Jeremia 13
Jeremiah 13 · 27 verses
1Zvanzi naJehovha kwandiri, Enda undozvitengera bhanhire romucheka, uzvisunge chiuno naro; asi usariisa mumvura.
2Ipapo ndakatenga bhanhire, sezvakarehwa neshoko raJehovha, ndikazvisunga chiuno naro.
3Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti,
4Tora bhanhire rawatenga, riri pachiuno chako, usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi, undoriviga mumukaha wedombo.
5Ipapo ndakaenda, ndikandoriviga parwizi Yufuratesi, sezvandakarairwa naJehovha.
6Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha akati kwandiri, Simuka, uende kwaYufuratesi, utorepo bhanhire randakakuraira kuti urivigepo.
7Ipapo ndakaenda kwaYufuratesi, ndikachera, ndikatora bhanhire pandakanga ndariviga; zvino tarira, bhanhire rakanga raora, risina basa chose.
8Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
9Zvanzi naJehovha, `Saizvozvo ndichaodza kuzvikudza kwaJudha, nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu.
10Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu hwemoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risina basa chose.'
11Nokuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yalsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri, 'ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuteerera.
12Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini;' zvino ivo vachati kwauri, `Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?'
13Ipapo uti kwavari, `Zvanzi naJehovha tarirai, vose vagere munyika ino, iwo madzimambo agere pachigaro choushe chaDhavhidhi, navapirisiti navaporofita, navose vagere Jerusaremu, ndichavazadza nokubatwa newaini.
14Ndichavagumirisana, madzibaba navanakomana vavo pamwechete ndizvo zvinotaura Jehovha. Handinganzwiri tsitsi, handingadariki mumwe, kana kuva nengoni, kuti ndirege kuvaparadza.'
15Inzwai, murerekere nzeve; musazvikudza, nokuti Jehovha wakataura.
16Rumbidzai Jehovha, Mwari wenyu, asati auyisa rima, tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima, iye asati ashandura chiedza chamakamirira, akachiita mumvuri worufu, nokuchiita rima guru.
17Asi kana musingadi kuzvinzwa, mweya wangu uchakuchema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; meso angu achachema kwazvo, achayerera misodzi, nokuti boka raJehovha ratapwa.
18Iti kuna mambo nokuna mai vamambo, Garai pasi-pasi kwazvo, nokuti zvishongo zvemisoro yenyu zvawira pasi, iyo korona yokukudzwa kwenyu.
19Maguta okurutivi rwezasi akazarirwa, hakuna unoazarura; vaJudha vakatapwa vose, vakatapwa chose-chose.
20Ringira meso ako, uone vanobva kurutivi rwokumusoro. Ko boka rowakapiwa, iro boka rako rakanaka kwazvo, riripi?
21Uchati kudiniko kana achiisa pamusoro pako ivo vawakadzidzisa kuva shamwari dzako vave vabati vako? Haungabatwi nokurwadziwa sokomukadzi unopona here?
22Zvino kana ukati mumoyo mako, `Izvozvi zvandiwira neiko?' nguvo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru hwezvakaipa zvenyu.
23Ko muItiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here? Kana zvaibvira, nemiwo maigona kuita zvakanaka, iyemi makarovera kuita zvakaipa.
24Saka ndichavaparadzira sehundi inopepereswa nemhepo murenje.
25Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti wakandikanganwa, ukavimba nezvehama.
26Saka ndichafukurawo nguvo dzako pamberi pako, kunyadziswa kwako kuonekwe.
27Ndakaona kunyangadza kwako, ihwo hupombwe hwako, nokufembedza kwako, nokunyadza kwokupombora kwako pazvikomo zvokubundo. Une nhamo, iwe Jerusaremu! Unoramba kunatswa; zvichadaro kusvikira rinhiko?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.