Isaya 39
Isaiah 39 · 8 verses
1Zvino nenguva iyo Merodhaki bharadhani mwanakomana wa Bharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.
2Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
3Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi? Hezekia akati, Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.
4Ipapo akati, Vakaonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.
5Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha wehondo,
6‘Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi, zvichaiswa Bhabhironi, hakuna chinhu chichasiyiwa,' ndizvo zvinotaura Jehovha.
7Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.
8Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro. Akatiwo, Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.