Jeremia 35
Jeremiah 35 · 19 verses
1Shoko, rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha namazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
2Enda kuimba yavaRekabhi, utaure navo, uuye navo mumba maJehovha, mune imwe kamuri, uvape waini vanwe.
3Ipapo ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazania, nehama dzake, navanakomana vake vose, neimba yose yavaRekabhi.
4Ndikavaisa mumba maJehovha, mukamuri yavanakomana vaHanani mwanakomana waIghidhari, munhu waMwari, yaiva pedo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yaMaaseia mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.
5Ndikagadza pamberi pavanakomana veimba yavaRekabhi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwavari, Inwai waini.
6Asi ivo vakati Hatinganwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, `Regai kunwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
7uye musavaka dzimba, kana kudzvara mbeu, kana kurima minda yemizambiringa, kana kuva nazvo; asi munofanira kugara mumatende mazuva enyu ose, kuti mugare mazuva mazhinji munyika mamunogara muri vatorwa.'
8Zvino takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kunwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
9kana kuzvivakira dzimba matingagara; uye hatina minda yemizambiringa, kana mimwe minda, kana mbeu;
10asi takagara mumatende, tikateerera, tikaita zvose sezvatakarairwa naJonadhabhi baba vedu.
11Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, `Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.'
12Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
13Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu,' uti, `Hamutendi kurangwa, kuti muteerere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.'
14Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anoteererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoteerera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera.
15Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, `Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.'
16Vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakateerera murayiro wababa wavo, waakavaraira, asi vanhu ava havana kunditeerera;
17naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; `Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vazere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.'
18Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, `Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakateerera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;'
19naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, iye Mwari waIsiraeri, `Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.'
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.