Vatumwa vaviri vakasvika Sodhomu madekwana; Roti akanga agere pasuo reSodhomu; Roti akavaona, akasimuka, akaenda kundosangana navo, akakotamira pasi nechiso chake;And there came two angels to Sodom at even; and Lot sat in the gate of Sodom: and Lot seeing them rose up to meet them; and he bowed himself with his face toward the ground;
akati, Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, muvate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu. Ivo vakati, Kwete tichavata hedu padare usiku hwose.And he said, Behold now, my lords, turn in, I pray you, into your servant’s house, and tarry all night, and wash your feet, and ye shall rise up early, and go on your ways. And they said, Nay; but we will abide in the street all night.
Akavanyengetera zvikuru; vakadzimara votsaukira kwaari, vakapinda mumba make; akavagadzirira chirayiro, akabika chingwa chisina mbiriso, vakadya;And he pressed upon them greatly; and they turned in unto him, and entered into his house; and he made them a feast, and did bake unleavened bread, and they did eat.
zvino vasati vavata, varume veguta, ivo varume veSodhomu, vakakomba imba, vaduku navakuru, vanhu vose vokumativi ose;But before they lay down, the men of the city, even the men of Sodom, compassed the house round, both old and young, all the people from every quarter:
vakadanidzira kuna Roti, vakati kwaari, Vari kupiko varume vakapinda kumba kwako usiku huno? Vaburitsirei kwatiri, kuti tivazive.And they called unto Lot, and said unto him, Where are the men which came in to thee this night? bring them out unto us, that we may know them.
Roti akabuda akaenda kwavari kumusuo, akazarira musuo shure kwake.And Lot went out at the door unto them, and shut the door after him,
Akati, Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu.And said, I pray you, brethren, do not so wickedly.
Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu.Behold now, I have two daughters which have not known man; let me, I pray you, bring them out unto you, and do ye to them as is good in your eyes: only unto these men do nothing; for therefore came they under the shadow of my roof.
Ivo vakati, Suduruka! Vakati, Munhu uyu wakauya kuzogara pano ari mutorwa, iye zvino anoda kuva mutongi. Zvino tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo. Vakamanikidza murume uyo Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.And they said, Stand back. And they said again, This one fellow came in to sojourn, and he will needs be a judge: now will we deal worse with thee, than with them. And they pressed sore upon the man, even Lot, and came near to break the door.
Asi varume vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga gonhi.But the men put forth their hand, and pulled Lot into the house to them, and shut to the door.
Vakapofomadza vakanga vari pamusuo, vaduku navakuru; vakazvinetsa vachitsvaka musuo.And they smote the men that were at the door of the house with blindness, both small and great: so that they wearied themselves to find the door.
Varume vakati kuna Roti, Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vanakomana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno.And the men said unto Lot, Hast thou here any besides? son in law, and thy sons, and thy daughters, and whatsoever thou hast in the city, bring them out of this place:
Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza.For we will destroy this place, because the cry of them is waxen great before the face of the LORD; and the LORD hath sent us to destroy it.
Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino. Asi vakuwasha vake vakati, Anoita hake musare.And Lot went out, and spake unto his sons in law, which married his daughters, and said, Up, get you out of this place; for the LORD will destroy this city. But he seemed as one that mocked unto his sons in law.
Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.And when the morning arose, then the angels hastened Lot, saying, Arise, take thy wife, and thy two daughters, which are here; lest thou be consumed in the iniquity of the city.
Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.And while he lingered, the men laid hold upon his hand, and upon the hand of his wife, and upon the hand of his two daughters; the LORD being merciful unto him: and they brought him forth, and set him without the city.
Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.And it came to pass, when they had brought them forth abroad, that he said, Escape for thy life; look not behind thee, neither stay thou in all the plain; escape to the mountain, lest thou be consumed.
Roti akati kwavari, Kwete, ishe wangu, regai kudaro.And Lot said unto them, Oh, not so, my Lord:
Tarirai, muranda wenyu wakawana nyasha kwamuri, makurisa tsitsi dzenyu dzamakandiitira, zvamandiraramisa; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa.Behold now, thy servant hath found grace in thy sight, and thou hast magnified thy mercy, which thou hast shewed unto me in saving my life; and I cannot escape to the mountain, lest some evil take me, and I die:
Tarirai, guta iri riri pedo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, nditenderei kuti nditizire ikoko, (harizi duku here?) Mweya wangu urarame.Behold now, this city is near to flee unto, and it is a little one: Oh, let me escape thither, (is it not a little one?) and my soul shall live.
Iye akati kwaari, Tarira, ndakunzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handingaparadzi guta iri rawareva.And he said unto him, See, I have accepted thee concerning this thing also, that I will not overthrow this city, for the which thou hast spoken.
Kurumidza, utizireko, nokuti handigoni kuita chinhu usati wasvikapo. Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.Haste thee, escape thither; for I cannot do any thing till thou be come thither. Therefore the name of the city was called Zoar.
Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari.The sun was risen upon the earth when Lot entered into Zoar.
Ipapo Jehovha akanaisa pamusoro peSodhomu neGomora sarufa nomoto, zvichibva kudenga kuna Jehovha,Then the LORD rained upon Sodom and upon Gomorrah brimstone and fire from the LORD out of heaven;
akaparadza maguta iwayo, nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zvakanga zvamera pavhu.And he overthrew those cities, and all the plain, and all the inhabitants of the cities, and that which grew upon the ground.
Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akaitwa shongwe yomunyu.But his wife looked back from behind him, and she became a pillar of salt.
Zvino Abhurahamu wakamuka mangwanani, akaenda ikoko kwaakanga amire pamberi paJehovha;And Abraham gat up early in the morning to the place where he stood before the LORD:
akatarira kurutivi rweSodhomu neGomora nokunyika yose yebani, akaona utsi hwenyika iyo huchikwira soutsi hwechoto.And he looked toward Sodom and Gomorrah, and toward all the land of the plain, and beheld, and, lo, the smoke of the country went up as the smoke of a furnace.
Zvino Mwari wakati achiparadza maguta ebani, Mwari akarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pokuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.And it came to pass, when God destroyed the cities of the plain, that God remembered Abraham, and sent Lot out of the midst of the overthrow, when he overthrew the cities in the which Lot dwelt.
Zvino Roti wakakwira, achibva muZoari, akandogara mugomo, navakunda vake vaviri pamwechete naye; nokuti wakatya kugara muZoari; akagara, mubako, iye navakunda vake vaviri.And Lot went up out of Zoar, and dwelt in the mountain, and his two daughters with him; for he feared to dwell in Zoar: and he dwelt in a cave, he and his two daughters.
Zvino dangwe rakati kumuduku, Baba vedu vakwegura; hakuna murume panyika ino angapinda kwatiri nomutoo wenyika yose;And the firstborn said unto the younger, Our father is old, and there is not a man in the earth to come in unto us after the manner of all the earth:
uya, tinwise baba vedu waini, tivate navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.Come, let us make our father drink wine, and we will lie with him, that we may preserve seed of our father.
Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, wedangwe akapinda, akandovata nababa vake; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.And they made their father drink wine that night: and the firstborn went in, and lay with her father; and he perceived not when she lay down, nor when she arose.
Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwanezuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.And it came to pass on the morrow, that the firstborn said unto the younger, Behold, I lay yesternight with my father: let us make him drink wine this night also; and go thou in, and lie with him, that we may preserve seed of our father.
Vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, akandovata navo; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.And they made their father drink wine that night also: and the younger arose, and lay with him; and he perceived not when she lay down, nor when she arose.
Naizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo.Thus were both the daughters of Lot with child by their father.
Wedangwe akabereka mwanakomana,akamutumidza zita rinonzi Moabhu, kusvikira zuva ranhasi.And the firstborn bare a son, and called his name Moab: the same is the father of the Moabites unto this day.
Nomudukuwo wakabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheniami; ndivo baba vavana vaAmoni kusvikira zuva ranhasi.And the younger, she also bare a son, and called his name Benammi: the same is the father of the children of Ammon unto this day.