Bhaibheri

Jeremia 16

Jeremiah 16 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandirizve, richiti,

2Rega kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.

3Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavanakomana napamusoro pavanasikana vanoberekerwa panzvimbo ino, napamusoro pamadzimai avo akavabereka, napamusoro pamadzibaba avo akavabereka panyika ino,

4Vachafa norufu rwakaipa kwazvo; havangachemwi kana kuvigwa; vachava somupfudze panyika; vachapedzwa nomunondo uye nenzara; zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvikara zvenyika.

5Nokuti zvanzi naJehovha, `Usapinda muimba yokuchema, usavawungudzira kana kuvachema;' nokuti zvanzi naJehovha, `Ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, ihwo hunyoro hwangu nenyasha dzangu.'

6Vakuru navaduku vose vachafa munyika ino; havangavigwi, navanhu havangavachemi, kana kuzvicheka nokuzviveura nokuda kwavo;

7vanhu havangavameduriri chingwa pakuchema kwavo, vachiti vavanyaradze pamusoro pavakafa, uye vanhu havangavapi mukombe wokunyaradza vanwe pamusoro pababa vavo kana mai vavo.

8Newe usapinda muimba yomutambo, kuti ugare navo, uchidya nokunwa.

9Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Tarirai, ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga.'

10Zvino kana uchizivisa vanhu ava mashoko awa ose, vachati kwauri, `Jehovha wakarevereiko zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pedu? Kutadza kwedu ndokwei? Zvivi zedu ndezvei, zvatakaitira Jehovha Mwari wedu?

11Ipapo iwe uti kwavari, `Zvanzi naJehovha, nokuti madzibaba enyu akandisiya, vakatevera vamwe vamwari, nokuvashumira nokuvanamata, vakandisiya ini, vakasachengeta murayiro wangu;

12zvino imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba mumwe nomumwe nohukukutu hwomoyo wake wakaipa, muchiramba kunditeerera.

13Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamakanga musingazivi, kunyange imi kunyange madzibaba enyu; ipapo muchashumira vamwe vamwari masikati novusiku, nokuti handingakunzwiriyi ngoni.'

14Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, avachasazoti, `NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti;'

15asi `NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri kunyika yokumusoro, nokunyika dzose dzaakanga avadzingira kwadziri. Ndichavadzoserazve kunyika yavo yandakapa madzibaba avo.'

16Zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndichandodana vabati vazhinji vehove, ivo vachavabata sehove; pashure ndichandodana vavhimi vazhinji, ivo vachavavhima pamakomo ose nezvikomo zvose, napamapako ose amatombo.

17Nokuti meso angu anoona nzira dzavo dzose, hazvina kuvanzika pamberi pangu, zvakaipa zvavo hazvina kuvanziwa pameso angu.

18Ndichatanga kuvatsivira zvakaipa zvavo nezvivi zvavo kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvinhu zvavo zvinosemesa, nokuzadza nhaka yangu nezvinonyangadza zvavo.'

19Imi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, nohutiziro hwangu pazuva rokutambudzika, marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika, achiti, Madzibaba edu akagara nhaka yenhema dzoga, zvinhu zvisina maturo, nezvinhu zvisingabatsiri.

20Ko munhu ungazviitira vamwari vasati vari vamwari here?

21Naizvozvo, tarirai, ndichavazivisa, ndichavazivisa panguva ino chete ruoko rwangu nesimba rangu; vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.