Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mozisi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika hatizivi chakaitika naye.And when the people saw that Moses delayed to come down out of the mount, the people gathered themselves together unto Aaron, and said unto him, Up, make us gods, which shall go before us; for as for this Moses, the man that brought us up out of the land of Egypt, we wot not what is become of him.
Zvino Aroni akati kwavari, Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri.And Aaron said unto them, Break off the golden earrings, which are in the ears of your wives, of your sons, and of your daughters, and bring them unto me.
Zvino vanhu vose vakagura zvindori zvendarama zvakanga zviri panzeve dzavo, vakauya nazvo kuna Aroni.And all the people brake off the golden earrings which were in their ears, and brought them unto Aaron.
Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.And he received them at their hand, and fashioned it with a graving tool, after he had made it a molten calf: and they said, These be thy gods, O Israel, which brought thee up out of the land of Egypt.
Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka aritari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha.And when Aaron saw it, he built an altar before it; and Aaron made proclamation, and said, To morrow is a feast to the LORD.
Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba.And they rose up early on the morrow, and offered burnt offerings, and brought peace offerings; and the people sat down to eat and to drink, and rose up to play.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati, Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira.And the LORD said unto Moses, Go, get thee down; for thy people, which thou broughtest out of the land of Egypt, have corrupted themselves:
Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, `Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.They have turned aside quickly out of the way which I commanded them: they have made them a molten calf, and have worshipped it, and have sacrificed thereunto, and said, These be thy gods, O Israel, which have brought thee up out of the land of Egypt.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ndatarira vanhu ava, ndaona kuti vanhu vane mitsipa mikukutu;And the LORD said unto Moses, I have seen this people, and, behold, it is a stiffnecked people:
naizvozvo zvino ndirege hako, kuti shungu dzangu dzivamukire, ndivapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru.Now therefore let me alone, that my wrath may wax hot against them, and that I may consume them: and I will make of thee a great nation.
Ipapo Mozisi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba.And Moses besought the LORD his God, and said, LORD, why doth thy wrath wax hot against thy people, which thou hast brought forth out of the land of Egypt with great power, and with a mighty hand?
VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, `Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika?' Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.Wherefore should the Egyptians speak, and say, For mischief did he bring them out, to slay them in the mountains, and to consume them from the face of the earth? Turn from thy fierce wrath, and repent of this evil against thy people.
Rangarirai henyu Abhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, varanda venyu, vamakazvipikira mumene, mukati kwavari, `Ndichawanza vana venyu senyeredzi dzokudenga, nenyika yose iyi, yandakareva, ndichaipa vana venyu, vaigare nhaka nokusingaperi.'Remember Abraham, Isaac, and Israel, thy servants, to whom thou swarest by thine own self, and saidst unto them, I will multiply your seed as the stars of heaven, and all this land that I have spoken of will I give unto your seed, and they shall inherit it for ever.
Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga achifunga kuitira vanhu vake.And the LORD repented of the evil which he thought to do unto his people.
Zvino Mozisi akatendeuka akaburuka pagomo, ana mahwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mahwendefa akanga akanyorwa nhivi dzawo dzose, akanga akanyorwa seri neseri.And Moses turned, and went down from the mount, and the two tables of the testimony were in his hand: the tables were written on both their sides; on the one side and on the other were they written.
Mahwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamahwendefa.And the tables were the work of God, and the writing was the writing of God, graven upon the tables.
Zvino Joshua wakati achinzwa mhere-mhere yavanhu vanopururudza, akati kuna Mozisi, Kune mhere-mhere yokurwa kumisasa.And when Joshua heard the noise of the people as they shouted, he said unto Moses, There is a noise of war in the camp.
Iye akati, Haazi manzwi avanhu vanodanidzira pakukunda kwavo, kana manzwi avanhu vanodanidzira pakukundwa kwavo; asi ndinonzwa mheremhere yavanhu vanoimba.And he said, It is not the voice of them that shout for mastery, neither is it the voice of them that cry for being overcome: but the noise of them that sing do I hear.
Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMozisi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.And it came to pass, as soon as he came nigh unto the camp, that he saw the calf, and the dancing: and Moses’ anger waxed hot, and he cast the tables out of his hands, and brake them beneath the mount.
Akatora mhuru yavakanga vaita, akaipisa nomoto, akaikuya ikaita upfu, akaikanda mumvura, ndokunwisa vaIsiraeri izvozvo.And he took the calf which they had made, and burnt it in the fire, and ground it to powder, and strawed it upon the water, and made the children of Israel drink of it.
Mozisi akati kuna Aroni, Vanhu ava vakakuitireiko, zvawauyisa chivi ichi chikuru pamusoro pavo?And Moses said unto Aaron, What did this people unto thee, that thou hast brought so great a sin upon them?
Aroni akati, Shungu dzashe wangu ngadzirege kumuka hadzo; munoziva vanhu ava, kuti vanongoda kutadza.And Aaron said, Let not the anger of my lord wax hot: thou knowest the people, that they are set on mischief.
Nokuti vakati kwandiri, `Tiitirei vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, munhu uya wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.'For they said unto me, Make us gods, which shall go before us: for as for this Moses, the man that brought us up out of the land of Egypt, we wot not what is become of him.
Ndikati kwavari, `Ani naani une ndarama, ngaaigure;' zvino vakandipa, ndikaikandira mumoto, mhuru iyi ikabudamo.And I said unto them, Whosoever hath any gold, let them break it off. So they gave it me: then I cast it into the fire, and there came out this calf.
Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,And when Moses saw that the people were naked; (for Aaron had made them naked unto their shame among their enemies:)
Mozisi akandomira musuo remisasa, akati, Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri. Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari.Then Moses stood in the gate of the camp, and said, Who is on the LORD’S side? let him come unto me. And all the sons of Levi gathered themselves together unto him.
Akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari wavaIsiraeri, `Mumwe nomumwe wenyu ngaasungire munondo wake pachidya chake, mufambe-fambe muchibva pane rimwe suo muchienda kune rimwe suo pakati pemisasa, mumwe nomumwe auraye hama yake, nomumwe nomumwe shamwari yake, nomumwe nomumwe munhu wokwake.'And he said unto them, Thus saith the LORD God of Israel, Put every man his sword by his side, and go in and out from gate to gate throughout the camp, and slay every man his brother, and every man his companion, and every man his neighbour.
Vana vaRevhi vakaita sezvakanga zvarehwa naMozisi; nomusi iwoyo vakafa pakati pavanhu vanenge vane zviuru zvitatu.And the children of Levi did according to the word of Moses: and there fell of the people that day about three thousand men.
Zvino Mozisi akati, Zviparadzanisei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu mumwe nomumwe arwe nomwanakomana wake uye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi.For Moses had said, Consecrate yourselves to day to the LORD, even every man upon his son, and upon his brother; that he may bestow upon you a blessing this day.
Zvino fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, imwi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu.And it came to pass on the morrow, that Moses said unto the people, Ye have sinned a great sin: and now I will go up unto the LORD; peradventure I shall make an atonement for your sin.
Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, Haiwa, vanhu ava vakatadza nokutadza kukuru, vakazviitira vamwari vendarama;And Moses returned unto the LORD, and said, Oh, this people have sinned a great sin, and have made them gods of gold.
zvino dai muchivakanganwira henyu zvivi zvavo; asi kana musingadi henyu, ndidzimei pabhuku renyu ramakanyora.Yet now, if thou wilt forgive their sin--; and if not, blot me, I pray thee, out of thy book which thou hast written.
Jehovha akati kuna Mozisi, Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima pabhuku rangu.And the LORD said unto Moses, Whosoever hath sinned against me, him will I blot out of my book.
Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo.Therefore now go, lead the people unto the place of which I have spoken unto thee: behold, mine Angel shall go before thee: nevertheless in the day when I visit I will visit their sin upon them.
Jehovha akarova vanhu, nokuti vakanga vaita mhuru yakaitwa naAroni.And the LORD plagued the people, because they made the calf, which Aaron made.