Bhaibheri

Jeremia 46

Jeremiah 46 · 28 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pamarudzi.

2Pamusoro peIjipiti; pamusoro pehondo yaFaraoneko mambo weIjipiti, yakanga iri parwizi Yufuratesi paKarikemishi, yakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha.

3Gadzirai nhovo duku nenhovo huru, muswedere kunorwiwa.

4Sungai mabhiza, kwirai imwi vatasvi mumire makadzika ngowani dzenyu; rodzai mapfumo, pfekai nguvo dzamatare.

5Ndakazviwonereiko? Vakanganiswa, vadzokera shure; mhare dzavo dzakundwa, dzatiza, hadzicheukiri shure, kutya kuri pamativi ose, ndizvo zvinotaura Jehovha.

6Vanomhanyisa ngavarege kutiza, mhare ngadzirege kupukunyuka; kurutivi rwokumusoro, parwizi rwaYufuratesi, vakagumburwa vakawira pasi.

7Ndianiko uyo unokwira sorwizi rwaNairi, mvura yarwo inotamba senzizi?

8Ijipiti rinokwira saNairi, mvura yarwo inotamba senzizi; rinoti, `Ndichakwira, ndichafukidza nyika, ndichaparadza maguta navageremo.'

9Kwirai, imi mabhiza, fambisai imi ngoro, mhare ngadzibude, vanoti, Kushi naPuti vanoshonga nhovo, navaRudhi vanobata nokuwembura huta.

10Nokuti zuva iro izuva raShe, Jehovha wehondo, zuva rokutsiva kuti azvitsivire vadzivisi vake; munondo uchadya nokuguta, uchanwa ropa ravo ukaguta, nokuti Ishe, Jehovha wehondo, unechibayiro chake kunyika yokumusoro parwizi rwaYufuratesi.

11Kwira uende Giriyadhi, undotorako muti webharisami, iwe mhandara, mukunda weIjipiti; wawanza mishonga mizhinji isina maturo, hauporeswi.

12Marudzi akanzwa zvokunyadziswa kwako, nyika izere nokuchema kwako; nokuti mhare dzakabonderana nemhare, vose vaviri vakawira pasi.

13Shoko, rakaudzwa muporofita Jeremiya naJehovha, richireva muuyire waNebhukadhirezari mambo weBhabhironi nomukundire wake nyika yeIjipiti.

14Paridzirai paIjipiti, zivisai paMigidhori, zivisai paNofi napaTapanesi, muti, `Simukai muzvigadzire, nokuti munondo wakadya zviri kumativi ako ose.

15Mhare dzako dzakabviswa neiko? Havana kumira, nokuti Jehovha wakavadzinga.'

16Wakagumbusa vazhinji, zvirokwazvo mumwe wakawira pamusoro pomumwe; vakati, `Simukai, tiendezve kuvanhu vedu, nokunyika kwatakaberekerwa, titize munondo unomanikidza.'

17Vakadanidzirako, vachiti, `Farao mambo weIjipiti iguhu zvaro, wakarega nguva yakatarwa ichipfuura.'

18Nohupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura mambo une zita rinonzi Jehovha wehondo, Zvirokwazvo uchauya akaita seTabhori pakati pamakomo, uye seKarimeri pagungwa.

19Iwe mukunda unogara Ijipiti, zvigadzirire kutapwa, nokuti Nofi richaitwa dongo, richapiswa, risina unogaramo.

20Ijipiti imhorombe yakaisvonaka, asi vuvu rinobva kurutivi rwokumusoro rasvika, rasvika.

21Navanhu varo vanoripirwa, vari mukati maro, vakafanana nemhuru dzomudanga, nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwechete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, iyo nguva yokurohwa kwavo.

22Mubvumo waro uchava sowenyoka, nokuti vachafamba nehondo, vachandorwa navo namatemo, savatemi vemiti.

23Vachatema dondo raro, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti havanganzverwi, nokuti vakawanda kupfuura mhashu, havangaverengwi.

24Mukunda weIjipiti uchanyadziswa, uchaiswa mumaoko avanhu vanobva kurutivi rwokumusoro.

25Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, unoti, Tarirai, ndicharova Amoni neNo, naFarao, neIjipiti navamwari varo, namadzimambo aro, iye Farao navose vanovimba naye.

26Ndichavaisa mumaoko avanotsvaka kuvauraya, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaranda vake; zvino pashure richagarwa, sapamazuva akare ndizvo zvinotaura Jehovha.

27Asi usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, usavhunduswa, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako vari panyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchanyarara nokuzorora, hakuna ungamutyisa.

28Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichapedza kwazvo marudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakupedzi, asi ndichakuranga ndichiita nokururama, handingakuregi usina kurohwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.