Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.Then Joseph came and told Pharaoh, and said, My father and my brethren, and their flocks, and their herds, and all that they have, are come out of the land of Canaan; and, behold, they are in the land of Goshen.
Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.And he took some of his brethren, even five men, and presented them unto Pharaoh.
Farao akati kuvakoma vake, Basa renyu ndereiko? Vakati kuna Farao, Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose.And Pharaoh said unto his brethren, What is your occupation? And they said unto Pharaoh, Thy servants are shepherds, both we, and also our fathers.
Vakati kuna Farao, Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nokuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nokuti kune nzara kunyika yeKenani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni.They said moreover unto Pharaoh, For to sojourn in the land are we come; for thy servants have no pasture for their flocks; for the famine is sore in the land of Canaan: now therefore, we pray thee, let thy servants dwell in the land of Goshen.
Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;And Pharaoh spake unto Joseph, saying, Thy father and thy brethren are come unto thee:
nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.The land of Egypt is before thee; in the best of the land make thy father and brethren to dwell; in the land of Goshen let them dwell: and if thou knowest any men of activity among them, then make them rulers over my cattle.
Josefa akapinda naJakobho, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakobho akaropafadza Farao.And Joseph brought in Jacob his father, and set him before Pharaoh: and Jacob blessed Pharaoh.
Farao akati kuna Jakobho, Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?And Pharaoh said unto Jacob, How old art thou?
Jakobho akati kuna Farao, Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.And Jacob said unto Pharaoh, The days of the years of my pilgrimage are an hundred and thirty years: few and evil have the days of the years of my life been, and have not attained unto the days of the years of the life of my fathers in the days of their pilgrimage.
Jakobho akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.And Jacob blessed Pharaoh, and went out from before Pharaoh.
Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao.And Joseph placed his father and his brethren, and gave them a possession in the land of Egypt, in the best of the land, in the land of Rameses, as Pharaoh had commanded.
Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, akavapa zvokudya achiverenga navana vavowo.And Joseph nourished his father, and his brethren, and all his father’s household, with bread, according to their families.
Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzikaziya nenzara.And there was no bread in all the land; for the famine was very sore, so that the land of Egypt and all the land of Canaan fainted by reason of the famine.
Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.And Joseph gathered up all the money that was found in the land of Egypt, and in the land of Canaan, for the corn which they bought: and Joseph brought the money into Pharaoh’s house.
Mari yose yakati yapera munyika yeljipiti, napanyika yeKenani, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefa, vakati, Tipei zvokudya, nokuti tingafa seiko pamberi penyu? Nokuti mari yapera.And when money failed in the land of Egypt, and in the land of Canaan, all the Egyptians came unto Joseph, and said, Give us bread: for why should we die in thy presence? for the money faileth.
Josefa akati, Uyai nemombe dzenyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvipfuwo zvenyu, kana mari yapera.And Joseph said, Give your cattle; and I will give you for your cattle, if money fail.
Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachitsinhanha namabhiza, namakwai, nemombe, nembongoro; akavararamisa nezvokudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.And they brought their cattle unto Joseph: and Joseph gave them bread in exchange for horses, and for the flocks, and for the cattle of the herds, and for the asses: and he fed them with bread for all their cattle for that year.
Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;When that year was ended, they came unto him the second year, and said unto him, We will not hide it from my lord, how that our money is spent; my lord also hath our herds of cattle; there is not ought left in the sight of my lord, but our bodies, and our lands:
zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.'Wherefore shall we die before thine eyes, both we and our land? buy us and our land for bread, and we and our land will be servants unto Pharaoh: and give us seed, that we may live, and not die, that the land be not desolate.
Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeIjipiti, nokuti vaIjipiti vakatengesa mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.And Joseph bought all the land of Egypt for Pharaoh; for the Egyptians sold every man his field, because the famine prevailed over them: so the land became Pharaoh’s.
Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumwe weIjipiti kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.And as for the people, he removed them to cities from one end of the borders of Egypt even to the other end thereof.
Asi nyika yavapirisiti yoga haana kuitenga, nokuti vapirisiti vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:Only the land of the priests bought he not; for the priests had a portion assigned them of Pharaoh, and did eat their portion which Pharaoh gave them: wherefore they sold not their lands.
Zvino Josefa akati kuvanhu, Tarirai, ndakatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika.Then Joseph said unto the people, Behold, I have bought you this day and your land for Pharaoh: lo, here is seed for you, and ye shall sow the land.
Nenguva yokukohwa munofanira kupa Farao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zvenyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvokudya zvepwere dzenyu.And it shall come to pass in the increase, that ye shall give the fifth part unto Pharaoh, and four parts shall be your own, for seed of the field, and for your food, and for them of your households, and for food for your little ones.
Ivo vakati, Ndimwi makatichengeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao.And they said, Thou hast saved our lives: let us find grace in the sight of my lord, and we will be Pharaoh’s servants.
Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapirisiti yoga haina kuva yaFarao.And Joseph made it a law over the land of Egypt unto this day, that Pharaoh should have the fifth part; except the land of the priests only, which became not Pharaoh’s.
Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.And Israel dwelt in the land of Egypt, in the country of Goshen; and they had possessions therein, and grew, and multiplied exceedingly.
Jakobho akagara panyika yeljipiti makore ane gumi namanomwe; naizvozvo mazuva aJakobho makore oupenyu hwake, akanga ari makore ane zana namakumi mana namanomwe.And Jacob lived in the land of Egypt seventeen years: so the whole age of Jacob was an hundred forty and seven years.
Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti;And the time drew nigh that Israel must die: and he called his son Joseph, and said unto him, If now I have found grace in thy sight, put, I pray thee, thy hand under my thigh, and deal kindly and truly with me; bury me not, I pray thee, in Egypt:
asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, unondiviga muhwiro hwavo. Iye akati, Ndichaita sezvamataura.But I will lie with my fathers, and thou shalt carry me out of Egypt, and bury me in their buryingplace. And he said, I will do as thou hast said.
Vakati, Ndipikire; iye akavapikira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamusoro wouvato hwake.And he said, Swear unto me. And he sware unto him. And Israel bowed himself upon the bed’s head.