Bhaibheri

Ezekieri 15

Ezekiel 15 · 8 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,

2Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa unopfuura mimwe miti yose neiko, iro davi romuzambiringa riri pakati pemiti iri kudondo?

3Danda ringatorwapo rokuita basa naro here? Kana vanhu vangatorapo mbambo yokuturikisa mudziyo upi noupi here?

4Tarirai, unokandirwa mumoto dzive huni; moto wapedza miromo miviri yawo, napakati watsvawo, zvino uchabatsira pabasa here?

5Tarirai, uchakanaka hauna kukwanira basa chose; ndoda zvino kana moto waupedza, kana watsva, haukwaniri basa!

6Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Somuti womuzambiringa pakati pemiti iri kudondo, wandakaisa kumoto dzive huni, saizvozvo ndakaisa vagere Jerusaremu pakuparadzwa.

7Ndichavarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa.

8Ndichaparadza nyika, nokuti vakandidarikira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.