Isaya 63
Isaiah 63 · 19 verses
1Ndianiko uyu anobva Edhomu, anobva Bhozira ane nguvo dzakatsvuka kwazvo? Ndiani uyo akafuka zvinobwinya, anofamba noukuru hwesimba rake? Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.
2Ko nguvo yenyu yakatsvuka nei? Zvokufuka zvenyu zvakafanana nezvomunhu anotsika muchisviniro chewaini neiko?
3Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguvo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose.
4Nokuti ndakafunga zuva rokutsiva mumoyo mangu; gore ravakadzikunurwa vangu rasvika.
5Ndikatarira, ndikashayiwa anobatsira, ndikashamiswa nokuti kwakanga kusina anotsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, kutsamwa kwangu ndiko kwakanditsigira.
6Ndikatsika-tsika marudzi avanhu pakutsamwa kwangu, ndikavapengesa nedoro rokutsamwa kwangu, ndikadurura ropa rohupenyu hwavo pasi.
7Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwohunyoro hwake.
8Nokuti akati, Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera; naizvozvo akava Muponesi wavo.
9Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikunura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.
10Asi vakamumukira, nokuchemedza Mweya wake mutsvene; naizvozvo akashanduka, akava muvengi wavo, akarwa navo amene.
11Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, Mosesi navanhu vake, vakati, Aripiko iye akaisa Mweya wake mutsvene pakati pavo?
12Aripiko iye akafambisa ruoko rwake runokudzwa parutivi rwaMosesi, akaparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi?
13Aripiko iye akavafambisa napakadzika, sebhiza murenje, vakasagumburwa?
14Mweya waJehovha wakavazorodza, semombe dzinoburukira kumupata; saizvozvo makafambisa vanhu venyu, kuti muzviwanire mukurumbira mukuru-kuru.
15Tarirai pasi muri kudenga, muone muri pahugaro hwenyu hutsvene hunobwinya, kushingaira kwenyu namabasa enyu ane simba aripiko? Kushuva kwomoyo wenyu netsitsi dzenyu zvadzorwa kwandiri.
16Nokuti muri baba vedu, kunyange Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imi Jehovha muri baba vedu, Mudzikunuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.
17Haiwa, Jehovha, munotirega neiko tichitsauka panzira dzenyu, nokuomesa moyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
18Vanhu venyu vatsvene vakanga vanayo nguva duku hayo; vadzivisi vedu vakatsika pasi imba yenyu tsvene.
19Isu tafanana navasina kutongobatwa nemi, navasina kutumidzwa nezita renyu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.