Bhaibheri

Eksodho 11

Exodus 11 · 10 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.

2Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.

3Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti. Naiye munhu uyu Mozisi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.

4Zvino Mozisi akati, Zvanzi naJehovha, `Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti;

5madangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.

6Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungazovipozve.'

7Asi pakati pavana valsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaIjipiti navalsiraeri.

8Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda.' Akabuda pamberi, paFarao, akatsamwa kwazvo.

9Jehovha akati kuna Mozisi, Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti.

10Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.