Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pamakomo aIsiraeri, uti, Imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raJehovha.Also, thou son of man, prophesy unto the mountains of Israel, and say, Ye mountains of Israel, hear the word of the LORD:
Zvanzi naIshe Jehovha, Muvengi wako zvaakati pamusoro pako, `Toko waro!' Uye, nzvimbo dzakakwirira dzekare inhaka yedu;Thus saith the Lord GOD; Because the enemy hath said against you, Aha, even the ancient high places are ours in possession:
naizvozvo porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, `Nemhaka iyi, zvavakakuitai dongo, nokukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka yamarudzi avanhu akasara, zvamakarehwa nemiromo yavanotaura, mukaitirwa makuhwa navanhu;'Therefore prophesy and say, Thus saith the Lord GOD; Because they have made you desolate, and swallowed you up on every side, that ye might be a possession unto the residue of the heathen, and ye are taken up in the lips of talkers, and are an infamy of the people:
naizvozvo, imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo nokuhova nokumipata nokunzvimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, ava chinhu chinopambwa nechinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza;Therefore, ye mountains of Israel, hear the word of the Lord GOD; Thus saith the Lord GOD to the mountains, and to the hills, to the rivers, and to the valleys, to the desolate wastes, and to the cities that are forsaken, which became a prey and derision to the residue of the heathen that are round about;
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvirokwazvo, ndakataura nomoto wegodo rangu pamusoro pavakasara vamarudzi napamusoro peEdhomu rose, ivo vakazvitorera nyika yangu vachiti ive nhaka yavo, vachingofara nomoyo wavo wose vachishora nemweya yavo, kuti vairasire kure ipambwe.'Therefore thus saith the Lord GOD; Surely in the fire of my jealousy have I spoken against the residue of the heathen, and against all Idumea, which have appointed my land into their possession with the joy of all their heart, with despiteful minds, to cast it out for a prey.
Naizvozvo porofita pamusoro penyika yaIsiraeri, uti kumakomo nokuzvikomo, nokuhova nokumipata, zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai ndakataura negodo rangu nokutsamwa kwangu, nokuti makashorwa namarudzi;'Prophesy therefore concerning the land of Israel, and say unto the mountains, and to the hills, to the rivers, and to the valleys, Thus saith the Lord GOD; Behold, I have spoken in my jealousy and in my fury, because ye have borne the shame of the heathen:
naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Ndakapika ndichiti, zvirokwazvo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo achashorwa.Therefore thus saith the Lord GOD; I have lifted up mine hand, Surely the heathen that are about you, they shall bear their shame.
Asi imi, makomo aIsiraeri, muchabudisa matavi enyu, nokuberekera vanhu vangu vaIsiraeri michero nokuti vava kuda kusvika.'But ye, O mountains of Israel, ye shall shoot forth your branches, and yield your fruit to my people of Israel; for they are at hand to come.
Nokuti tarirai, ndinemi, ndichatsaukira kwamuri, mucharimwa nokudzvarwa;For, behold, I am for you, and I will turn unto you, and ye shall be tilled and sown:
ndichawanza vanhu pamusoro pako, iyo imba yose yaIsiraeri, ivo vose; maguta achagarwa, namatongo achavakwa;And I will multiply men upon you, all the house of Israel, even all of it: and the cities shall be inhabited, and the wastes shall be builded:
ndichawanza pamusoro penyu vanhu nezvipfuwo, vachawanda nokuberekana; ndichagarisa vanhu mukati menyu, sezvamakanga makaita kare, nokukuitirai zvakanaka zvinopfuura zvapakuvamba kwenyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.And I will multiply upon you man and beast; and they shall increase and bring fruit: and I will settle you after your old estates, and will do better unto you than at your beginnings: and ye shall know that I am the LORD.
Zvirokwazvo, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, ivo vanhu vangu vaIsiraeri; vachakuita wavo, uchava nhaka yavo, kubva zvino haungazovatoreri vana vavo.Yea, I will cause men to walk upon you, even my people Israel; and they shall possess thee, and thou shalt be their inheritance, and thou shalt no more henceforth bereave them of men.
Zvanzi naIshe Jehovha, `Zvavanoti kwauri, iwe uri nyika inopedza vanhu, wakatorera rudzi rwako vana;Thus saith the Lord GOD; Because they say unto you, Thou land devourest up men, and hast bereaved thy nations;
naizvozvo hauchazopedzi vanhu, kana kuzotorera rudzi rwako vana,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;Therefore thou shalt devour men no more, neither bereave thy nations any more, saith the Lord GOD.
handichazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, haungazoshorwi navanhu, haungazogumbusi rudzi rwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.Neither will I cause men to hear in thee the shame of the heathen any more, neither shalt thou bear the reproach of the people any more, neither shalt thou cause thy nations to fall any more, saith the Lord GOD.
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,Moreover the word of the LORD came unto me, saying,
Mwanakomana womunhu, nguva yavakagara panyika yavo, imba yaIsiraeri yakaisvibisa nomufambiro wavo nezvavaiita; mufambiro wavo pamberi pangu wakanga wakaita setsvina yomukadzi ari kumwedzi kwake.Son of man, when the house of Israel dwelt in their own land, they defiled it by their own way and by their doings: their way was before me as the uncleanness of a removed woman.
Naizvozvo ndakateurira hasha dzangu pamusoro pavo nemhaka yeropa ravakateurira pamusoro penyika, zvavakaisvibisa nezvifananidzo zvavo;Wherefore I poured my fury upon them for the blood that they had shed upon the land, and for their idols wherewith they had polluted it:
ndikavaparadzira pakati pamarudzi, vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo nezvavakaita.And I scattered them among the heathen, and they were dispersed through the countries: according to their way and according to their doings I judged them.
Zvino vakati vachisvika kumarudzi, kwavakaenda, vakamhura zita rangu dzvene, nokuti vanhu vakati pamusoro pavo, `Ava ndivo vanhu vaJehovha, vakabuda panyika yake.'And when they entered unto the heathen, whither they went, they profaned my holy name, when they said to them, These are the people of the LORD, and are gone forth out of his land.
Asi ndakanga ndinehanya nezita rangu dzvene, rakanga ramhurwa neimba yaIsiraeri pakati pamarudzi kwavakaenda.But I had pity for mine holy name, which the house of Israel had profaned among the heathen, whither they went.
Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, `Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsiraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.'Therefore say unto the house of Israel, Thus saith the Lord GOD; I do not this for your sakes, O house of Israel, but for mine holy name’s sake, which ye have profaned among the heathen, whither ye went.
Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati pavo; zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.And I will sanctify my great name, which was profaned among the heathen, which ye have profaned in the midst of them; and the heathen shall know that I am the LORD, saith the Lord GOD, when I shall be sanctified in you before their eyes.
Nokuti ndichakubvisai pakati pamarudzi, nokukuunganidzai kunyika azose, ndikuisei kunyika yenyu.For I will take you from among the heathen, and gather you out of all countries, and will bring you into your own land.
Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, muve vakachena; ndichakunatsai matsvina enyu ose nezvifananidzo zvenyu zvose.Then will I sprinkle clean water upon you, and ye shall be clean: from all your filthiness, and from all your idols, will I cleanse you.
Ndichakupaiwo moyo mutsva, nokuisa mukati menyu mweya mutsva; ndichabvisa moyo webwe panyama yenyu, ndikupei moyo wenyama.A new heart also will I give you, and a new spirit will I put within you: and I will take away the stony heart out of your flesh, and I will give you an heart of flesh.
Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu, nokukufambisai nemitemo yangu; muchachengeta zvandakarayira nokuzviita.And I will put my spirit within you, and cause you to walk in my statutes, and ye shall keep my judgments, and do them.
Muchagara munyika yandakapa madzibaba enyu; muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.And ye shall dwell in the land that I gave to your fathers; and ye shall be my people, and I will be your God.
Ndichakuponesai patsvina yenyu yose; ndichadana zviyo, nokuzviwanza, handingakuremedziyi nenzara.I will also save you from all your uncleannesses: and I will call for the corn, and will increase it, and lay no famine upon you.
Ndichawanza michero yemiti, nezvinomera muminda, kuti murege kuzoshorwa namarudzi avanhu zvichinzi mune nzara.And I will multiply the fruit of the tree, and the increase of the field, that ye shall receive no more reproach of famine among the heathen.
Ipapo mucharangarira mufambiro wenyu wakaipa, nezvamakaita zvisina kunaka; muchazvisema mumene pamusoro pezvakaipa zvenyu nezvinonyangadza zvenyu.Then shall ye remember your own evil ways, and your doings that were not good, and shall lothe yourselves in your own sight for your iniquities and for your abominations.
Handiiti izvozvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha muzive izvozvo; nyarai muve nenyadzi pamusoro pomufambiro wenyu, imi imba yaIsiraeri.Not for your sakes do I this, saith the Lord GOD, be it known unto you: be ashamed and confounded for your own ways, O house of Israel.
Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva randichakunatsai pazvakaipa zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta, namatongo achavakwa.Thus saith the Lord GOD; In the day that I shall have cleansed you from all your iniquities I will also cause you to dwell in the cities, and the wastes shall be builded.
Nyika yakanga iri dongo icharimwa, iyo yakanga iri dongo pamberi pavose vaipfuura napo.And the desolate land shall be tilled, whereas it lay desolate in the sight of all that passed by.
Ipapo vachati, `Nyika iyi yaiva dongo, yafanana nomunda weEdheni; maguta akanga akaparadzwa akasiyiwa aiva matongo, iwo avakirwa ogarwa.'And they shall say, This land that was desolate is become like the garden of Eden; and the waste and desolate and ruined cities are become fenced, and are inhabited.
Ipapo marudzi akasara kumativi enyu ose achaziva kuti ini Jehovha, ndini ndakavaka nzvimbo idzo dzaiva matongo, ndikasimazve pakanga pakaparadzwa; ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita.Then the heathen that are left round about you shall know that I the LORD build the ruined places, and plant that that was desolate: I the LORD have spoken it, and I will do it.
Zvanzi naIshe Jehovha, Asi ndinoda kukumbirwa chinhu ichi neimba yaIsiraeri, kuti ndivaitire izvozvo; ndichavawanzira vanhu, vave seboka ramakwai.Thus saith the Lord GOD; I will yet for this be enquired of by the house of Israel, to do it for them; I will increase them with men like a flock.
Sezvakaita boka ramakwai anobayirwa Jehovha, sezvakaita boka ramakwai muJerusaremu pamitambo yakatarwa, saizvozvo maguta aiva matongo achazadzwa namapoka avanhu; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.As the holy flock, as the flock of Jerusalem in her solemn feasts; so shall the waste cities be filled with flocks of men: and they shall know that I am the LORD.