Dhanyeri 3
Daniel 3 · 30 verses
1Zvino mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chendarama chakanga chakaita mamita makumi matanhatu pakureba, namamita matanhatu paupamhi; akachimisa pabani reDhura munyika yaBhabhironi.
2Ipapo mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kundokokera machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vefuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika, kuti vauye kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari.
3Ipapo machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vefuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika vakaungana kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari; vakamira pamberi pechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari.
4Zvino mudanidziri akadanidzira achiti, Munorayirwa imi vanhu, namarudzi, namarimi,
5kuti nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhinezari;
6ani naani asingawiri pasi achinamata, nenguva iyo achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
7Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhinezari.
8Zvino nenguva iyo vamwe vaKaradhea vakaswedera vakapomera vaJudha.
9Vakapindura, vakati kuna mambo Nebhukadhinezari, Imi mambo, raramai nokusingaperi.
10Imi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama;
11asi ani naani asingawiri pasi achinamata, achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
12Zvino vamwe vaJudha varipo, vamakagadza vave varayiri vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi, vana Shadhireki naMisheki naAbhedhinego; varume ava havana hanya nemi, imi mambo; havashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa.
13Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo.
14Nebhukadhinezari akapindura akati kwavari Mavune here, imi Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini?
15Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchina mata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?
16Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri.
17Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo.
18Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.
19Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhireki naMisheki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe.
20Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo.
21Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
22Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhireki naMisheki naAbhedhinego.
23Varume ava vatatu, vana Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo.
24Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here? Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, Ndizvozvo, imi mambo.
25Iye akapindura, akati, Tarirai, ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake akaita somwanakomana wamwari.
26Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wevira romoto wakanga uchipfuta kwazvo, akataura, akati, Nhai imi Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai muuye pano. Ipapo Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakabuda mukati memoto.
27Zvino machinda navarayiri namadzishe namakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto wakanga washaiwa simba pamiviri yavo, kunyange nevhudzi remisoro yavo rakanga risina kubviswa, namajasi avo akanga asina kubvuraudzwa; kunyange nomunhuwi womoto wakanga usina kusvika kwavari.
28Nebhukadhinezari akataura akati, Mwari waShadhireki naMisheki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake, akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo.
29Naizvozvo ndinotema chirevo, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadhireki naMisheki naAbhedhinego, vatemwe-temwe, nedzimba dzavo dziitwe muturunhuru; nokuti hakuna mumwe mwari anogona kurwira saizvozvo.
30Ipapo mambo akawedzera ukuru hwaShadhireki naMisheki naAbhedhinego panyika yeBhabhironi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.