Ezekieri 43
Ezekiel 43 · 27 verses
1Pashure akandiisa kusuo, iro suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva.
2Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakabva kurutivi rwamabvazuva; inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji; pasi pakapenya nokubwinya kwake.
3Zvakanga zvakafanana nezvandakaona, izvo zvandakaona nguva yandakauya kuzoparadza guta; zvandakaona zvino zvakanga zvakafanana nezvandakaona parwizi rwaKebhari; ini ndikawira pasi nechiso changu.
4Kubwinya kwaJehovha kukapinda mumba nenzira yesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva.
5Mweya ukandisimudza, ukandiisa muruvanze rwomukati; zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba.
6Zvino ndikanzwa mumwe achitaura neni ari mumba; mumwe murume akamira neni.
7Akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu chovushe, nenzvimbo inotsika tsoka dzangu, pandichagara pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haingazosvibisi zita rangu dzvene, kunyange ivo, kunyange madzimambo avo, nokufeva kwavo uye nezvitunha zvamadzimambo avo panzvimbo dzavo dzakakwirira;
8nokuisa chikumbaridzo chavo pachikumbaridzo changu, nembiru dzemikova yavo parutivi rwembiru dzemikova yangu, kukangova nechidziro pakati pangu naivo; vakasvibisa zita rangu nezvinonyangadza zvavo zvavakaita; naizvozvo ndakavapedza nokutsamwa kwangu.
9Zvino ngavarashe kufeva kwavo, nezvitunha zvamadzimambo avo, zvive kure neni, ndigogara pakati pavo nokusingaperi.
10Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ratidza imba yaIsiraeri imba ino, kuti vanyare pamusoro pezvakaipa zvavo; ngavayere maitirwo ayo.
11Zvino kana vachinyara pamusoro pezvose zvavakaita, uvazivise chimiro cheimba, nokurongerwa kwayo, napanobudiwa napo, napanopindwa napo, nezvimiro zvayo zvose, nemitemo yayo yose, nezvimiro zvayo zvose, nemirayiro yayo yose; uzvinyore vachizviona, kuti vachengete chimiro chayo chose, nemitemo yayo yose, vazviite.
12Uyu ndiwo murayiro weimba: Pamusoro pegomo kumuganho waro wose kumativi ose pachava patsvene kwazvo. Tarirai, ndiwo murayiro weimba.
13Uhwu ndihwo ukuru hwearitari zvichiyerwa namamita mita ndiro mita rimwe noupamhi hwechanza: Chigadziko chinofanira kuita mita rimwe, noupamhi mita rimwe; chitenderedzo chayo panhivi dzayo chinofanira kuita upamhi hwechanza, ndipo pasi pearitari.
14Kubva pachigadziko pasi kusvikira pamusara wapanyasi zvinofanira kuita mamita maviri, noupamhi mita rimwe; kubva pamusara muduku kusvikira pamusara mukuru zvinofanira kuita mamita mana, nohupamhi mita rimwe.
15Aritari yokumusoro inofanira kuita mamita mana; kubva pachoto chearitari zvichienda kumusoro kunofanira kuva nenyanga ina.
16Choto chearitari chinofanira kuita mamita ane gumi namaviri pakureba, naane gumi namaviri paupamhi, mativi aro mana akaenzana.
17Musara unofanira kuita mamita ane gumi namana pakureba, uye ane gumi namana paupamhi kumativi aro mana; chitenderedzo chinopoteredza chinofanira kuita hafu yemita; chigadziko chayo chinofanira kuita mita rimwe kumativi ose; zvikwiriso zvayo zvinofanira kutarira kurutivi rwamabvazuva.
18Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iyi ndiyo mitemo yearitari nezuva ravanoriita, kuzopisirapo zvibayiro zvinopiswa, nokusasirapo ropa.
19Unofanira kupa vapirisiti vaRevhi vorudzi rwaZadhoki, vanoswedera kwandiri kuzondishumira, nzombe duku chive chipiriso chezvivi,' ndizvo zvinotaura Jehovha.
20Zvino unofanira kutora rimwe ropa rayo, ndokuriisa panyanga dzaro ina, napamakona mana omusara, napachitenderedzo chakapoteredza; saizvozvo unofanira kurinatsa nokuriyananisira.
21Unofanira kutorawo nzombe yechipiriso chezvivi, ipiswe panzvimbo yakatarwa yeimba kunze kwenzvimbo tsvene.
22Nezuva repiri unofanira kubayira nhongo isina mhosva, chive chipiriso chezvivi; zvino vanofanira kunatsa aritari, sezvavakarinatsa nenzombe.
23Kana wapedza kurinatsa, unofanira kubayira nzombe duku isina mhosva, nehondohwe rakatorwa kumakwai.
24Unofanira kuzviswededza pamberi paJehovha, vapirisiti vagokushira munyu pamusoro pazvo, ndokuzvibayira chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
25Uite mazuva mana uchigadzira nhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chezvivi; vanofanirawo kugadzira nzombe duku nehondohwe rinotorwa kumakwai zvisina mhosva.
26Vanofanira kuita mazuva manomwe vachiyananisira aritari nokurinatsa, nokuritsaurira Jehovha.
27Zvino kana vapedeza mazuva, nezuva rorusere, naanotevera, vapirisiti vanofanira kuuya nezvipiriso zvenyu zvinopiswa paaritari, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa, ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.