Zvino Jehovha akati kuna. Mozisi, Pinda kuna Farao, uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.'And the LORD spake unto Moses, Go unto Pharaoh, and say unto him, Thus saith the LORD, Let my people go, that they may serve me.
Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya;And if thou refuse to let them go, behold, I will smite all thy borders with frogs:
rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhovo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;And the river shall bring forth frogs abundantly, which shall go up and come into thine house, and into thy bedchamber, and upon thy bed, and into the house of thy servants, and upon thy people, and into thine ovens, and into thy kneadingtroughs:
matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.And the frogs shall come up both on thee, and upon thy people, and upon all thy servants.
Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, `Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyikaAnd the LORD spake unto Moses, Say unto Aaron, Stretch forth thine hand with thy rod over the streams, over the rivers, and over the ponds, and cause frogs to come up upon the land of Egypt.
Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeljipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti.And Aaron stretched out his hand over the waters of Egypt; and the frogs came up, and covered the land of Egypt.
N’anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.And the magicians did so with their enchantments, and brought up frogs upon the land of Egypt.
Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.Then Pharaoh called for Moses and Aaron, and said, Intreat the LORD, that he may take away the frogs from me, and from my people; and I will let the people go, that they may do sacrifice unto the LORD.
Mozisi akati kuna Farao, imwi mukudzwe kupfuura ini ! Ndokunyengetererai nguva ipi, imwi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?And Moses said unto Pharaoh, Glory over me: when shall I intreat for thee, and for thy servants, and for thy people, to destroy the frogs from thee and thy houses, that they may remain in the river only?
Iye akati, Mangwana. Akati, Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu.And he said, To morrow. And he said, Be it according to thy word: that thou mayest know that there is none like unto the LORD our God.
Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi.And the frogs shall depart from thee, and from thy houses, and from thy servants, and from thy people; they shall remain in the river only.
Mozisi naAroni vakabuda muna Farao, Mozisi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao.And Moses and Aaron went out from Pharaoh: and Moses cried unto the LORD because of the frogs which he had brought against Pharaoh.
Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMozisi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa.And the LORD did according to the word of Moses; and the frogs died out of the houses, out of the villages, and out of the fields.
Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa.And they gathered them together upon heaps: and the land stank.
Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa moyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha.But when Pharaoh saw that there was respite, he hardened his heart, and hearkened not unto them; as the LORD had said.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Iti kuna Aroni, `Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyikaAnd the LORD said unto Moses, Say unto Aaron, Stretch out thy rod, and smite the dust of the land, that it may become lice throughout all the land of Egypt.
Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yoseAnd they did so; for Aaron stretched out his hand with his rod, and smote the dust of the earth, and it became lice in man, and in beast; all the dust of the land became lice throughout all the land of Egypt.
N’anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo.And the magicians did so with their enchantments to bring forth lice, but they could not: so there were lice upon man, and upon beast.
Zvino n’anga dzakati kuna Farao, Munwe waMwari ; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.Then the magicians said unto Pharaoh, This is the finger of God: and Pharaoh’s heart was hardened, and he hearkened not unto them; as the LORD had said.
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.'And the LORD said unto Moses, Rise up early in the morning, and stand before Pharaoh; lo, he cometh forth to the water; and say unto him, Thus saith the LORD, Let my people go, that they may serve me.
Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.Else, if thou wilt not let my people go, behold, I will send swarms of flies upon thee, and upon thy servants, and upon thy people, and into thy houses: and the houses of the Egyptians shall be full of swarms of flies, and also the ground whereon they are.
Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose.And I will sever in that day the land of Goshen, in which my people dwell, that no swarms of flies shall be there; to the end thou mayest know that I am the LORD in the midst of the earth.
Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.And I will put a division between my people and thy people: to morrow shall this sign be.
Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi.And the LORD did so; and there came a grievous swarm of flies into the house of Pharaoh, and into his servants’ houses, and into all the land of Egypt: the land was corrupted by reason of the swarm of flies.
Zvino Farao akadana Mozisi naAroni, akati, Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.And Pharaoh called for Moses and for Aaron, and said, Go ye, sacrifice to your God in the land.
Mozisi akati, Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?And Moses said, It is not meet so to do; for we shall sacrifice the abomination of the Egyptians to the LORD our God: lo, shall we sacrifice the abomination of the Egyptians before their eyes, and will they not stone us?
Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.We will go three days’ journey into the wilderness, and sacrifice to the LORD our God, as he shall command us.
Farao akati, Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.And Pharaoh said, I will let you go, that ye may sacrifice to the LORD your God in the wilderness; only ye shall not go very far away: intreat for me.
Mozisi akati, Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.And Moses said, Behold, I go out from thee, and I will intreat the LORD that the swarms of flies may depart from Pharaoh, from his servants, and from his people, to morrow: but let not Pharaoh deal deceitfully any more in not letting the people go to sacrifice to the LORD.
Ipapo Mozisi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha.And Moses went out from Pharaoh, and intreated the LORD.
Jehovha akaita sezvakakumbira Mozisi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe.And the LORD did according to the word of Moses; and he removed the swarms of flies from Pharaoh, from his servants, and from his people; there remained not one.
Asi Farao akaomesa moyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda.And Pharaoh hardened his heart at this time also, neither would he let the people go.