Ezekieri 2
Ezekiel 2 · 10 verses
1Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.
2Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni.
3Iye akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana vaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva ranhasi.
4Vana vane zviso zvisina kunyara nemoyo mikukutu; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi nalshe Jehovha.
5'Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nokuti ivo iimba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.'
6Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba kwazvo.
7Asi iwe unofanira kuvavudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo.
8Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa.
9Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri, tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo;
10akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.