Zvino mambo Hezekia wakati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehovha.And it came to pass, when king Hezekiah heard it, that he rent his clothes, and covered himself with sackcloth, and went into the house of the LORD.
Akatuma Eriakimu waitarira imba, naShebhana munyori, navakuru vavapirisiti, vakafuka magumbu, kunomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.And he sent Eliakim, which was over the household, and Shebna the scribe, and the elders of the priests, covered with sackcloth, to Isaiah the prophet the son of Amoz.
Vakati kwaari, Zvanzi naHezekia, `Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakune simba rokuzvara naro.And they said unto him, Thus saith Hezekiah, This day is a day of trouble, and of rebuke, and blasphemy: for the children are come to the birth, and there is not strength to bring forth.
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.'It may be the LORD thy God will hear all the words of Rab-shakeh, whom the king of Assyria his master hath sent to reproach the living God; and will reprove the words which the LORD thy God hath heard: wherefore lift up thy prayer for the remnant that are left.
Ipapo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.So the servants of king Hezekiah came to Isaiah.
Isaya akati kwa vari, Udzai tenzi wenyu, muti, `Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.And Isaiah said unto them, Thus shall ye say to your master, Thus saith the LORD, Be not afraid of the words which thou hast heard, with which the servants of the king of Assyria have blasphemed me.
Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, uchanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.'Behold, I will send a blast upon him, and he shall hear a rumour, and shall return to his own land; and I will cause him to fall by the sword in his own land.
Naizvozvo mukuru wavatariri wakadzoka, akawana mambo weAsisia achirwa neRibhina, nokuti wakanga anzwa kuti wabva paRakishi.So Rab-shakeh returned, and found the king of Assyria warring against Libnah: for he had heard that he was departed from Lachish.
Zvino wakati achinzwa pamusoro paTirihaka mambo weItiopia, zvichinzi, Tarirai, wouya kuzorwa nemi, akatumazve nhume kuna Hezekia, achiti,And when he heard say of Tirhakah king of Ethiopia, Behold, he is come out to fight against thee: he sent messengers again unto Hezekiah, saying,
`Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha; muti, `Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera,' achiti, `Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.'Thus shall ye speak to Hezekiah king of Judah, saying, Let not thy God in whom thou trustest deceive thee, saying, Jerusalem shall not be delivered into the hand of the king of Assyria.
Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?Behold, thou hast heard what the kings of Assyria have done to all lands, by destroying them utterly: and shalt thou be delivered?
Ko vamwari vedzimwe ndudzi vakadzirwira here, idzo dzakaparadzwa namadzibaba angu, vanaGozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?Have the gods of the nations delivered them which my fathers have destroyed; as Gozan, and Haran, and Rezeph, and the children of Eden which were in Thelasar?
Mambo weHamati uripiko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefari-vhaimi, neHena, neIvha?Where is the king of Hamath, and the king of Arpad, and the king of the city of Sepharvaim, of Hena, and Ivah?
Hezekia akagamuchira mwadhi pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.And Hezekiah received the letter of the hand of the messengers, and read it: and Hezekiah went up into the house of the LORD, and spread it before the LORD.
Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, akati, Haiwa! Jehovha waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.And Hezekiah prayed before the LORD, and said, O LORD God of Israel, which dwellest between the cherubims, thou art the God, even thou alone, of all the kingdoms of the earth: thou hast made heaven and earth.
Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muwone; inzwai mashoko aSanheribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu.LORD, bow down thine ear, and hear: open, LORD, thine eyes, and see: and hear the words of Sennacherib, which hath sent him to reproach the living God.
Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza ndudzi nenyika dzadzo,Of a truth, LORD, the kings of Assyria have destroyed the nations and their lands,
akakandira vamwari vadzo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo vakavaparadza.And have cast their gods into the fire: for they were no gods, but the work of men’s hands, wood and stone: therefore they have destroyed them.
Zvino, Jehovha Mwari wedu, chitiponesai henyu paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha Mwari, imi moga.Now therefore, O LORD our God, I beseech thee, save thou us out of his hand, that all the kingdoms of the earth may know that thou art the LORD God, even thou only.
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekia, akati, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSanheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.'Then Isaiah the son of Amoz sent to Hezekiah, saying, Thus saith the LORD God of Israel, That which thou hast prayed to me against Sennacherib king of Assyria I have heard.
Heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.This is the word that the LORD hath spoken concerning him; The virgin the daughter of Zion hath despised thee, and laughed thee to scorn; the daughter of Jerusalem hath shaken her head at thee.
Ndianiko waakatuka nokumhura? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri!Whom hast thou reproached and blasphemed? and against whom hast thou exalted thy voice, and lifted up thine eyes on high? even against the Holy One of Israel.
Wakatuka Jehovha nenhume dzako, ukati, `Ndakakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisipiresi yakatsaurwa iripo, ndichapinda kusvikira paimba yake yomukati, kudondo rake rinobereka zvakanaka.By the messengers thou hast reproached the Lord, and hast said, With the multitude of my chariots I am come up to the height of the mountains, to the sides of Lebanon, and will cut down the tall cedar trees thereof, and the choice fir trees thereof: and I will enter into the lodgings of his borders, and into the forest of his Carmel.
Ndakateka ndikanwa mvura yedzimwe nyika, ndichapwisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika kwetsoka dzangu.I have digged and drunk strange waters, and with the sole of my feet have I dried up all the rivers of besieged places.
Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutangatanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.'Hast thou not heard long ago how I have done it, and of ancient times that I have formed it? now have I brought it to pass, that thou shouldest be to lay waste fenced cities into ruinous heaps.
Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa hwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura.Therefore their inhabitants were of small power, they were dismayed and confounded; they were as the grass of the field, and as the green herb, as the grass on the house tops, and as corn blasted before it be grown up.
Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.But I know thy abode, and thy going out, and thy coming in, and thy rage against me.
Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.Because thy rage against me and thy tumult is come up into mine ears, therefore I will put my hook in thy nose, and my bridle in thy lips, and I will turn thee back by the way by which thou camest.
Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri, nhaka muchadya zvinogomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudzvara, nokucheka, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.And this shall be a sign unto thee, Ye shall eat this year such things as grow of themselves, and in the second year that which springeth of the same; and in the third year sow ye, and reap, and plant vineyards, and eat the fruits thereof.
Zvino vakasara, vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.And the remnant that is escaped of the house of Judah shall yet again take root downward, and bear fruit upward.
Nokuti vakasara vachabuda paJerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZiyoni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.For out of Jerusalem shall go forth a remnant, and they that escape out of mount Zion: the zeal of the LORD of hosts shall do this.
Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, `Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu pariri.'Therefore thus saith the LORD concerning the king of Assyria, He shall not come into this city, nor shoot an arrow there, nor come before it with shield, nor cast a bank against it.
Zvanzi naJehovha, `Nenzira yaakauya nayo, uchadzokazve nayo; haangapindi muguta rino.By the way that he came, by the same shall he return, and shall not come into this city, saith the LORD.
Nokuti ndichadzivira guta rino, ndirirwire nokuda kwangu, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.'For I will defend this city, to save it, for mine own sake, and for my servant David’s sake.
Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.And it came to pass that night, that the angel of the LORD went out, and smote in the camp of the Assyrians an hundred fourscore and five thousand: and when they arose early in the morning, behold, they were all dead corpses.
Naizvozvo Sanheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.So Sennacherib king of Assyria departed, and went and returned, and dwelt at Nineveh.
Zvino wakati achinamata mumba maNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.And it came to pass, as he was worshipping in the house of Nisroch his god, that Adrammelech and Sharezer his sons smote him with the sword: and they escaped into the land of Armenia. And Esar- haddon his son reigned in his stead.