Bhaibheri

Esiteri 10

Esther 10 · 3 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino mambo Ahashivheroshi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa.

2Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yaMakoronike amadzimambo eMedhia nePerisa?

3Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahashivheroshi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.