Bhaibheri

Ezekieri 7

Ezekiel 7 · 27 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,

2Iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yaIsiraeri, `Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.'

3Zvino kuguma kwasvika kwauri, ini ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichakutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa pamusoro pako zvinonyangadza zvako zvose.

4Ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo; asi ndichauyisa nzira dzako pamusoro pako, nezvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.

5Zvanzi naIshe Jehovha, `Njodzi, njodzi imwechete, tarirai, inouya.'

6Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira mangwanani; tarirai, kwasvika.

7Dzoro rako rasvika, iwe ugere panyika; nguva yasvika, zuva rava pedo, zuva rebope, risati riri rokupururudza pamusoro pamakomo.

8Zvino ndobva ndodururira hasha dzangu pamusoro pako, ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, nokukutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa zvinonyangadza zvako zvose pamusoro pako.

9Ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsiwo; ndichauyisa pamusoro pako zvakafanira nzira dzako; zvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndinorova.

10Tarirai zuva, tarirai rosvika; dzoro rako rabuda; shamhu yatumbuka, kuzvikudza kwabukira.

11Kuita nesimba kwamuka, kwaita shamhu yezvakashata; hakuna chichasara kwavari, kana pavanhu vavo vazhinji, kana pafuma yavo; hakungavi nechinhu chakanaka pakati pavo.

12Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.

13Nokuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyange vachiri vapenyu; nokuti zvakaonekwa pamusoro pavazhinji vose venyika hazvingadzoswi; hakuna angazvisimbisa nezvakaipa zviri pamugariro wake.

14Vakaridza hwamanda, vakagadzira zvose asi hakuna anoenda kundorwa; nokuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pavazhinji vose venyika.

15Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurawa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nehosha yakaipa.

16Asi vanopukunyuka pakati pavo vachapukunyuka; vachava pamakomo senjiva dzemipata, vachichema vose, mumwe nomumwe pamusoro pezvakaipa zvake.

17Maoko ose achashayiwa simba, mabvi ose achati rukutu semvura.

18Vachazvisunga zviuno namasaga, vachafukidzwa nokutya kukuru, kunyara kuchava pazviso zvose, nemhanza pamisoro yavo yose.

19Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yavo kana kuzadza vura bwavo, nokuti ndicho chaiva chigumbuso chezvakaipa zvavo.

20Kana huri ukomba hwavo hwakanaka, vakaita manyawi nazvo; asi vakaita nazvo zvifananidzo zvezvinonyangadza zvavo nezvezvinosemesa zvavo; naizvozvo ndichachiita kwavari sechinhu chisina kunaka.

21Ndichachiisa mumaoko avatorwa chive chinhu chakapambwa, ivo vachasvibiswa.

22Ndicharambawo kuvatarira nechiso changu, vachasvibisa fuma yangu; mbavha dzichapindamo, dzichiisvibisa.

23Itai ngetani, nokuti nyika izere ne mhaka dzeropa, guta rizere nokuita nesimba.

24Naizvozvo ndichauyisa marudzi akanyanya kuipa kwazvo, ivo vachatora dzimba dzavo; ndichagumisawo manyawi avane simba, nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.

25Njodzi inouya; vachatsvaka rugare, asi harungavipo.

26Njodzi ichateverwa nenjodzi, guhu richateverwa neguhu; vachandotsvaka kumuporofita zvaakaona, asi murayiro uchanyangarikira mupirisiti, namano achashaikwa kuvakuru.

27Mambo achachema, muchinda achafuka kuparadza, namaoko avanhu venyika achakanganiswa; ndichavaitira zvakafanira nzira dzavo, ndichavatonga sezvavakafanira; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.