Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupirisiti: Utore nzombe imwe duku; namakondohwe maviri asina mhosva,And this is the thing that thou shalt do unto them to hallow them, to minister unto me in the priest’s office: Take one young bullock, and two rams without blemish,
nechingwa chisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta; unofanira kuzviita noupfu hwakatsetseka hwekoroni.And unleavened bread, and cakes unleavened tempered with oil, and wafers unleavened anointed with oil: of wheaten flour shalt thou make them.
Uzviise mudengu rimwe, ugouya nazvo zviri mudengu, pamwechete nenzombe duku namakondohwe maviri.And thou shalt put them into one basket, and bring them in the basket, with the bullock and the two rams.
Zvino uuye naAroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura;And Aaron and his sons thou shalt bring unto the door of the tabernacle of the congregation, and shalt wash them with water.
utorewo hanzu, ugofukidza Aroni nguvo nejasi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno chake nebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri;And thou shalt take the garments, and put upon Aaron the coat, and the robe of the ephod, and the ephod, and the breastplate, and gird him with the curious girdle of the ephod:
uisewo nguwani pamusoro wake, nokuisawo korona tsvene panguwani.And thou shalt put the mitre upon his head, and put the holy crown upon the mitre.
Zvino unofanira kutora mafuta echizoro, uadire pamusoro wake, umuzodze.Then shalt thou take the anointing oil, and pour it upon his head, and anoint him.
Zvino uuyisewo vanakomana vake, uvafukidze majasi.And thou shalt bring his sons, and put coats upon them.
Uvasunge zviuno zvavo nebhanhire, iye Aroni navanakomana vake, ugovaisa nguwani; vave vapirisiti nomutemo usingaperi; ugadze Aroni navanakomana vake.And thou shalt gird them with girdles, Aaron and his sons, and put the bonnets on them: and the priest’s office shall be theirs for a perpetual statute: and thou shalt consecrate Aaron and his sons.
Zvino unofanira kuuyisa nzombe pamberi petende rokusangana, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wenzombe.And thou shalt cause a bullock to be brought before the tabernacle of the congregation: and Aaron and his sons shall put their hands upon the head of the bullock.
Ugobaya nzombe pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana.And thou shalt kill the bullock before the LORD, by the door of the tabernacle of the congregation.
Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga mearitari:And thou shalt take of the blood of the bullock, and put it upon the horns of the altar with thy finger, and pour all the blood beside the bottom of the altar.
Zvino utorewo mafuta ose anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, uzvipise pamusoro pearitari.And thou shalt take all the fat that covereth the inwards, and the caul that is above the liver, and the two kidneys, and the fat that is upon them, and burn them upon the altar.
Asi nyama yenzombe, nedehwe rayo, namazvizvi ayo, unofanira kuzvipisa nomoto kunze kwemisasa; chipiriso chezvivi.But the flesh of the bullock, and his skin, and his dung, shalt thou burn with fire without the camp: it is a sin offering.
Unofanira kutorawo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondohwe,Thou shalt also take one ram; and Aaron and his sons shall put their hands upon the head of the ram.
zvino ubaye gondohwe, utore ropa raro, urisase panhivi dzose dzearitari.And thou shalt slay the ram, and thou shalt take his blood, and sprinkle it round about upon the altar.
Ipapo uchekanye gondohwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.And thou shalt cut the ram in pieces, and wash the inwards of him, and his legs, and put them unto his pieces, and unto his head.
Zvino unofanira kupisa gondohwe rose paaritari; chipiriso chinopisirwa Jehovha, chipo chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha, pamoto.And thou shalt burn the whole ram upon the altar: it is a burnt offering unto the LORD: it is a sweet savour, an offering made by fire unto the LORD.
Zvino utorewo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wegondohwe.And thou shalt take the other ram; and Aaron and his sons shall put their hands upon the head of the ram.
Ipapo unofanira kubaya gondohwe, ndokutora rimwe ropa raro, ugoriisa pamucheto wezasi wenzeve yorudyi yaAroni, napamicheto yenzeve dzorudyi dzavanakomana vake napamagunwe amaoko orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi, nokusasawo ropa panhivi dzose dzearitari.Then shalt thou kill the ram, and take of his blood, and put it upon the tip of the right ear of Aaron, and upon the tip of the right ear of his sons, and upon the thumb of their right hand, and upon the great toe of their right foot, and sprinkle the blood upon the altar round about.
Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paaritari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye.And thou shalt take of the blood that is upon the altar, and of the anointing oil, and sprinkle it upon Aaron, and upon his garments, and upon his sons, and upon the garments of his sons with him: and he shall be hallowed, and his garments, and his sons, and his sons’ garments with him.
Zvino utorewo mamwe mafuta egondohwe, nebemhe raro, namafuta anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, nebandauko rorudyi, (nokuti igondohwe rokugadza naro),Also thou shalt take of the ram the fat and the rump, and the fat that covereth the inwards, and the caul above the liver, and the two kidneys, and the fat that is upon them, and the right shoulder; for it is a ram of consecration:
nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.And one loaf of bread, and one cake of oiled bread, and one wafer out of the basket of the unleavened bread that is before the LORD:
Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni napamaoko avanakomana vake, vagozvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.And thou shalt put all in the hands of Aaron, and in the hands of his sons; and shalt wave them for a wave offering before the LORD.
Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.And thou shalt receive them of their hands, and burn them upon the altar for a burnt offering, for a sweet savour before the LORD: it is an offering made by fire unto the LORD.
Utorewo chityu chegondohwe rokugadza naro raAroni, urizunguzire pamberi paJehovha, kuti chive chipo chinozunguzirwa; ndiwo mugove wako.And thou shalt take the breast of the ram of Aaron’s consecration, and wave it for a wave offering before the LORD: and it shall be thy part.
Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondohwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.And thou shalt sanctify the breast of the wave offering, and the shoulder of the heave offering, which is waved, and which is heaved up, of the ram of the consecration, even of that which is for Aaron, and of that which is for his sons:
Izvozvo zvinofanira kupiwa Aroni navanakomana vake navana vaIsiraeri nokusingaperi nokuti chipiriso chinosimudzwa, chinobva kuvana vaIsiraeri pazvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, chive chipiriso chavo chinosimudzirwa Jehovha.And it shall be Aaron’s and his sons’ by a statute for ever from the children of Israel: for it is an heave offering: and it shall be an heave offering from the children of Israel of the sacrifice of their peace offerings, even their heave offering unto the LORD.
nguvo dzaAroni dzichava dzavanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzifuka, vagadzwe vakadzifuka.And the holy garments of Aaron shall be his sons’ after him, to be anointed therein, and to be consecrated in them.
Mwanakomana wake anopinda paupirisiti panzvimbo yake, unofanira kudzifuka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rokusangana kushumira panzvimbo tsvene.And that son that is priest in his stead shall put them on seven days, when he cometh into the tabernacle of the congregation to minister in the holy place.
Zvino unofanira kutora gondohwe rokugadza naro, ubike nyama yaro panzvimbo tsvene.And thou shalt take the ram of the consecration, and seethe his flesh in the holy place.
Aroni navanakomana vake ngavadye nyama yegondohwe, nechingwa chiri mudengu pamukova wetende rokusangana.And Aaron and his sons shall eat the flesh of the ram, and the bread that is in the basket, by the door of the tabernacle of the congregation.
Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene.And they shall eat those things wherewith the atonement was made, to consecrate and to sanctify them: but a stranger shall not eat thereof, because they are holy.
Kana imwe nyama yokugadza nayo ikasara, kana chimwe chingwa, kusvikira mangwana, unofanira kupisa zvasara nomoto; hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.And if ought of the flesh of the consecrations, or of the bread, remain unto the morning, then thou shalt burn the remainder with fire: it shall not be eaten, because it is holy.
Unofanira kuitira Aroni navanakomana vake saizvozvo, zvose sezvandakuraira; uite mazuva manomwe uchivagadza.And thus shalt thou do unto Aaron, and to his sons, according to all things which I have commanded thee: seven days shalt thou consecrate them.
Zuva rimwe nerimwe unofanira kubayira nzombe yechipiriso chezvivi, chokuyananisa nacho; unofanira kunatsa aritari, kana uchiiyananisira; uizodze kuti uitsaure.And thou shalt offer every day a bullock for a sin offering for atonement: and thou shalt cleanse the altar, when thou hast made an atonement for it, and thou shalt anoint it, to sanctify it.
Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira aritari, nokuitsaura; kuti aritari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paaritari zvinofanira kuva zvitsvene.Seven days thou shalt make an atonement for the altar, and sanctify it; and it shall be an altar most holy: whatsoever toucheth the altar shall be holy.
Zvino ndizvo zvaunofanira kubayira paaritari: Zuva rimwe nerimwe nguva dzose makwayana maviri.Now this is that which thou shalt offer upon the altar; two lambs of the first year day by day continually.
Rimwe gwayana unofanira kuribayira mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuribayira madekwana.The one lamb thou shalt offer in the morning; and the other lamb thou shalt offer at even:
Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.And with the one lamb a tenth deal of flour mingled with the fourth part of an hin of beaten oil; and the fourth part of an hin of wine for a drink offering.
Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinonwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.And the other lamb thou shalt offer at even, and shalt do thereto according to the meat offering of the morning, and according to the drink offering thereof, for a sweet savour, an offering made by fire unto the LORD.
Chinofanira kuva chipiriso chinopiswa nguva dzose pamarudzi enyu ose, pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemi, nditaurepo newe.This shall be a continual burnt offering throughout your generations at the door of the tabernacle of the congregation before the LORD: where I will meet you, to speak there unto thee.
Ndipo pandichasangana navana vaIsiraeri, uye tende richatsaurwa nokubwinya kwangu.And there I will meet with the children of Israel, and the tabernacle shall be sanctified by my glory.
Tende rokusangana nearitari ndichazvitsaura; uye Aroni navanakomana vake ndichavatsaura, kuti vandishumire pabasa roupirisiti.And I will sanctify the tabernacle of the congregation, and the altar: I will sanctify also both Aaron and his sons, to minister to me in the priest’s office.
Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, kuti ndive Mwari wavo.And I will dwell among the children of Israel, and will be their God.
Vachaziva kuti ndini Jehovha wavo, wakavabudisa panyika kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.And they shall know that I am the LORD their God, that brought them forth out of the land of Egypt, that I may dwell among them: I am the LORD their God.