Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akafuma, asi mumwe wakanga ari murombo.And the LORD sent Nathan unto David. And he came unto him, and said unto him, There were two men in one city; the one rich, and the other poor.
Mufumi wakanga ana makwai nemombe zhinji kwazvo;The rich man had exceeding many flocks and herds:
asi murombo wakanga asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokunwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake.But the poor man had nothing, save one little ewe lamb, which he had bought and nourished up: and it grew up together with him, and with his children; it did eat of his own meat, and drank of his own cup, and lay in his bosom, and was unto him as a daughter.
Zvino mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari.And there came a traveller unto the rich man, and he spared to take of his own flock and of his own herd, to dress for the wayfaring man that was come unto him; but took the poor man’s lamb, and dressed it for the man that was come to him.
Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa.And David’s anger was greatly kindled against the man; and he said to Nathan, As the LORD liveth, the man that hath done this thing shall surely die:
Uye anofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha.And he shall restore the lamb fourfold, because he did this thing, and because he had no pity.
Natani akati kuna Dhavhidhi, Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, `Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro,And Nathan said to David, Thou art the man. Thus saith the LORD God of Israel, I anointed thee king over Israel, and I delivered thee out of the hand of Saul;
ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti.And I gave thee thy master’s house, and thy master’s wives into thy bosom, and gave thee the house of Israel and of Judah; and if that had been too little, I would moreover have given unto thee such and such things.
Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni.Wherefore hast thou despised the commandment of the LORD, to do evil in his sight? thou hast killed Uriah the Hittite with the sword, and hast taken his wife to be thy wife, and hast slain him with the sword of the children of Ammon.
Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nokuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.'Now therefore the sword shall never depart from thine house; because thou hast despised me, and hast taken the wife of Uriah the Hittite to be thy wife.
Zvanzi naJehovha, `Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.Thus saith the LORD, Behold, I will raise up evil against thee out of thine own house, and I will take thy wives before thine eyes, and give them unto thy neighbour, and he shall lie with thy wives in the sight of this sun.
Nokuti iwe wakazviita pakavanda, asi ini ndichazviita pamberi pavaIsiraeri vose, ari masikati machena.'For thou didst it secretly: but I will do this thing before all Israel, and before the sun.
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, Ndatadzira Jehovha. Natani akati kuna Dhavhidhi, Jehovha wakanganwirawo zvivi zvako; haungafi.And David said unto Nathan, I have sinned against the LORD. And Nathan said unto David, The LORD also hath put away thy sin; thou shalt not die.
Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.Howbeit, because by this deed thou hast given great occasion to the enemies of the LORD to blaspheme, the child also that is born unto thee shall surely die.
Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehovha akarova mwana wakanga aberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya, akarwara kwazvo.And Nathan departed unto his house. And the LORD struck the child that Uriah’s wife bare unto David, and it was very sick.
Naizvozvo Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Jehovha, akazvinyima zvokudya, akapinda, akavata pasi usiku hwose.David therefore besought God for the child; and David fasted, and went in, and lay all night upon the earth.
Vakuru veimba yake vakasimuka, vakaenda kwaari, vakada kumumutsa pasi; asi iye wakaramba, akasadyawo zvokudya navo.And the elders of his house arose, and went to him, to raise him up from the earth: but he would not, neither did he eat bread with them.
Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nokuti vakati, Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera manzwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa.And it came to pass on the seventh day, that the child died. And the servants of David feared to tell him that the child was dead: for they said, Behold, while the child was yet alive, we spake unto him, and he would not hearken unto our voice: how will he then vex himself, if we tell him that the child is dead?
Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve-zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, Mwana wafa here? Ivo vakati, Wafa.But when David saw that his servants whispered, David perceived that the child was dead: therefore David said unto his servants, Is the child dead? And they said, He is dead.
Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguvo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya.Then David arose from the earth, and washed, and anointed himself, and changed his apparel, and came into the house of the LORD, and worshipped: then he came to his own house; and when he required, they set bread before him, and he did eat.
Ipapo varanda vake vakati kwaari, Ndokudiniko? Achiri mupenyu makazvinyima zvokudya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.Then said his servants unto him, What thing is this that thou hast done? thou didst fast and weep for the child, while it was alive; but when the child was dead, thou didst rise and eat bread.
Iye akati, Mwana achiri mupenyu ndakazvinyima zvokudya, ndikachema, nokuti ndakati, `Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungandinzwira tsitsi, mwana akararama hake?'And he said, While the child was yet alive, I fasted and wept: for I said, Who can tell whether GOD will be gracious to me, that the child may live?
Asi zvino wafa hake, ndichazvinyimireiko zvokudya? Ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzokeri kwandiri.But now he is dead, wherefore should I fast? can I bring him back again? I shall go to him, but he shall not return to me.
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha.And David comforted Bath-sheba his wife, and went in unto her, and lay with her: and she bare a son, and he called his name Solomon: and the LORD loved him.
Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha.And he sent by the hand of Nathan the prophet; and he called his name Jedidiah, because of the LORD.
Zvino Joabhu akandorwa naRabha, guta ravana vaAmoni, akakunda muzinda.And Joab fought against Rabbah of the children of Ammon, and took the royal city.
Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, akati, Ndandorwa neRabha, ndikakunda guta remvura.And Joab sent messengers to David, and said, I have fought against Rabbah, and have taken the city of waters.
Naizvozvo zvino, unganidzai vanhu vakasara, mudzike matende enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita rangu.Now therefore gather the rest of the people together, and encamp against the city, and take it: lest I take the city, and it be called after my name.
Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose, vakaenda Rabha, vakarwa naro, vakarikunda.And David gathered all the people together, and went to Rabbah, and fought against it, and took it.
Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.And he took their king’s crown from off his head, the weight whereof was a talent of gold with the precious stones: and it was set on David’s head. And he brought forth the spoil of the city in great abundance.
Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavabatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akavasevenzesa pakuita zvitinha; akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.And he brought forth the people that were therein, and put them under saws, and under harrows of iron, and under axes of iron, and made them pass through the brickkiln: and thus did he unto all the cities of the children of Ammon. So David and all the people returned unto Jerusalem.