Bhaibheri

Isaya 12

Isaiah 12 · 6 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Nezuva iro uchati, Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.

2Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.

3Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.

4Zvino nezuva iro muchati, Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.

5Imbirai Jehovha; nokuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikanwe panyika yose.

6Danidzira upururudze, iwe ugere paZiyoni; nokuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.