Bhaibheri

Isaya 7

Isaiah 7 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiria, naPeka, mwanakomana waRemaria, mambo waIsiraeri, vakaenda kundorwa neJerusaremu, asi vakakoniwa kurikunda.

2Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, VaSiria vava pakati pavaEfuremu. moyo wake nemoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo.

3Zvino Jehovha akati kuna Isaya, Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguvo;

4undoti kwaari, `Chenjera, unyarare hako; usatya, nomoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.'

5Nokuti vaSiria navaEfuremu, nomwanakomanwa waRemaria vakarangana kukuitira zvakaipa, vachiti,

6Hendei tindorwa navaJudha, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabheeri.

7Zvanzi naIshe Jehovha, lzvozvi hazvingamiri, uye hazvingaitiki.

8Nokuti musoro weSiria ndiDhamasiko, nomusoro weDhamasiko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi;

9musoro wavaEfuremu ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimwanakomana waRemaria. Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi.'

10Zvino Jehovha akataurazve naAhazi, achiti,

11Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; uchikumbire kunyange pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira.

12Asi Ahazi akati, Handingakumbiri, uye handingaedze Jehovha.

13Akati, Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguvo here?

14Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo. Tarirai, mhandara ichava napamuviri, ichabereka mwanakomana, ichamutumidza Imanueri.

15Achadya ruomba nouchi, panguva yaanoziva kuramba zvakaipa, nokusanangura zvakanaka.

16Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nokusanangura zvakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maviri, ichashanduka dongo.

17Jehovha achauyisa pamusoro pako, napamusoro pavanhu vako, napamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbovapo, kubvira pazuva rakaparadzana vaEfuremu navaJudha ndiye mambo weAsiria.

18Zvino nezuva iro Jehovha acharidzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeIjipiti, nenyuchi dziri panyika yeAsiria.

19Dzichauya, dzichamhara dzose mumipata ina mawere, nomumikaha yamatombo, napamusoro peminzwa yose, napamusoro pamafuro ose.

20Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu.

21Zvino nezuva iro munhu achapfuwa mhou imwe duku namakwai maviri;

22zvino nokuda kwomukaka muzhinji wadzichamupa, achadya ruomba; nokuti mumwe nomumwe akasiyiwa panyika iyo achadya ruomba nouchi.

23Zvino nezuva iro nzvimbo imwe neimwe paiva nemiti yemizambiringa ine chiuru chimwe, yaitengwa namasirivha ane chiuru chimwe, ichava norukato neminzwa.

24Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato neminzwa.

25Hakuna angasvika pazvikomo zvose zvairimwa namapadza nokutya rukato neminzwa; asi mombe dzichasundirwako, namakwai achatsikapo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.