Bhaibheri

Genesisi 14

Genesis 14 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino nenguva yaAmuraferi, mambo weShinari, naArioki mambo weErasari, naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi,

2vakarwa naBhera, mambo weSodhomu, naBherisha, mambo weGomora, naShinabhi, mambo weAdhamu, naShemebheri, mambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari).

3Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu (ndiro Gungwa roMunyu).

4Vakanga vava varanda veKedhoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu.

5Ipapo Kedhoriraomeri wakauya negore regumi namana, namadzimambo aakanga anawo, akakunda vaRefaimi paAshitoreti karinaimi, navaZuzimi paHamu, navaEmimi paShave-kiriataimi,

6navaHori pagomo ravo reSeiri, kusvikira paEriparani, pedo nesango.

7Vakadzoka, vakasvika Enimishipati (rinonziwo Kadheshi), vakakunda nyika yose yavaAmareki, navaAmori, vakanga vagere paHazazoni-tamari.

8Zvino mambo weSodhomu, namambo weGomora, namambo weAdhamu, namambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari), vakabuda vakagadzira hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu;

9kuti varwe naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi, naAmuraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana kuti arwe namadzimambo mashanu.

10Zvino mupata weSidhimu wakanga uzere namakomba ane tara, madzimambo eSodhomu neGomora vakatiza vakawiramo; vakasara vakatizira kugomo.

11Vakatora fuma yose yeSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda.

12Vakatorawo Roti, mwanakomana womunun’una waAbhuramu wakanga agere paSodhomu, nefuma yake, vakaenda.

13Zvino mumwe wakanga apukunyuka wakasvika, akaudza Abhuramu, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamure, muAmori, munun’una waEshikori, munun’una waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbhuramu.

14Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vakazvarwa paimba yake, vana mazana matatu negumi navasere, akavateverera kusvikira paDhani;

15akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavakunda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko.

16Akadzosa fuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nefuma yake, navakadziwo navanhu.

17Ipapo mambo weSodhomu wakabuda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhorir-omeri namadzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).

18Merikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga.

19Akamuropafadza, akati, Abhuramu ngaaropafadzwe naMwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi.

20Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu. Akamupa chegumi chezvose.

21Zvino mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, Ndipe vanhu, iwe utore hako fuma.

22Abhuramu akati kuna mambo weSodhomu, Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi,

23kuti handingatori rushinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, `Ndini ndakafumisa Abhuramu',

24ini handidi hangu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshikori, naMamure, ngavatore migove yavo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.