Genesisi 12
Genesis 12 · 20 verses
1Zvino Jehovha wakati kunaAbhuramu, Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo;
2ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe.
3Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.
4Naizvozvo Abhuramu wakaenda sezvaakaudzwa naJehovha; naRoti wakaenda naye. Abhuramu wakanga ana makore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani.
5Abhuramu akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana womunun’una wake, nefuma yavo yose yavakanga vaunganidza, navana vavakanga vabereka paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKenani; vakandosvika kunyika yeKenani.
6Abhuramu akagura nenyika iyo akasvika panzvimbo inonzi Shekemu, pamuti womuouki weMore; nguva iyo vaKenani vakanga vari munyika iyo.
7Zvino Jehovha wakazviratidza kuna Abhuramu, akati, Ndichapa vana vako nyika iyi; akavakira Jehovha aritari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari.
8Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha aritari, akanamata Zita raJehovha ipapo.
9Kubva ipapo Abhuramu wakaramba achitamira kumavirazuva.
10Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira Ijipiti kundogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo.
11Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka pachiso chako;
12kana vaIjipiti vachikuona, vachati, `Ndiye mukadzi wake', vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu.
13Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame nokuda kwako.
14Zvino Abhuramu achisvika Ijipiti, valjipiti vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.
15Namachinda aFarao akamuonawo, vakandomurumbidza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao.
16Akaitira Abhuramu zvakanaka nokuda kwake; waiva namakwai, nemombe, namakono emadhongi, navaranda, navarandakadzi, namadhongi echikadzi, namakamera.
17Asi Jehovha wakatambudza Farao neveimba yake namatambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbhuramu.
18Zvino Farao wakadana Abhuramu akati, Chiiko ichi chawakandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mukadzi wako.
19Wakarevereiko uchiti, `Ihanzvadzi yangu?' Naizvozvo ndakamutora kuti ave mukadzi wangu; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.
20Zvino Farao akaraira vamwe varume pamusoro pake, vakamuperekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.