Zvino Mozisi akaenda kundotaura mashoko awa kuvaIsiraeri vose,And Moses went and spake these words unto all Israel.
akati kwavari, Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri, `Iwe haungayambuki Jorodhani urwu.'And he said unto them, I am an hundred and twenty years old this day; I can no more go out and come in: also the LORD hath said unto me, Thou shalt not go over this Jordan.
Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha.The LORD thy God, he will go over before thee, and he will destroy these nations from before thee, and thou shalt possess them: and Joshua, he shall go over before thee, as the LORD hath said.
Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza.And the LORD shall do unto them as he did to Sihon and to Og, kings of the Amorites, and unto the land of them, whom he destroyed.
Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai.And the LORD shall give them up before your face, that ye may do unto them according unto all the commandments which I have commanded you.
Simbai, mutsunge moyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.Be strong and of a good courage, fear not, nor be afraid of them: for the LORD thy God, he it is that doth go with thee; he will not fail thee, nor forsake thee.
Zvino Mozisi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo.And Moses called unto Joshua, and said unto him in the sight of all Israel, Be strong and of a good courage: for thou must go with this people unto the land which the LORD hath sworn unto their fathers to give them; and thou shalt cause them to inherit it.
Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusiyi; usatya kana kuvhunduswa.And the LORD, he it is that doth go before thee; he will be with thee, he will not fail thee, neither forsake thee: fear not, neither be dismayed.
Zvino Mozisi akanyora murayiro uyu, akaupa vapirisiti navana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, navakuru vose vaIsiraeri.And Moses wrote this law, and delivered it unto the priests the sons of Levi, which bare the ark of the covenant of the LORD, and unto all the elders of Israel.
Mozisi akavaraira, akati, Nguva dzose pakupera kwamakore manomwe, panguva yakatarwa pagore resununguro, pamutambo wemisasa,And Moses commanded them, saying, At the end of every seven years, in the solemnity of the year of release, in the feast of tabernacles,
kana vaIsiraeri vose vauya kuzviratidza pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naye, unofanira kurava murayiro uyu pamberi pavaIsiraeri vose, vaunzwe.When all Israel is come to appear before the LORD thy God in the place which he shall choose, thou shalt read this law before all Israel in their hearing.
Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu;Gather the people together, men, and women, and children, and thy stranger that is within thy gates, that they may hear, and that they may learn, and fear the LORD your God, and observe to do all the words of this law:
uye kuti vana vavo vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu, nguva yose yamuchazogara panyika yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu.And that their children, which have not known any thing, may hear, and learn to fear the LORD your God, as long as ye live in the land whither ye go over Jordan to possess it.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye. Mozisi naJoshua vakandomira mutende rokusangana.And the LORD said unto Moses, Behold, thy days approach that thou must die: call Joshua, and present yourselves in the tabernacle of the congregation, that I may give him a charge. And Moses and Joshua went, and presented themselves in the tabernacle of the congregation.
Jehovha akazviratidza muTende mushongwe yegore, shongwe yegore ikamira pamusoro pomukova weTende.And the LORD appeared in the tabernacle in a pillar of a cloud: and the pillar of the cloud stood over the door of the tabernacle.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo.And the LORD said unto Moses, Behold, thou shalt sleep with thy fathers; and this people will rise up, and go a whoring after the gods of the strangers of the land, whither they go to be among them, and will forsake me, and break my covenant which I have made with them.
Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, `Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?'Then my anger shall be kindled against them in that day, and I will forsake them, and I will hide my face from them, and they shall be devoured, and many evils and troubles shall befall them; so that they will say in that day. Are not these evils come upon us, because our God is not among us?
Nenguva iyo ndichavanza chiso changu nokuda kwezvakaipa zvose zvavakaita pakutsaukira kwavo kuna vamwe vamwari.And I will surely hide my face in that day for all the evils which they shall have wrought, in that they are turned unto other gods.
Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana vaIsiraeri.Now therefore write ye this song for you, and teach it the children of Israel: put it in their mouths, that this song may be a witness for me against the children of Israel.
Nokuti kana ndavapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu.For when I shall have brought them into the land which I sware unto their fathers, that floweth with milk and honey; and they shall have eaten and filled themselves, and waxen fat; then will they turn unto other gods, and serve them, and provoke me, and break my covenant.
Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nokuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nokuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira.And it shall come to pass, when many evils and troubles are befallen them, that this song shall testify against them as a witness; for it shall not be forgotten out of the mouths of their seed: for I know their imagination which they go about, even now, before I have brought them into the land which I sware.
Naizvozvo Mozisi wakanyora rwiyo urwu nomusi iwoyo, akarudzidzisa vana vaIsiraeri.Moses therefore wrote this song the same day, and taught it the children of Israel.
Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, Simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchapinza vana vaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe.And he gave Joshua the son of Nun a charge, and said, Be strong and of a good courage: for thou shalt bring the children of Israel into the land which I sware unto them: and I will be with thee.
Zvino Mozisi wakati apedza kunyora mashoko omurayiro uyu mubhuku, kusvikira apera,And it came to pass, when Moses had made an end of writing the words of this law in a book, until they were finished,
Mozisi akaraira vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, akati,That Moses commanded the Levites, which bare the ark of the covenant of the LORD, saying,
Torai bhuku iyi yomurayiro, muiise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, kuti ikupupurirepo.Take this book of the law, and put it in the side of the ark of the covenant of the LORD your God, that it may be there for a witness against thee.
Nokuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa?For I know thy rebellion, and thy stiff neck: behold, while I am yet alive with you this day, ye have been rebellious against the LORD; and how much more after my death?
Unganidzai kwandiri vakuru vose vamarudzi enyu, navatariri venyu, kuti vanzwe ndichitaura mashoko awa nokudana denga napasi zvivapupurire.Gather unto me all the elders of your tribes, and your officers, that I may speak these words in their ears, and call heaven and earth to record against them.
Nokuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvishatisa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nokuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu.For I know that after my death ye will utterly corrupt yourselves, and turn aside from the way which I have commanded you; and evil will befall you in the latter days; because ye will do evil in the sight of the LORD, to provoke him to anger through the work of your hands.
Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu, kusvikira apera, ungano yose ichizvinzwa.And Moses spake in the ears of all the congregation of Israel the words of this song, until they were ended.