Bhaibheri

Isaya 15

Isaiah 15 · 9 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Nokuti usiku Ari reMoabhi rakai twa dongo, rakaparadzwa; nokuti usiku Kiri reMoabhi rakaitwa dongo, rakaparadzwa.

2Vakwira Bhayiti, neDhibhoni, kumatunhu akakwirira, kundochemapo; vaMoabhi vanochema pamusoro peNebho napaMedhebha; misoro yavo yose ine mhanza, ndebvu dzose dzakaveurwa.

3Panzira dzomumisha yavo vakazvisunga namakudza, pamusoro pedzimba dzavo, napamadare avo, mumwe nomumwe anowungudza achichema zvikuru.

4Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; inzwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhi vanodanidzira zvikuru; mweya wavo unodedera mukati mavo.

5moyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhi; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nokuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nokuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kwokuparadzwa.

6Nokuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nokuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.

7Saka zvizhinji zvavakawana, nezvavakachengeta, vachayambuka nazvo parukova rwemikonachando.

8Nokuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhi; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.

9Nokuti mvura yeDhimoni izere neropa; nokuti ndichawedzera kurova Dhimoni, ndichatuma shumba iparadze vakapukunyuka vaMoabhi, navakasara panyika.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.