Abhurahamu zvino wakanga akwegura, ava mutana kwazvo; Jehovha wakanga aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose.And Abraham was old, and well stricken in age: and the LORD had blessed Abraham in all things.
Abhurahamu akataura nomuranda wake, waiva mukuru weimba yake, waichengeta zvose zvaakanga anazvo, achiti, Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,And Abraham said unto his eldest servant of his house, that ruled over all that he had, Put, I pray thee, thy hand under my thigh:
ndikupikise naJehovha, Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, vandinogara pakati pavo;And I will make thee swear by the LORD, the God of heaven, and the God of the earth, that thou shalt not take a wife unto my son of the daughters of the Canaanites, among whom I dwell:
asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi.But thou shalt go unto my country, and to my kindred, and take a wife unto my son Isaac.
Muranda akati kwaari, Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera kunyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?And the servant said unto him, Peradventure the woman will not be willing to follow me unto this land: must I needs bring thy son again unto the land from whence thou camest?
Abhurahamu akati kwaari, Chenjera kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko.And Abraham said unto him, Beware thou that thou bring not my son thither again.
Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, `Nyika ino ndichapa vana vako,' ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.The LORD God of heaven, which took me from my father’s house, and from the land of my kindred, and which spake unto me, and that sware unto me, saying, Unto thy seed will I give this land; he shall send his angel before thee, and thou shalt take a wife unto my son from thence.
Kana mukadzi asingatendi kukutevera, iwe uchasunungurwa pakupika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mwanakomana wangu ikoko.And if the woman will not be willing to follow thee, then thou shalt be clear from this my oath: only bring not my son thither again.
Ipapo muranda akaisa chanza chake pasi pechidya chatenzi wake, akamupikira pamusoro pechinhu ichocho.And the servant put his hand under the thigh of Abraham his master, and sware to him concerning that matter.
Muranda akatora makamera ane gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, aine nhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori.And the servant took ten camels of the camels of his master, and departed; for all the goods of his master were in his hand: and he arose, and went to Mesopotamia, unto the city of Nahor.
Akapfugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura nenguva yamadekwana, iri nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura;And he made his camels to kneel down without the city by a well of water at the time of the evening, even the time that women go out to draw water.
akati, Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni.And he said, O LORD God of my master Abraham, I pray thee, send me good speed this day, and shew kindness unto my master Abraham.
Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura.Behold, I stand here by the well of water; and the daughters of the men of the city come out to draw water:
Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, `Nditurirewo chirongo chako, ndinwe'; kana akati, `Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;' ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.And let it come to pass, that the damsel to whom I shall say, Let down thy pitcher, I pray thee, that I may drink; and she shall say, Drink, and I will give thy camels drink also: let the same be she that thou hast appointed for thy servant Isaac; and thereby shall I know that thou hast shewed kindness unto my master.
Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munun’una waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake.And it came to pass, before he had done speaking, that, behold, Rebekah came out, who was born to Bethuel, son of Milcah, the wife of Nahor, Abraham’s brother, with her pitcher upon her shoulder.
Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.And the damsel was very fair to look upon, a virgin, neither had any man known her: and she went down to the well, and filled her pitcher, and came up.
Ipapo muranda wakamhanyira kundosangana naye, akati, Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe.And the servant ran to meet her, and said, Let me, I pray thee, drink a little water of thy pitcher.
Iye akati, Inwai henyu, ishe wangu; akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa.And she said, Drink, my lord: and she hasted, and let down her pitcher upon her hand, and gave him drink.
Wakati apedza kumunwisa, akati, Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.And when she had done giving him drink, she said, I will draw water for thy camels also, until they have done drinking.
Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.And she hasted, and emptied her pitcher into the trough, and ran again unto the well to draw water, and drew for all his camels.
Murume akamutarisisa, anyerere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete.And the man wondering at her held his peace, to wit whether the LORD had made his journey prosperous or not.
Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo;And it came to pass, as the camels had done drinking, that the man took a golden earring of half a shekel weight, and two bracelets for her hands of ten shekels weight of gold;
akati, Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?And said, Whose daughter art thou? tell me, I pray thee: is there room in thy father’s house for us to lodge in?
Iye akati, Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waMirika, waakaberekera Nahori.And she said unto him, I am the daughter of Bethuel the son of Milcah, which she bare unto Nahor.
Akati kwaariwo, Tinahwo uswa hwakaoma nezvokudya zvizhinji, nopokuvatawo.She said moreover unto him, We have both straw and provender enough, and room to lodge in.
Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehovha.And the man bowed down his head, and worshipped the LORD.
Akati, Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.And he said, Blessed be the LORD God of my master Abraham, who hath not left destitute my master of his mercy and his truth: I being in the way, the LORD led me to the house of my master’s brethren.
Ipapo musikana wakamhanya, akandoudza veimba yamai vake mashoko iwaya.And the damsel ran, and told them of her mother’s house these things.
Zvino Rabheka wakanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani; Rabhani akabuda, akamhanyira kumurume kutsime.And Rebekah had a brother, and his name was Laban: and Laban ran out unto the man, unto the well.
Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, Ndizvo zvakataura murume kwandiri, akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime.And it came to pass, when he saw the earring and bracelets upon his sister’s hands, and when he heard the words of Rebekah his sister, saying, Thus spake the man unto me; that he came unto the man; and, behold, he stood by the camels at the well.
Akati, Pinda, iwe, wakaropafadzwa naJehovha; unomirireiko kunze? Nokuti ndagadzira imba nenzvimbo yamakamera.And he said, Come in, thou blessed of the LORD; wherefore standest thou without? for I have prepared the house, and room for the camels.
Murume akapinda mumba; akasunungura makamera akapa makamera uswa hwakaoma nezvokudya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzavarume vaakanga anavo.And the man came into the house: and he ungirded his camels, and gave straw and provender for the camels, and water to wash his feet, and the men’s feet that were with him.
Ipapo zvokudya zvakaiswa pamberi pake kuti adye; asi iye akati, Handingadyi ndisati ndambotaura mashoko angu. Akati, Taura hako.And there was set meat before him to eat: but he said, I will not eat, until I have told mine errand. And he said, Speak on.
Iye akati, Ndiri muranda waAbhurahamu.And he said, I am Abraham’s servant.
Jehovha wakaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.And the LORD hath blessed my master greatly; and he is become great: and he hath given him flocks, and herds, and silver, and gold, and menservants, and maidservants, and camels, and asses.
NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo.And Sarah my master’s wife bare a son to my master when she was old: and unto him hath he given all that he hath.
Tenzi wangu akandipikisa, akati, `Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere munyika yavo;And my master made me swear, saying, Thou shalt not take a wife to my son of the daughters of the Canaanites, in whose land I dwell:
asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.'But thou shalt go unto my father’s house, and to my kindred, and take a wife unto my son.
Ndikati kuna tenzi wangu, `Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera.'And I said unto my master, Peradventure the woman will not follow me.
Iye akati, `Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;And he said unto me, The LORD, before whom I walk, will send his angel with thee, and prosper thy way; and thou shalt take a wife for my son of my kindred, and of my father’s house:
uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri kana wasvika kuhama dzangu; kana vakaramba kukupa iye, uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri.'Then shalt thou be clear from this my oath, when thou comest to my kindred; and if they give not thee one, thou shalt be clear from my oath.
Zvino ndakasvika nhasi kutsime, ndikati, `Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchida kundifambisa zvakanaka parwendo rwangu rwandinofamba,And I came this day unto the well, and said, O LORD God of my master Abraham, if now thou do prosper my way which I go;
tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitwe, kuti musikana anobuda kuzochera mvura,' wandichati kwaari, `Dondipawo zvimvura pachirongo chako, ndinwe,'Behold, I stand by the well of water; and it shall come to pass, that when the virgin cometh forth to draw water, and I say to her, Give me, I pray thee, a little water of thy pitcher to drink;
iye akati kwandiri, `Inwai henyu, imwi, uye ndichacherera makamera enyuwo,' iye ave mukadzi wakatsaurirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.And she say to me, Both drink thou, and I will also draw for thy camels: let the same be the woman whom the LORD hath appointed out for my master’s son.
Zvino ndisati ndapedza kutaura mumoyo mangu, ndikaona Rabheka achiuya aine chirongo chake pafudzi rake; akaburukira kutsime, akachera; ndikati kwaari, `Dondipawo, ndinwe.'And before I had done speaking in mine heart, behold, Rebekah came forth with her pitcher on her shoulder; and she went down unto the well, and drew water: and I said unto her, Let me drink, I pray thee.
Iye akakurumidza, akatura chirongo chake pafudzi rake, akati, `Inwai henyu, uye ndichanwisa makamera enyuwo'; ini ndikanwa, akanwisa makamerawo.And she made haste, and let down her pitcher from her shoulder, and said, Drink, and I will give thy camels drink also: so I drank, and she made the camels drink also.
Zvino ndakamubvunza, ndikati, `Uri mukunda waaniko?' Iye akati, `Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;' ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.And I asked her, and said, Whose daughter art thou? And she said, The daughter of Bethuel, Nahor’s son, whom Milcah bare unto him: and I put the earring upon her face, and the bracelets upon her hands.
Ndikakotamisa musoro wangu, ndikanamata Jehovha, ndikatenda Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwanakomana watenzi wangu mukunda womunun’una watenzi wangu, kuti ave mukadzi wake.And I bowed down my head, and worshipped the LORD, and blessed the LORD God of my master Abraham, which had led me in the right way to take my master’s brother’s daughter unto his son.
Zvino kana muchida kuitira tenzi wangu moyochena nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe.And now if ye will deal kindly and truly with my master, tell me: and if not, tell me; that I may turn to the right hand, or to the left.
Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, Chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Isu hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka.Then Laban and Bethuel answered and said, The thing proceedeth from the LORD: we cannot speak unto thee bad or good.
Tarira, Rabheka ari pamberi pako, umutore uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJehovha.Behold, Rebekah is before thee, take her, and go, and let her be thy master’s son’s wife, as the LORD hath spoken.
Zvino muranda waAbhurahamu wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha;And it came to pass, that, when Abraham’s servant heard their words, he worshipped the LORD, bowing himself to the earth.
muranda akabudisa zvishongo zvesirivha, nezvendarama, nenguvo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.And the servant brought forth jewels of silver, and jewels of gold, and raiment, and gave them to Rebekah: he gave also to her brother and to her mother precious things.
Vakadya, vakanwa, iye navarume vaakanga anavo; vakagarapo usiku hwose, vakamuka mangwanani; iye akati, Regai, ndiende kuna tenzi wangu.And they did eat and drink, he and the men that were with him, and tarried all night; and they rose up in the morning, and he said, Send me away unto my master.
Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, Musikana achimbogara nesu mazuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake.And her brother and her mother said, Let the damsel abide with us a few days, at the least ten; after that she shall go.
Asi iye wakati kwavari, Musandidzora henyu, Jehovha zvaakandifambisa zvakanaka parwendo rwangu; regai ndiende kuna tenzi wangu.And he said unto them, Hinder me not, seeing the LORD hath prospered my way; send me away that I may go to my master.
Ivo vakati, Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.And they said, We will call the damsel, and enquire at her mouth.
Vakadana Rabheka, vakati kwaari, Uchaenda nomurume uyu here? Akati, Ndichaenda.And they called Rebekah, and said unto her, Wilt thou go with this man? And she said, I will go.
Ipapo vakatendera Rabheka, hanzvadzi yavo, nomureri wake, kuti vaende nomuranda waAbhurahamu, navanhu vake.And they sent away Rebekah their sister, and her nurse, and Abraham’s servant, and his men.
Vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari, Iwe, hanzvadzi yedu, uve mai vezviuru zvamazana; vana vako ngavave varidzi vamasuo avavengi vavo.And they blessed Rebekah, and said unto her, Thou art our sister, be thou the mother of thousands of millions, and let thy seed possess the gate of those which hate them.
Rabheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda parwendo rwake.And Rebekah arose, and her damsels, and they rode upon the camels, and followed the man: and the servant took Rebekah, and went his way.
Zvino Isaka wakanga achibva nenzira yeBheeri-rakai-roi; nokuti wakanga agere kunyika yenyasi.And Isaac came from the way of the well Lahai-roi; for he dwelt in the south country.
Isaka akabuda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya.And Isaac went out to meditate in the field at the eventide: and he lifted up his eyes, and saw, and, behold, the camels were coming.
Rabheka akasimudzawo meso ake; akati achiona Isaka, akaburuka pakamera rake.And Rebekah lifted up her eyes, and when she saw Isaac, she lighted off the camel.
Akati kumuranda, Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko? Muranda akati, Nditenzi wangu; iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.For she had said unto the servant, What man is this that walketh in the field to meet us? And the servant had said, It is my master: therefore she took a vail, and covered herself.
Zvino muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.And the servant told Isaac all things that he had done.
Isaka akamuisa mutende ramai vake Sara, akawana Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.And Isaac brought her into his mother Sarah’s tent, and took Rebekah, and she became his wife; and he loved her: and Isaac was comforted after his mother’s death.