Zvino Mozisi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, Inzwai vaIsiraeri, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinotaura nhasi muchizvinzwa, kuti muzvidzidze nokuzvichengeta mugozviita.And Moses called all Israel, and said unto them, Hear, O Israel, the statutes and judgments which I speak in your ears this day, that ye may learn them, and keep, and do them.
Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu.The LORD our God made a covenant with us in Horeb.
Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri vapenyu nhasi pano.The LORD made not this covenant with our fathers, but with us, even us, who are all of us here alive this day.
Jehovha akataura nemi, zviso zvakatarisana, ari mukati momoto,The LORD talked with you face to face in the mount out of the midst of the fire,
(nenguva iyo ini ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi, kuti ndikuzivisei shoko raJehovha; nokuti imi makanga muchitya nokuda kwomoto, mukasakwira mugomo;) akati,(I stood between the LORD and you at that time, to shew you the word of the LORD: for ye were afraid by reason of the fire, and went not up into the mount;) saying,
Ndini Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda.I am the LORD thy God, which brought thee out of the land of Egypt, from the house of bondage.
Usava navamwe vamwari kunze kwangu.Thou shalt have none other gods before me.
Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.Thou shalt not make thee any graven image, or any likeness of any thing that is in heaven above, or that is in the earth beneath, or that is in the waters beneath the earth:
Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga;Thou shalt not bow down thyself unto them, nor serve them: for I the LORD thy God am a jealous God, visiting the iniquity of the fathers upon the children unto the third and fourth generation of them that hate me,
ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.And shewing mercy unto thousands of them that love me and keep my commandments.
Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kumupa mhosva unoreva zita rake pasina.Thou shalt not take the name of the LORD thy God in vain: for the LORD will not hold him guiltless that taketh his name in vain.
Chengeta zuva reSabata, rive dzvene, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako.Keep the sabbath day to sanctify it, as the LORD thy God hath commanded thee.
Ubate basa mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose.Six days thou shalt labour, and do all thy work:
Asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana mbongoro yako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako vazorore sewe.But the seventh day is the sabbath of the LORD thy God: in it thou shalt not do any work, thou, nor thy son, nor thy daughter, nor thy manservant, nor thy maidservant, nor thine ox, nor thine ass, nor any of thy cattle, nor thy stranger that is within thy gates; that thy manservant and thy maidservant may rest as well as thou.
Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva reSabata.And remember that thou wast a servant in the land of Egypt, and that the LORD thy God brought thee out thence through a mighty hand and by a stretched out arm: therefore the LORD thy God commanded thee to keep the sabbath day.
Kudza baba vako namai vako, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; kuti mazuva ako ave mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.Honour thy father and thy mother, as the LORD thy God hath commanded thee; that thy days may be prolonged, and that it may go well with thee, in the land which the LORD thy God giveth thee.
Usauraya.Thou shalt not kill.
Uye usaita upombwe.Neither shalt thou commit adultery.
Uye usaba.Neither shalt thou steal.
Uye usapupurira wokwako nhema.Neither shalt thou bear false witness against thy neighbour.
Uye usachiva mukadzi wowokwako; uye usachochora imba yowokwako, kana munda wake, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana mombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chinhu chowokwako.Neither shalt thou desire thy neighbour’s wife, neither shalt thou covet thy neighbour’s house, his field, or his manservant, or his maidservant, his ox, or his ass, or any thing that is thy neighbour’s.
Jehovha wakataura mashoko awa ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati memoto negore, nokusviba kukuru, nenzwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamahwendefa maviri amabwe, akandipa iwo.These words the LORD spake unto all your assembly in the mount out of the midst of the fire, of the cloud, and of the thick darkness, with a great voice: and he added no more. And he wrote them in two tables of stone, and delivered them unto me.
Zvino imwi makati muchinzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, mukaswedera kwandiri, vakuru vose Namarudzi enyu, navakuru venyu,And it came to pass, when ye heard the voice out of the midst of the darkness, (for the mountain did burn with fire,) that ye came near unto me, even all the heads of your tribes, and your elders;
mukati, `Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake.And ye said, Behold, the LORD our God hath shewed us his glory and his greatness, and we have heard his voice out of the midst of the fire: we have seen this day that God doth talk with man, and he liveth.
Naizvozvo zvino tichafireiko? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza, kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu tichafa.Now therefore why should we die? for this great fire will consume us: if we hear the voice of the LORD our God any more, then we shall die.
Nokuti ndianiko pakati pavanhu vose wakanzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, akararama here?For who is there of all flesh, that hath heard the voice of the living God speaking out of the midst of the fire, as we have, and lived?
Swedera hako iwe, unzwe zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, ugozotiudza zvose zvauchaudzwa iwe naJehovha Mwari wedu; tichazvinzwa, nokuzviita.'Go thou near, and hear all that the LORD our God shall say: and speak thou unto us all that the LORD our God shall speak unto thee; and we will hear it, and do it.
Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, `Ndanzwa inzwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka.And the LORD heard the voice of your words, when ye spake unto me; and the LORD said unto me, I have heard the voice of the words of this people, which they have spoken unto thee: they have well said all that they have spoken.
Dai vaiva nemoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirairo yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi!O that there were such an heart in them, that they would fear me, and keep all my commandments always, that it might be well with them, and with their children for ever!
Enda, undoti kwavari, Dzokerai kumatende enyu.Go say to them, Get you into your tents again.
Asi iwe, mira pano kwandiri, ndikuudze murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvaunofanira kuvadzidzisa, kuti vazviite panyika yandinovapa, kuti ive yavo.'But as for thee, stand thou here by me, and I will speak unto thee all the commandments, and the statutes, and the judgments, which thou shalt teach them, that they may do them in the land which I give them to possess it.
Naizvozvo chenjerai, kuti muite sezvamakarairwa naJehovha Mwari wenyu; musatsaukira kurutivi rworudyi kana rworuboshwe.Ye shall observe to do therefore as the LORD your God hath commanded you: ye shall not turn aside to the right hand or to the left.
Munofanira kufamba nenzira yose yamakarairwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame, zvive zvakanaka nemi, namazuva enyu ave mazhinji panyika iyo, ichava yenyu.Ye shall walk in all the ways which the LORD your God hath commanded you, that ye may live, and that it may be well with you, and that ye may prolong your days in the land which ye shall possess.