; Samaria rikava ravo, vakagara mumaguta aro.And the king of Assyria brought men from Babylon, and from Cuthah, and from Ava, and from Hamath, and from Sepharvaim, and placed them in the cities of Samaria instead of the children of Israel: and they possessed Samaria, and dwelt in the cities thereof.
Zvino pakutanga kwokugarapo kwavo havana kutya Jehovha, Jehovha akatuma shumba pakati pavo, dzikavauraya vamwe vavo.And so it was at the beginning of their dwelling there, that they feared not the LORD: therefore the LORD sent lions among them, which slew some of them.
Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo, naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzino vauraya, nokuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.Wherefore they spake to the king of Assyria, saying, The nations which thou hast removed, and placed in the cities of Samaria, know not the manner of the God of the land: therefore he hath sent lions among them, and, behold, they slay them, because they know not the manner of the God of the land.
Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, Isaiko mumwe wavapirisiti vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.Then the king of Assyria commanded, saying, Carry thither one of the priests whom ye brought from thence; and let them go and dwell there, and let him teach them the manner of the God of the land.
Naizvozvo mumwe wavapirisiti vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavanofanira kutya Jehovha.Then one of the priests whom they had carried away from Samaria came and dwelt in Bethel, and taught them how they should fear the LORD.
Kunyange zvakadaro rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo, vakavaisa mudzimba dzamatunhu akakwirira, dzakavakwa navaSamaria, rudzi rumwe norumwe pamaguta arwo, kwavaigara.Howbeit every nation made gods of their own, and put them in the houses of the high places which the Samaritans had made, every nation in their cities wherein they dwelt.
Vanhu veBhabhironi vakavaka Sukotibhenoti, vanhu veKuti vakavaka Nerigari, vanhu veHamati vakavaka Ashima,And the men of Babylon made Succoth-benoth, and the men of Cuth made Nergal, and the men of Hamath made Ashima,
vaAvhi vakavaka Nibhazi neTaritaki, vaSefari- vhaimi vakapisa vana vavo mumoto kuna Adhiramereki naAnamereki, vamwari veSefari-vhaimi.And the Avites made Nibhaz and Tartak, and the Sepharvites burnt their children in fire to Adrammelech and Anammelech, the gods of Sepharvaim.
Naizvozvo vakasatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vapirisiti vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.So they feared the LORD, and made unto themselves of the lowest of them priests of the high places, which sacrificed for them in the houses of the high places.
Vakatya Jehovha, vakashumira vamwari vavo, vachitevera tsika dzendudzi kwavakanga vatapwako.They feared the LORD, and served their own gods, after the manner of the nations whom they carried away from thence.
Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare, havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zvirevo zvavo, kana murayiro wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakobho naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri;Unto this day they do after the former manners: they fear not the LORD, neither do they after their statutes, or after their ordinances, or after the law and commandment which the LORD commanded the children of Jacob, whom he named Israel;
Jehovha akaita sungano navo, akavaraira, akati, Regai kutya vamwe vamwari, kana kuvapfugamira kana kuvashumira, kana kuvabayira,With whom the LORD had made a covenant, and charged them saying, Ye shall not fear other gods, nor bow yourselves to them, nor serve them, nor sacrifice to them:
asi Jehovha, wakakubudisai paIjipiti nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kubayira.But the LORD, who brought you up out of the land of Egypt with great power and a stretched out arm, him shall ye fear, and him shall ye worship, and to him shall ye do sacrifice.
Mitemo, nezvirevo, nomurayiro, nomurau, zvaakakunyorerai, munofanira kuzvichengeta nokusingaperi, hamufaniri kutya vamwe vamwari;And the statutes, and the ordinances, and the law, and the commandment, which he wrote for you, ye shall observe to do for evermore; and ye shall not fear other gods.
uye hamufaniri kukanganwa sungano yandakaita nemi; uye hamufaniri kutya vamwe vamwari;And the covenant that I have made with you ye shall not forget; neither shall ye fear other gods.
asi munofanira kutya Jehovha Mwari wenyu; iye achakusunungurai pamaoko avavengi venyu vose.But the LORD your God ye shall fear; and he shall deliver you out of the hand of all your enemies.
Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakatevera tsika dzakare.Howbeit they did not hearken, but they did after their former manner.
Naizvozvo ndudzi idzi dzakatya Jehovha, dzikashumirawo zvifananidzo zvadzo zvakavezwa; navana vavo, navana vavana vavo, vanoita saizvozvo kusvikira nhasi, sezvakaita madzibaba avo.So these nations feared the LORD, and served their graven images, both their children, and their children’s children: as did their fathers, so do they unto this day.