Amosi 6
Amos 6 · 14 verses
1Vane nhamo vagere zvakanaka paZiyoni, navagere pakasimba mugomo reSamaria, ivo vanhu vane mbiri vorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsiraeri!
2Pfuurirai Karine, muone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; zvino muende Gati ravaFirisitia; ivo vakakurira ushe hwohuno here? Nyika yavo ihuru kune yenyu here?
3Iyemi, munoti zuva rakaipa richiri kure, muchiswededza zvigaro panoitwa nesimba;
4imwi, munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizamura pauvato hwenyu, muchidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu;
5munoimba nziyo dzisina maturo mbira dzichiridzwa, munozviitira zvinoridzwa saDhavhidhi;
6imi, munonwa waini nemidziyo yokubayira, muchizora mafuta akaisvonaka; asi hamune hanya nokukuvadzwa kwaJosefa.
7Naizvozvo zvino vachatapwa nowokutanga vanotapwa; ipapo ruzha rwavanozamura ruchapfuura.
8Ishe Jehovha wakapika naiye amene ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo achiti, Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, ndinovenga dzimba dzavo dzoushe; naizvozvo ndinoisa guta nezvose zvirimo kuvavengi vavo.
9Zvino kana varume vane gumi vakasara muimba imwe vachafa.
10Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mapfupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, Kuchinomumwe newe here? Iye akati Kwete! ipapo uchati nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.
11Nokuti tarirai, Jehovha anoraira, iye achakoromora imba huru, neimba duku ichaita mitswe.
12Ko mabhiza anga mhanya paruware here? Ko pangarimwa nemombe here? Nokuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava;
13iyemi, munofarira chinhu chisina maturo, muchiti, Hatina kuzviwanira nyanga nesimba redu here?
14Nokuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imwi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.