Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuo varume vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.Moreover the spirit lifted me up, and brought me unto the east gate of the LORD’S house, which looketh eastward: and behold at the door of the gate five and twenty men; among whom I saw Jaazaniah the son of Azur, and Pelatiah the son of Benaiah, the princes of the people.
Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanofunga zvakaipa, vanorayirira mano akaipa muguta rino;Then said he unto me, Son of man, these are the men that devise mischief, and give wicked counsel in this city:
vanoti, `Nguva ichigere kuswedera yokuvaka dzimba, guta igate, isu tiri nyama.'Which say, It is not near; let us build houses: this city is the caldron, and we be the flesh.
Naizvozvo chivaporofitira, Mwanakomana womunhu, chiporofita.Therefore prophesy against them, prophesy, O son of man.
Ipapo Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, akati kwandiri, Taura, uti, `Zvanzi naJehovha, ndizvo zvamakataura, imi imba yaIsiraeri; nokuti ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu.And the Spirit of the LORD fell upon me, and said unto me, Speak; Thus saith the LORD; Thus have ye said, O house of Israel: for I know the things that come into your mind, every one of them.
Makawanza vamakauraya muguta rino, makazadza nzira dzaro navakaurawa.'Ye have multiplied your slain in this city, and ye have filled the streets thereof with the slain.
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi muchabudiswa mukati maro.Therefore thus saith the Lord GOD; Your slain whom ye have laid in the midst of it, they are the flesh, and this city is the caldron: but I will bring you forth out of the midst of it.
Makatya munondo; ini ndichauyisa munondo pamusoro penyu,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.Ye have feared the sword; and I will bring a sword upon you, saith the Lord GOD.
Ini ndichakubudisai mukati maro, ndichakuisai mumaoko avatorwa, ndichaita zvandakatonga pakati penyu.And I will bring you out of the midst thereof, and deliver you into the hands of strangers, and will execute judgments among you.
Muchaurawa nomunondo; ndichakutongai munyika yaIsiraeri, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.-Ye shall fall by the sword; I will judge you in the border of Israel; and ye shall know that I am the LORD.
Guta rino haringavi gate renyu, nemi hamungavi nyama mukati maro; ndichakutongai munyika yaIsiraeri.This city shall not be your caldron, neither shall ye be the flesh in the midst thereof; but I will judge you in the border of Israel:
Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kufamba nemitemo yangu kana kuita zvandakarayira, asi makatevera mirayiro yamarudzi anokupoteredzai.And ye shall know that I am the LORD: for ye have not walked in my statutes, neither executed my judgments, but have done after the manners of the heathen that are round about you.
Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nenzwi guru ndichiti, Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vose vaIsiraeri here?And it came to pass, when I prophesied, that Pelatiah the son of Benaiah died. Then fell I down upon my face, and cried with a loud voice, and said, Ah Lord GOD! wilt thou make a full end of the remnant of Israel?
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,Again the word of the LORD came unto me, saying,
Mwanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, vanhu vorudzi rwako, neimba yose yaIsiraeri, ivo vose, ndivo vakanzi navagere Jerusaremu, `Ibvai kure naJehovha, nyika ino yakapiwesu, ive yedu.'Son of man, thy brethren, even thy brethren, the men of thy kindred, and all the house of Israel wholly, are they unto whom the inhabitants of Jerusalem have said, Get you far from the LORD: unto us is this land given in possession.
Naizvozvo uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, zvandakavabvisa, ndikavaisa kure pakati pamarudzi, uye zvandakavaparadzira pakati penyika, ndichava kwavari nzvimbo tsvene nguva duku kunyika idzo kwavakaenda kwadziri;'Therefore say, Thus saith the Lord GOD; Although I have cast them far off among the heathen, and although I have scattered them among the countries, yet will I be to them as a little sanctuary in the countries where they shall come.
naizvozvo uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsiraeri.'Therefore say, Thus saith the Lord GOD; I will even gather you from the people, and assemble you out of the countries where ye have been scattered, and I will give you the land of Israel.
Vachadzokerako nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza.And they shall come thither, and they shall take away all the detestable things thereof and all the abominations thereof from thence.
Ndichavapa moyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa moyo webwe munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama;And I will give them one heart, and I will put a new spirit within you; and I will take the stony heart out of their flesh, and will give them an heart of flesh:
kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.That they may walk in my statutes, and keep mine ordinances, and do them: and they shall be my people, and I will be their God.
Asi kana vari ivo, vane moyo inotevera moyo yezvinhu zvavo zvinosemesa nezvinonyangadza, ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.But as for them whose heart walketh after the heart of their detestable things and their abominations, I will recompense their way upon their own heads, saith the Lord GOD.
Ipapo makerubhi akasimudza mapapiro awo, namakumbo engoro akanga ari pamativi awo; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwavo.Then did the cherubims lift up their wings, and the wheels beside them; and the glory of the God of Israel was over them above.
Kubwinya kwaJehovha ndokukwira kuchibva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta.And the glory of the LORD went up from the midst of the city, and stood upon the mountain which is on the east side of the city.
Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.Afterwards the spirit took me up, and brought me in a vision by the Spirit of God into Chaldea, to them of the captivity. So the vision that I had seen went up from me.
Ipapo ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.Then I spake unto them of the captivity all the things that the LORD had shewed me.