Zvino Shefatia mwanakomana waMatani, naGedharia mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikija, vakanzwa mashoko akataurwa naJeremiya kuvanhu vose, achiti,Then Shephatiah the son of Mattan, and Gedaliah the son of Pashur, and Jucal the son of Shelemiah, and Pashur the son of Malchiah, heard the words that Jeremiah had spoken unto all the people, saying,
Zvanzi naJehovha, `Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa, asi unobuda akaenda kuvaKaradhea uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.'Thus saith the LORD, He that remaineth in this city shall die by the sword, by the famine, and by the pestilence: but he that goeth forth to the Chaldeans shall live; for he shall have his life for a prey, and shall live.
Zvanzi naJehovha, `Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iye acharikunda.'Thus saith the LORD, This city shall surely be given into the hand of the king of Babylon’s army, which shall take it.
Ipapo machinda akati kuna mambo, Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.Therefore the princes said unto the king, We beseech thee, let this man be put to death: for thus he weakeneth the hands of the men of war that remain in this city, and the hands of all the people, in speaking such words unto them: for this man seeketh not the welfare of this people, but the hurt.
Mambo Zedhekia ndokuti, Tarirai, uri pamaoko enyu, nokuti mambo haangaiti chinhu chamusingadi.Then Zedekiah the king said, Behold, he is in your hand: for the king is not he that can do any thing against you.
Ipapo vakatora Jeremiya, vakamukandira mugomba raMarikija mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi; vakaburusa Jeremiya namabote. Mugomba makanga musina mvura asi matope; Jeremiya akanyura mumatope.Then took they Jeremiah, and cast him into the dungeon of Malchiah the son of Hammelech, that was in the court of the prison: and they let down Jeremiah with cords. And in the dungeon there was no water, but mire: so Jeremiah sunk in the mire.
Zvino multiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuo raBhenjamini).Now when Ebed-melech the Ethiopian, one of the eunuchs which was in the king’s house, heard that they had put Jeremiah in the dungeon; the king then sitting in the gate of Benjamin;
Ebhedhimereki akabuda mumba mamambo, akataura namambo, achiti,Ebed-melech went forth out of the king’s house, and spake to the king, saying,
Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakuchina chingwa muguta.My lord the king, these men have done evil in all that they have done to Jeremiah the prophet, whom they have cast into the dungeon; and he is like to die for hunger in the place where he is: for there is no more bread in the city.
Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.Then the king commanded Ebed-melech the Ethiopian, saying, Take from hence thirty men with thee, and take up Jeremiah the prophet out of the dungeon, before he die.
Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chefuma, akatorapo mamvemve nenguvo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.So Ebed- melech took the men with him, and went into the house of the king under the treasury, and took thence old cast clouts and old rotten rags, and let them down by cords into the dungeon to Jeremiah.
Multiopia Ebhedhimereki akati kuna Jeremiya, Zvino chiisai mamvemve awa nenguvo dzakasakara muhapwa dzenyu munyasi. mamabote. Jeremiya akaita saizvozvo.And Ebed-melech the Ethiopian said unto Jeremiah, Put now these old cast clouts and rotten rags under thine armholes under the cords. And Jeremiah did so.
Naizvozvo vakakwidza Jeremiya namabote, vakamubudisa mugomba, Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.So they drew up Jeremiah with cords, and took him up out of the dungeon: and Jeremiah remained in the court of the prison.
Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.Then Zedekiah the king sent, and took Jeremiah the prophet unto him into the third entry that is in the house of the LORD: and the king said unto Jeremiah, I will ask thee a thing; hide nothing from me.
Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Kana ndikakuzivisai izvozvo, hamungatongondiurayi here? Kana ndikakupai zano, hamunganditeereri.Then Jeremiah said unto Zedekiah, If I declare it unto thee, wilt thou not surely put me to death? and if I give thee counsel, wilt thou not hearken unto me?
Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyararire, akati, NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.So Zedekiah the king sware secretly unto Jeremiah, saying, As the LORD liveth, that made us this soul, I will not put thee to death, neither will I give thee into the hand of these men that seek thy life.
Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, `Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imi muchararama, neimba yenyu.'Then said Jeremiah unto Zedekiah, Thus saith the LORD, the God of hosts, the God of Israel; If thou wilt assuredly go forth unto the king of Babylon’s princes, then thy soul shall live, and this city shall not be burned with fire; and thou shalt live, and thine house:
Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemi hamungapukunyuki pamaoko avo.But if thou wilt not go forth to the king of Babylon’s princes, then shall this city be given into the hand of the Chaldeans, and they shall burn it with fire, and thou shalt not escape out of their hand.
Ipapo mambo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKaradhea, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka.And Zedekiah the king said unto Jeremiah, I am afraid of the Jews that are fallen to the Chaldeans, lest they deliver me into their hand, and they mock me.
Asi Jeremiya wakati, Havangakusiyi kwavari. Chiteererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.But Jeremiah said, They shall not deliver thee. Obey, I beseech thee, the voice of the LORD, which I speak unto thee: so it shall be well unto thee, and thy soul shall live.
Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziviswa naJehovha,But if thou refuse to go forth, this is the word that the LORD hath shewed me:
‘Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi,' zvino vakadzi avo vachati, `Shamwari dzenyu dzinodikanwa nemi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai, zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.'And, behold, all the women that are left in the king of Judah’s house shall be brought forth to the king of Babylon’s princes, and those women shall say, Thy friends have set thee on, and have prevailed against thee: thy feet are sunk in the mire, and they are turned away back.
Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imi muchapisisa guta rino nomoto.So they shall bring out all thy wives and thy children to the Chaldeans: and thou shalt not escape out of their hand, but shalt be taken by the hand of the king of Babylon: and thou shalt cause this city to be burned with fire.
Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ngakurege kuva nomunhu unoziviswa mashoko awa, ipapo iwe haungaurawi.Then said Zedekiah unto Jeremiah, Let no man know of these words, and thou shalt not die.
Asi kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri, vachiti, `Chitizivisa zvino zvawaudza mambo, usativanzira izvozvo, isu tigosakuuraya; uyewo zvose zvawakaudzwa namambo.'But if the princes hear that I have talked with thee, and they come unto thee, and say unto thee, Declare unto us now what thou hast said unto the king, hide it not from us, and we will not put thee to death; also what the king said unto thee:
Ipapo uti kwavari, `Ndakasvitsa munyengetero wangu kuna mambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifireko.'Then thou shalt say unto them, I presented my supplication before the king, that he would not cause me to return to Jonathan’s house, to die there.
Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikanwa.Then came all the princes unto Jeremiah, and asked him: and he told them according to all these words that the king had commanded. So they left off speaking with him; for the matter was not perceived.
Naizvozvo Jeremiya wakaramba agere muruvazhe rwavarindi kusvikira zuva rakakundwa Jerusaremu.So Jeremiah abode in the court of the prison until the day that Jerusalem was taken: and he was there when Jerusalem was taken.