Bhaibheri

Jeremia 29

Jeremiah 29 · 32 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumwa nomuporofita Jeremiya ari paJerusaremu kuvakuru vakanga vasara kuna vakatapwa, nokuvapirisiti nokuvaporofita, nokuvanhu vose, vakanga vakatapwa paJerusaremu naNebhukadhinezari, vakaiswa Bhabhironi,

2Shure kwokubva paJerusaremu kwamambo Jekonia, namai vake, navaranda, namachinda aJudha neeJerusaremu, navavezi, navapfuri,

3noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria, mwanakomana waHirikia, vakanga vatumwa Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, achiti,

4Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kuna vose vakatapwa, vandakatapisa Jerusaremu vaiswe Bhabhironi.

5Zvivakirei dzimba, mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo;

6wanai vakadzi, mubereke vanakomana navanasikana; wanisai vanakomana venyu vakadzi, navanasikana venyu muvaise kuvarume, kuti vabereke vanakomana navanasikana, muwandeko, murege kutapudzwa.

7Mutsvake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyengeterere kuna Jehovha; nokuti norugare rwaro imi muchava norugarewo.

8Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Vaporofita venyu, vari pakati penyu, navauki venyu, ngavarege kukunyengerai; regai kuteerera kurota kwenyu kwamunoroteswa.'

9Nokuti vanokuporofitirai nhema nezita rangu, ini handina kuvatuma, ndizvo zvinotaura Jehovha.

10Nokuti zvanzi naJehovha, Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino.

11Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro.

12Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.

13Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomoyo wenyu wose.

14Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai.

15Zvamakati, `Jehovha wakatimutsira vaporofita paBhabhironi;'

16zvanzi naJehovha pamusoro pamambo ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, napamusoro pavanhu vose vagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina kuenda nemi pakutapwa kwenyu;

17zvanzi naJehovha wehondo, `Tarirai, ndichatuma pamusoro pavo munondo, nenzara, nehosha yakaipa, ndichavaita samaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.

18Ndichateverera nomunondo, nenzara, nehosha yakaipa; ndichavaita chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika, vave chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose kwandakavadzingira;

19zvavasina kuteerera mashoko angu, ndizvo zvinotaura Jehovha, andakatuma kwavari navaranda vangu vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma; asi makaramba kuteerera, ndizvo zvinotaura Jehovha.

20Naizvozvo chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa, vandakadzinga paJerusaremu ndikavaisa Bhabhironi.'

21Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraia, napamusoro paZedhekia mwanakomana waMaaseia, vanokuporofitirai nhema nezita rangu, `Tarirai, ndinovaisa muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchavauraya pamberi penyu;

22vatapwa vose vaJudha, vari Bhabhironi, vachatora kwavari shoko rokutuka naro,' vachiti, ‘Jehovha akuite saZedhekia uye saAhabhi,' vakagochwa pamoto namambo weBhabhironi.

23Nokuti vakaita nohupenzi pakati paIsiraeri, vakaita hupombwe navakadzi vovokwavo, vakareva mashoko enhema nezita rangu, andisina kuvaraira; ini ndini ndinoziva, ndini chapupu, ndizvo zvinotaura Jehovha.

24Zvino kuna Shemaia muNeheramite, unofanira kutaura uchiti,

25Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Zvawakatuma magwaro nezita rako kuvanhu vose vari paJerusaremu, nokuna Zefaniya mwanakomana womupirisiti Maaseia, nokuvapirisiti vose,' uchiti,

26‘Jehovha wakakuita mupirisiti panzvimbo yomupirisiti Jehoiadha, kuti mumba maJehovha muve navatariri, kuti asunge mumatanda namaketani mumwe nomumwe unopenga, achizviita muporofita.'

27Ko zvino wakaregerei kutuka Jeremiya weAnatoti, unozviita muporofita pamberi penyu,

28zvaakatuma shoko kwatiri paBhabhironi, achiti, `Nguva irefu, vakai dzimba mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo?'

29Zvino mupirisiti Zefaniya akaravira muporofita Jeremiya rugwaro urwu.

30Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, richiti,

31Tumira vakatapwa vose shoko rinoti, `Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaia muNeheramiti, Shemaia zvaakakuporofitirai, ini ndisina kumutuma, akakutendisai nhema,'

32naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndicharova Shemaia muNeheramiti, navana vake; haangavi nomunhu ungagara pakati pavanhu ava, uye haangaoni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu ndizvo zvinotaura Jehovha nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.'

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.