Bhaibheri

Jeremia 32

Jeremiah 32 · 44 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha negore regumi raZedhekia mambo waJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhirezari.

2Zvino nenguva iyo mambo wehondo yeBhabhironi wakanga akakomberedza Jerusaremu; asi muporofita Jeremiya wakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, rwakanga ruri mumba mamambo waJudha.

3Nokuti Zedhekia mambo waJudha wakanga amupfigira, achiti, Unoporofitireiko uchiti, `Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharikunda;'

4Zedhekia mambo waJudha haangapukunyuki pamaoko avaKaradhea, asi uchaiswa zvirokwazvo muruoko rwamambo weBhabhironi, vachataurirana nemiromo yavo, nokuonana nameso avo;

5iye uchandoisa Zedhekia Bhabhironi, agareko kusvikira ndichimushanyira, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange mukarwa navaKaradhea hamungakundi?

6Jeremiya akati, Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,

7‘Tarira, Hanameri mwanakomana waSharumi, sekuru vako, uchauya kwauri, achiti, Zvitengere munda wangu uri paAnatoti, nokuti ndiwe une simba rokuudzikunura nokuutenga. '

8Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakauya kwandiri muruvazhe rwavarindi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, akati kwandiri, Donditengera hako munda wangu uri paAnatoti, riri munyika yaBhenjamini, nokuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikunura; chizvitengera iwo. Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.

9Ndikatenga munda wakanga uri paAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wasekuru vangu, ndikamuyerera mari, mashekeri esirivha ane gumi namanomwe.

10Ndikanyora rugwaro rwokutenga, ndikarunamatidza, ndikadana zvapupu, ndikamuyerera mari pachiyero.

11Ipapo ndikatora rugwaro rwokutenga, irwo rwakanga rwakanamatidzwa, sezvakarehwa nomurayiro netsika, norumwe rwakanga rwakashama,

12ndikapa Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, rugwaro rwokutenga, Hanameri mwanakomana wasekuru vangu aripo, nezvapupu zvakanga zvasimbisa rugwaro rwokutenga zviripo, navaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi varipo.

13Ndikaraira Bharuki pamberi pavo, ndichiti,

14Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Tora magwaro awa okutenga, rugwaro urwu rwokutenga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uzviise mumudziyo wevhu, zvigaremo mazuva mazhinji.'

15Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Dzimba neminda yemizambiringa zvichazotengwazve munyika ino.'

16Zvino ndakati ndapa Bharuki mwanakomana waNeria rugwaro rwokutenga, ndikanyengetera kuna Jehovha ndichiti,

17Haiwa,Ishe Jehovha tarirai imi makaita denga rose napasi nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, hakuna chinhu chingakukonai imi;

18imi, munonzwira tsitsi vane zviuru zvamazana, nokutsiva zvakaipa zvamadzibaba muchipfuva chavana vavo vanovatevera, iye mukuru, Mwari unesimba, Jehovha wehondo, ndiro zita rake;

19wakakura panjere, unesimba pakubata, meso ake anosvinurira nzira dzose dzavana vavanhu, kuti ape mumwe nomumwe sezvaakabata, nezvakafanira zvibereko zvamabasa ake;

20iye, wakaisa zviratidzo nezvishamiso panyika yeIjipiti kusvikira pazuva ranhasi, pakati paIsiraeri napakati pavamwe vanhu; mukazviitira mbiri sezvazvakaita nezuva ranhasi;

21mukabudisa vanhu venyu vaIsiraeri panyika yeIjipiti, nezviratidzo nezvishamiso nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru;

22mukavapa nyika ino, yamakapikira madzibaba avo kuti muchavapa, iri nyika inoyerera mukaka nohuchi;

23vakapinda, vakaiita yavo; asi havana kuteerera inzwi renyu, kana kufamba nemirairo yenyu; havana kutongoita chinhu chimwe chezvose zvamakavaraira kuti vazviite; naizvozvo makauyisa izvi zvose pamusoro pavo.

24Tarirai, mirwi yokurwa yasvika paguta kuti varikunde; guta raiswa mumaoko avaKaradhea vanorwa naro, nokuda kwomunondo nenzara nehosha yakaipa, zvamakataura zvaitika, tarirai, munozviona.

25Zvino imi Ishe Jehovha, makati kwandiri, `Chizvitengera munda nemari, udane zvapupu, kunyange zvakadaro guta raiswa mumaoko avaKaradhea.'

26Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,

27Tarira, ndini Jehovha, Mwari wenyama yose, kunechinhu chingandikona here?

28Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarira ndichaisa guta rino mumaoko avaKaradhea, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, iye ucharikunda'

29VaKaradhea, vanorwa neguta rino, vachauya vachitungidza guta rino, vachiripisira, pamwechete nedzimba dzavakabayira pamatenga adzo zvinonhuwira kuna Bhaari, nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.

30Nokuti vana vaIsiraeri navana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pamberi pangu kubva pahuduku hwavo; nokuti vana vaIsiraeri vakangonditsamwisa bedzi namabasa amaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.

31Nokuti guta rino rakamutsa kutsamwa kwangu nehasha dzangu kubva pazuva ravakarivaka kusvikira zuva ranhasi, kuti ndiribvise pamberi pangu,

32nokuda kwezvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri navana vaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navapirisiti vavo, navaporofita vavo, navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu.

33Vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; kunyange ndaivadzidzisa, ndichimuka mangwanani ndichivadzidzisa, asi havana kuteerera nokutenda kurangwa.

34Asi vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba yakatumidzwa zita rangu, kuti vaisvibise.

35Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha.

36Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi nomunondo, nenzara uye nehosha yakaipa,

37Tarirai, ndichavaunganidza kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, uye neshungu dzangu huru, ndichavadzoserazve kunzvimbo ino, nokuvagarisa vakachengetwa.

38Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.

39Ndichavapa moyo mumwe nenzira imwe, kuti vanditye nokusingaperi, vaitirwe zvakanaka ivo, navana vavo vanovatevera.

40Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.

41Zvirokwazvo, ndichavafarira kuti ndivaitire zvakanaka, ndichavasima zvirokwazvo munyika ino nomoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.

42Nokuti zvanzi naJehovha, `Sezvandakauyisa zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pavanhu ava, saizvozvowo ndichauyisa pamusoro pavo zvakanaka zvose zvandakavapikira.

43Minda ichatengwa munyika ino yamunoti idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, yaiswa mumaoko avaKaradhea.'

44Vanhu vachatenga minda nemari, nokunyora magwaro okutenga, nokuanamatidza, nokudana zvapupu, panyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutivi rwezasi; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.