Bhaibheri

Dhanyeri 1

Daniel 1 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoyakimu mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika Jerusaremu, akarikomba.

2Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta fuma yamwari wake.

3Mambo akaudza Ashipenazi, mutariri wavaranda vake, kuti auye navamwe vana vaIsiraeri, vorudzi rwamambo norwamachinda;

4majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhea.

5Mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaainwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo.

6Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria, vari vana vaJudha.

7Muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanyeri akamutumidza zita rinonzi Bheteshazari, naHanania rinonzi Shadhireki, naMishaeri rinonzi Misheki, naAzaria rinonzi Abhedhinego.

8Asi Dhanyeri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin’orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin’oresa.

9Zvino Mwari akanzwisa Dhanyeri unyoro netsitsi pamberi pomuchinda wavaranda.

10Muchinda wavaranda akati kuna Dhanyeri, Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo.

11Ipapo Dhanyeri akati kumutariri akanga arairwa nomuchinda wavaranda kuchengeta Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzari,

12Doedzai henyu varanda venyu mazuva ane gumi; ngavatipe miriwo tidye, nemvura tinwe.

13Ipapo mungacherekedza zviso zvedu nezviso zvamajaya anodya zvokudya zvamambo, mugoita navaranda venyu sezvamunoona.

14Naizvozvo akatenda shoko ravo pamusoro pechinhu ichi, akavaedza mazuva ane gumi.

15Mazuva ane gumi akati apera zviso zvavo zvikaonekwa kuti zvakanaka, nemiviri yavo yakakura, vachipfuura majaya ose aidya zvokudya zvamambo.

16Naizvozvo mutariri wakabvisa zvokudya zvavo zvamambo, newaini yavakanzi vanwe, akavapa mirivo.

17Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanyeri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.

18Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari.

19Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo.

20Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake.

21Dhanyeri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.