Bhaibheri

Habhakuki 2

Habakkuk 2 · 20 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu.

2Jehovha akandipindura, akati, `Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya.

3Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.

4Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake.

5Uyezve, zvirokwazvo, waini inonyengera, murume anozvikudza, asingagari kumba kwake, akashamisa kukara kwake seSheori, akafanana norufu; haangaguti, asi anozviunganidzira marudzi ose, unozvikokerera marudzi ose avanhu.'

6Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, `Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!'

7Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imi mukapambwa navo?

8Imi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.

9Ane nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa!

10Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu.

11Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura.

12Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa!

13Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo?

14Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.

15Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvinwe, anovhenganisiramo uturu hwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo !

16Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chinwai nemiwo, muve soasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.

17Nokuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo.

18Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?

19Ane nhamo anoti kudanda, `Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinhu izvi zvingadzidzisa here?' Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku.

20Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.