Bhaibheri

2 Makoronike 30

2 Chronicles 30 · 27 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Hezekia akatuma nhume kuvaIsiraeri nokuvaJudha vose,akanyorawo mwadhi kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika.

2Nokuti mambo namachinda ake, neungano yose paJerusaremu vakanga varangana kuita Pasika nomwedzi wechipiri.

3Nokuti vakanga vasingagoni kuiita nenguva iyo, nokuti vapirisiti, vakanatswa, vakanga vasingaringani, navanhuwo vakanga vasina kuungana paJerusaremu.

4Zvino chinhu ichi chakanga chakarurama pamberi pamambo neungano yose.

5Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati palsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.

6Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda nemwadhi dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.

7Regai kuva samadzibaba enyu, nehama dzenyu, vakadarika mirairo yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu, iye akazovaita chishamiso sezvamunoona.

8Regai kuva nemitsipa mikukutu, sezvakanga zvakaita madzibaba enyu; batai ruoko rwaJehovha, mupinde paimba yake tsvene, yaakanatsa nokusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kubviswe kwamuri.

9Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.

10Naizvozvo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfuremu naManase, kusvikira paZebhuruni; asi vakavaseka, nokuvadadira.

11Asi vamwe vavaAsheri navaManase navaZebhuruni, vakazvininipisa, vakaenda Jerusaremu.

12NapaJudhawo ruoko rwaMwari rwakavapa moyo mumwe, kuti vateerere murayiro wamambo namachinda neshoko raJehovha.

13Ipapo vanhu vazhinji vakaungana paJerusaremu, kuzoita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomwedzi wechipiri, ikaita ungano huru kwazvo.

14Vakasimuka, ndokubvisa aritari dzaiva paJerusaremu, vakabvisawo aritari dzose dzezvinonhuhwira, vakadzikandira murukova Kidhironi.

15Ipapo vakauraya gwayana rePasika pazuva regumi namana romwedzi wechipiri; vapirisiti navaRevhi vakanyara, vakazvinatsa, vakauya nezvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha.

16Vakamira panzvimbo yavo sezvavakarairwa nomurayiro waMozisi, iye munhu waMwari; vapirisiti vakasasa ropa ravakatora pamaoko avaRevhi.

17Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.

18Nokuti vanhu vazhinji-zhinji vaEfuremu navaManase, navaIsakari navaZebhuruni, vakanga vasinakuzvinatsa; kunyange zvakadaro vakadya Pasika nomutowo wakapesana nowakanyorwa. Nokuti Hezekia akanga avanyengeterera, achiti, Jehovha wakanaka ngaakanganwire mumwe nomumwe,

19unoshingaira nomoyo wake kutsvaka Mwari, Jehovha, Mwari wababa vake, kunyange asina kunatswa nomutowo wokunatswa kwenzvimbo tsvene.

20Jehovha akanzwa Hezekia, akaporesa vanhu.

21Zvino vana vaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapirisiti vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.

22Hezekia akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

23Zvino ungano yose yakarangana kuita mamwe mazuva manomwezve; vakaita mazuva manomwezve nomufaro.

24Nokuti Hezekia mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapirisiti vazhinji-zhinji vakazvinatsa.

25Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapirisiti navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.

26Naizvozvo mufaro mukuru ukavapo paJerusaremu; nokuti kubva panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo walsiraeri, hakuna kuita zvakadaro paJerusaremu.

27Ipapo vapirisiti vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; manzwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.