2 Makoronike 13
2 Chronicles 13 · 22 verses
1Pagore regumi namasere ramambo Jerobhoami, Abhija akatanga kubata ushe hwaJudha.
2Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibhiya. Kurwa kukavapo pakati paAbhija naJerobhoami.
3Abhija akarwa ane hondo yavarwi dzaiva mhare, varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mana; Jerobhoamiwo akagadzira hondo kuzorwa naye, ana varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana masere, vaiva varume vane simba noumhare.
4Abhija akamira pamusoro pegomo rainzi Zemaraimi, raiva panyika yamakomo yaEfuremu, akati, Ndinzwei, Jerobhoami navaIsiraeri vose!
5Ko hamufaniri kuziva here kuti Jehovha Mwari walsiraeri akapa Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri nokusingaperi, iye navanakomana vake nesungano yomunyu?
6Asi Jerobhoami mwanakomana waNebhati, muranda waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, akasimuka akamukira ishe wake.
7Kukaunganira kwaari vanhu vakaipa, vakaisvoipa, vakazvisimbisa kundorwa naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, iye Rehobhoamu achiri muduku ano moyo unotya, asingagoni kurwa navo.
8Zvino munoda kurwa novushe bwaJehovha bwuri mumaoko avanakomana vaDhavhidhi; zvamuri vanhu vazhinji, mune mhuru dzendarama dzakaitwa naJerobhoami kuti vave vamwari venyu.
9Hamuna kudzinga here vapirisiti vaJehovha, vanakomana vaAroni, navaRevhi, imi mukazvitsaurira vapirisiti netsika dzavanhu vedzimwe nyika? Naizvozvo Ani naani anouya kuzvitsaurira Mwari ane nzombe imwe namakondobwe manomwe, iye angava mupirisiti wavamwari vasati vari vamwari.
10Asi kana tirisu, Jehovha ndiMwari wedu, hatina kumurasha; isu tina vapirisiti vanoshumira Jehovha, ivo vanakomana vaAroni, navaRevhi pamabasa avo.
11Ndivo vanopisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira mangwanani ose namadekwana ose; nezvingwa zvokuratidza vanozvigadzira patafura yakaisvonaka; nechigadziko chendarama nemwenje yacho, kuvhenekera madekwana ose; nokuti tinochengeta zvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; asi imi makamurasha.
12Zvino tarirai, Mwari anesu achititungamirira, navapirisiti vake vane hwamanda dzokuridza nadzo, kuti vakuridzirei mhere imi. Nhandi vana vaIsiraeri, regai kurwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; nokuti hamungakundi.
13Asi Jerobhoami akaisa vavandiri kuti vavakombe necheshure kwavo; zvino ivo vakava pamberi paJudha, navavandiri vakanga vari shure kwavo.
14Zvino vaJudha vakati vachicheuka, vakaona kurwa mberi kwavo neshure kwavo; vakachema kuna Jehovha, vapirisiti vakaridza hwamanda.
15Ipapo vanhu vaJudha vakaridza mhere; vakati varidza mhere, Mwari akaparadza Jerobhoami navaIsiraeri vose pamberi paAbhija naJudha.
16Vana vaIsiraeri vakatiza pamberi paJudha, Mwari akavaisa mumaoko avo.
17Abhija navanhu vake vakavauraya nokuuraya kukuru; naizvozvo varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mashanu vakaurawa pakati paIsiraeri.
18Vana vaIsiraeri vakamanikidzwa saizvozvo nenguva iyo, vana vaJudha vakakunda, nokuti vakavimba naJehovha, Mwari wamadzibaba avo.
19Abhija akateverera Jerobhoami, akamutorera maguta, aiti: Bhetieri nemisha yaro, neJeshana nemisha yaro, neEfironi nemisha yaro.
20Jerobhoami haana kuzova nesimbazve pamazuva aAbhija; Jehovha ndokumurova, akafa.
21Asi Abhija akazvisimbisa, akawana vakadzi vane gumi navana, akabereka vanakomana vana makumi maviri navaviri, navanasikana vane gumi navatanhatu.
22Zvino mamwe mabasa aAbhija, netsika dzake, namashoko ake, zvakanyorwa padudziro yomuporofita Idho.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.