Jeremia 26
Jeremiah 26 · 24 verses
1Zvino pakuvamba kwokubata ushe hwaJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha, richiti,
2Zvanzi naJehovha, `Mira paruvazhe rweimba yaJehovha, uudze maguta ose aJudha, anouya kuzonamata mumba maJehovha, mashoko ose andinokuraira kuti uvaudze; usatapudza kunyange neshoko rimwe.
3Zvimwe vangateerera, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; kuti ndizvidembe pamusoro pezvakaipa zvandinofunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavo zvavanoita.'
4Uti kwavari, Zvanzi naJehovha, `Kana musingadi kundinzwa, kuti mufambe nomurayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu,
5kuti munzwe mashoko avaranda vangu vaporofita, vandinotuma kwamuri, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, asi hamuna kunzwa;
6zvino ndichaita imba ino ive seShiro, neguta rino ndichariita chinhu chinotukwa namarudzi ose enyika.'
7Vapirisiti navaporofita navanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mashoko awa mumba maJehovha.
8Zvino Jeremiya wakati apedza kutaura zvose zvaakanga arairwa naJehovha kuti audze vanhu vose, vapirisiti navaporofita navanhu vose vakamubata, vachiti, Zvirokwazvo, uchafa iwe.
9Wakaporofitirei nezita raJehovha, uchiti, 'Imba ino ichava seShiro, guta rino richava dongo, risina unogaramo?' Vanhu vose vakaunganira Jeremiya mumba maJehovha.
10Zvino machinda aJudha akati anzwa zvinhu izvi, vakauya vachibva kuimba yamambo vakaenda kuimba yaJehovha, vakagara pasi panopindwa pasuo idzva reimba yaJehovha.
11Ipapo vapirisiti navaporofita vakataura namachinda uye navanhu vose, vachiti, Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaporofitira guta rino zvakaipa, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu.
12Ipapo Jeremiya wakataura namachinda ose uye navanhu vose, achiti, Jehovha ndiye wakandituma kuti ndiporofitire imba ino neguta rino mashoko ose amakanzwa.
13Naizvozvo zvino natsai nzira dzenyu nezvamunoita, muteerere inzwi raJehovha Mwari wenyu; ipapo Jehovha uchazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakareva pamusoro penyu.
14Asi kana ndirini, tarirai, ndiri mumaoko enyu; ndiitirei zvakanaka nezvakarurama pakuona kwenyu.
15Asi muzive zvirokwazvo, kuti kana mukandiuraya ini, muchauyisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu, napamusoro peguta rino, napamusoro pavageremo; nokuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeve dzenyu.
16Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvapirisiti navaporofita, Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehovha Mwari wedu.
17Zvino vamwe vavakuru venyika vakasimuka, vakataura neungano yose yavanhu, vachiti,
18Mikaya muMorashitiri wakaporofita pamazuva aHezekia mambo waJudha; akataura navanhu vose vaJudha, achiti, `Zvanzi naJehovha wehondo, Ziyoni richarimwa somunda, neJerusaremu richava mirwi yamabwe, negomo reimba richaita senzvimbo dzakakwirira dzedondo.'
19Ko Hezekia mambo waJudha, navaJudha vose vakamuuraya here? Ko haana kutya Jehovha, akanyengetera Jehovha, Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga areva pamusoro pavo here? Saizvozvo tingatadzira mweya yedu kwazvo.
20Uyezve, kwakanga kuno munhu waiporofita nezita raJehovha, wainzi Uriya, mwanakomana waShemaia weKiriati-jearimi; iye wakaporofita zvakaipa pamusoro peguta rino nenyika ino zvakafanana namashoko ose aJeremiya.
21Zvino mambo Jehoiakimu, navakuru vake vose, namachinda ose, vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya; asi Uriya wakati achizvinzwa akatya, akatizira Ijipiti.
22Mambo Jehoiakini akatuma vanhu Ijipiti, vaiti Erinatani mwanakomana waAkibhori, navamwe vanhu naye, vaende Ijipiti,
23akandotora Uriya Ijipiti, vakauya naye kuna mambo Jehoiakimu, iye ndokumuuraya nomunondo, akakandira chitunha chake mumarinda avanhu vasingakudzwi.
24Asi ruoko rwaAhikami mwanakomana waShafani rwakabatsira Jeremiya, vakasamuisa mumaoko avanhu kuti vamuuraye.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.