Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichamutsira Bhabhironi navagere Rebhikamai mhepo inoparadza.Thus saith the LORD; Behold, I will raise up against Babylon, and against them that dwell in the midst of them that rise up against me, a destroying wind;
Ndichatumira Bhabhironi varudzi vacharirudza, vachabudisa zvose zviri munyika yaro, nokuti nezuva rokutambudzika vacharikomberedza kumativi ose.And will send unto Babylon fanners, that shall fan her, and shall empty her land: for in the day of trouble they shall be against her round about.
Mupfuri ngaapfure nohuta hwake ani naani unopfura nohuta nounozvisimudza ane nguvo dzake dzokurwa, regai kunzwira tsitsi majaya aro, paradzai chose hondo yaro yose.Against him that bendeth let the archer bend his bow, and against him that lifteth himself up in his brigandine: and spare ye not her young men; destroy ye utterly all her host.
Vachawira pasi vaurawa panyika yavaKaradhea, vabayiwa munzira dzaro.Thus the slain shall fall in the land of the Chaldeans, and they that are thrust through in her streets.
Nokuti Isiraeri naJudha havana kurashwa naMwari wavo, naJehovha wehondo, kunyange nyika yavo izere nemhosva pamberi poMutsvene waIs iraeri.For Israel hath not been forsaken, nor Judah of his God, of the LORD of hosts; though their land was filled with sin against the Holy One of Israel.
Tizai mubve mukati meBhabhironi, mumwe nomumwe aponese hupenyu hwake; regai kuparadzwa mukati mezvakaipa zvaro, nokuti inguva yokutsiva kwaJehovha, iye uchariripidzira.Flee out of the midst of Babylon, and deliver every man his soul: be not cut off in her iniquity; for this is the time of the LORD’S vengeance; he will render unto her a recompence.
Bhabhironi wakanga uri mukombe muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi avanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapenga.Babylon hath been a golden cup in the LORD’S hand, that made all the earth drunken: the nations have drunken of her wine; therefore the nations are mad.
Bhabhironi rakawira pasi pakarepo rikaparadzwa; wungudzai pamusoro paro, torai muti webharisami kurapa kurwadziwa kwaro, zvimwe ringapora.Babylon is suddenly fallen and destroyed: howl for her; take balm for her pain, if so she may be healed.
Taida kuporesa Bhabhironi, asi harina kupora; risiyei, mumwe nomumwe wedu aende kunyika yake, nokuti mhosva yaro yasvikira kudenga, yasimudzirwa kumakore.We would have healed Babylon, but she is not healed: forsake her, and let us go every one into his own country: for her judgment reacheth unto heaven, and is lifted up even to the skies.
Jehovha wakaratidza kururama kwedu; uyai, tiparidze paZiyoni basa raJehovha Mwari wedu.The LORD hath brought forth our righteousness: come, and let us declare in Zion the work of the LORD our God.
Rodzai miseve, batisai nhovo! Jehovha wakamutsa mweya yamadzimambo avaMedhia, nokuti murangariro wake ndowokuparadza Bhabhironi, nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha, iko kutsiva kwetemberi yake.Make bright the arrows; gather the shields: the LORD hath raised up the spirit of the kings of the Medes: for his device is against Babylon, to destroy it; because it is the vengeance of the LORD, the vengeance of his temple.
Simudzirai masvingo eBhabhironi mureza, simbisai varindi, isaipo nharirire, gadzirai vanovandira, nokuti Jehovha wakafunga nokuita zvaakataura pamusoro pavagere Bhabhironi.Set up the standard upon the walls of Babylon, make the watch strong, set up the watchmen, prepare the ambushes: for the LORD hath both devised and done that which he spake against the inhabitants of Babylon.
Iwe ugere pamvura zhinji, une fuma zhinji, kuguma kwako kwasvika, icho chiyero chezvawakawana nokunyengera.O thou that dwellest upon many waters, abundant in treasures, thine end is come, and the measure of thy covetousness.
Jehovha wehondo wakapika naiye amene, achiti, `Zvirokwazvo ndichakuzadza navanhu semhashu, ivo vachakupururudzira.'The LORD of hosts hath sworn by himself, saying, Surely I will fill thee with men, as with caterpillers; and they shall lift up a shout against thee.
Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.He hath made the earth by his power, he hath established the world by his wisdom, and hath stretched out the heaven by his understanding.
Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.When he uttereth his voice, there is a multitude of waters in the heavens; and he causeth the vapors to ascend from the ends of the earth: he maketh lightnings with rain, and bringeth forth the wind out of his treasures.
Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.Every man is brutish by his knowledge; every founder is confounded by the graven image: for his molten image is falsehood, and there is no breath in them.
Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.They are vanity, the work of errors: in the time of their visitation they shall perish.
Mugove waJakobho haufanani naizvozvi, nokuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.The portion of Jacob is not like them; for he is the former of all things: and Israel is the rod of his inheritance: the LORD of hosts is his name.
Iwe uri nyundo yangu nenhumbi dzangu dzokurwa; newe ndichaputsanya marudzi avanhu newe ndichaparadza ushe;Thou art my battle axe and weapons of war: for with thee will I break in pieces the nations, and with thee will I destroy kingdoms;
newe ndichaputsanya bhiza nomutasvi waro; newe ndichaputsanya ngoro nounofamba nayo;And with thee will I break in pieces the horse and his rider; and with thee will I break in pieces the chariot and his rider;
newe ndichaputsanya murume nomukadzi; newe ndichaputsanya mutana nomuduku; newe ndichaputsanya mujaya nemhandara;With thee also will I break in pieces man and woman; and with thee will I break in pieces old and young; and with thee will I break in pieces the young man and the maid;
newe ndichaputsanya murimi nenzombe dzake mbiri; newe ndichaputsanya vabati navakuru.I will also break in pieces with thee the shepherd and his flock; and with thee will I break in pieces the husbandman and his yoke of oxen; and with thee will I break in pieces captains and rulers.
Ndicharipidzira Bhabhironi navose vagere Karadhea zvakaipa zvavo zvose zvavakaita Ziyoni pamberi penyu ndizvo zvinotaura Jehovha.And I will render unto Babylon and to all the inhabitants of Chaldea all their evil that they have done in Zion in your sight, saith the LORD.
Tarira, ndine mhosva newe, iwe gomo rokuparadza, rinoparadza nyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakukungurusa pamabwe, ndichakuita gomo rakatsva.Behold, I am against thee, O destroying mountain, saith the LORD, which destroyest all the earth: and I will stretch out mine hand upon thee, and roll thee down from the rocks, and will make thee a burnt mountain.
Havangatori kwauri ibwe rekona, kana ibwe renheyo; asi uchava dongo nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Jehovha.And they shall not take of thee a stone for a corner, nor a stone for foundations; but thou shalt be desolate for ever, saith the LORD.
Simudzai mureza panyika, ridzai hwamanda pakati pamarudzi, gadzirai marudzi kuzorwa naro, kokerai ushe hweArarati neMini neAshikenazi kuzorwa naro, gadzai mukuru wehondo kuzorwa naro, uyisai mabhiza semhashu dzinoparadza.Set ye up a standard in the land, blow the trumpet among the nations, prepare the nations against her, call together against her the kingdoms of Ararat, Minni, and Ashchenaz; appoint a captain against her; cause the horses to come up as the rough caterpillers.
Gadzirai marudzi kuzorwa naro, iwo madzimambo avaMedhia, navabati vavo, navakuru vavo vose, nenyika yose yavakabata.Prepare against her the nations with the kings of the Medes, the captains thereof, and all the rulers thereof, and all the land of his dominion.
Nyika inodedera nokurwadziwa; nokuti zvakafunga Jehovha kuitira Bhabhironi zvakasimba, kuti aite nyika yeBhabhironi dongo, isina unogaramo.And the land shall tremble and sorrow: for every purpose of the LORD shall be performed against Babylon, to make the land of Babylon a desolation without an inhabitant.
Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa, vakarambira munhare dzavo, simba ravo rakapera, vava savakadzi; vakapisa dzimba dzaro, zvipfigiso zvaro zvakavhuniwa.The mighty men of Babylon have forborn to fight, they have remained in their holds: their might hath failed; they became as women: they have burned her dwellingplaces; her bars are broken.
Imwe nhume ichamhanya kundosangana neimwe, mumwe wakatumwa kundosangana nomumwe, kuzivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rakundwa kumativi ose.One post shall run to meet another, and one messenger to meet another, to shew the king of Babylon that his city is taken at one end,
Uye kuti mazambuko abatwa, kuti mapani eshanga apiswa nomoto, kuti varwi vavhunduswa.And that the passages are stopped, and the reeds they have burned with fire, and the men of war are affrighted.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro nenguva yokupura; kwasara nguva duku, iye ndokusvikirwa nenguva yokucheka.'For thus saith the LORD of hosts, the God of Israel; The daughter of Babylon is like a threshingfloor, it is time to thresh her: yet a little while, and the time of her harvest shall come.
Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu wandimedza seshato, razadza zidumbu raro nezvinozipa zvangu, wandidzinga.Nebuchadrezzar the king of Babylon hath devoured me, he hath crushed me, he hath made me an empty vessel, he hath swallowed me up like a dragon, he hath filled his belly with my delicates, he hath cast me out.
Ugere Ziyoni uchati, Zvakaipa zvandakaitirwa ini nenyama yangu ngazvive pamusoro peBhabhironi; Jerusaremu richati, Ropa rangu ngarive pamusoro pavagere Karadhea.The violence done to me and to my flesh be upon Babylon, shall the inhabitant of Zion say; and my blood upon the inhabitants of Chaldea, shall Jerusalem say.
Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira, ndichakureverera mhaka yako, ndichakutsiva; ndichapwisa gungwa raro, ndichaomesa tsime raro.Therefore thus saith the LORD; Behold, I will plead thy cause, and take vengeance for thee; and I will dry up her sea, and make her springs dry.
Bhabhironi richaitwa mirwi yamabwe, hugaro hwamakava, chinhu chinoshamisa, chinoridzirwa muridzo, pasina unogaramo.And Babylon shall become heaps, a dwelling place for dragons, an astonishment, and an hissing, without an inhabitant.
Vachaomba pamwechete savana veshumba, vachaganya savana veshumba.They shall roar together like lions: they shall yell as lions’ whelps.
Kana vamutswa moyo ndichavaitira mutambo, ndichavabatisa newaini, kuti vafare, vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve ndizvo zvinotaura Jehovha.In their heat I will make their feasts, and I will make them drunken, that they may rejoice, and sleep a perpetual sleep, and not wake, saith the LORD.
Ndichavaburusira kwavanondobayiwa samakwaiana, samakondobwe pamwechete nenhongo.I will bring them down like lambs to the slaughter, like rams with he goats.
Sheshaki rakundwa sei! Guta rairumbidzwa nenyika yose rapindwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi!How is Sheshach taken! and how is the praise of the whole earth surprised! how is Babylon become an astonishment among the nations!
Gungwa rakwira rasvika Bhabhironi, rafukidzwa namafungu aro mazhinji.The sea is come up upon Babylon: she is covered with the multitude of the waves thereof.
Maguta aro ava matongo, nyika yakaoma nerenje, nenyika musingagari munhu, hakuna Mwanakomana womunhu unopfuura napo.Her cities are a desolation, a dry land, and a wilderness, a land wherein no man dwelleth, neither doth any son of man pass thereby.
Ndichatonga Bheri paBhabhironi, ndichabudisa mumuromo make chaakanga amedza, marudzi avanhu haachazovangiri kwariri; zvirokwazvo rusvingo rwaBhabhironi ruchawa.And I will punish Bel in Babylon, and I will bring forth out of his mouth that which he hath swallowed up: and the nations shall not flow together any more unto him: yea, the wall of Babylon shall fall.
Imi vanhu vangu, budai mukati maro, muzviponese mumwe nomumwe pakutsamwa kukuru kwaJehovha.My people, go ye out of the midst of her, and deliver ye every man his soul from the fierce anger of the LORD.
moyo yenyu irege kuora, musatya guhuzve nerimwe gore shure kwaizvozvo; panyika vachaitirana simba, mubati mumwe achirwa nomumwe.And lest your heart faint, and ye fear for the rumour that shall be heard in the land; a rumour shall both come one year, and after that in another year shall come a rumour, and violence in the land, ruler against ruler.
Naizvozvo tarirai, mazuva anouya andichatonga mifananidzo yakavezwa yaBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, vakaurawa varo vose vachawira pasi mukati maro.Therefore, behold, the days come, that I will do judgment upon the graven images of Babylon: and her whole land shall be confounded, and all her slain shall fall in the midst of her.
Ipapo denga nenyika nezvose zviri mukati mazvo zvichaimba nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vaparadzi vachauya kwariri vachibva kurutivi rwokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha.Then the heaven and the earth, and all that is therein, shall sing for Babylon: for the spoilers shall come unto her from the north, saith the LORD.
Vakaurawa valsiraeri, Bhabhironi rinofanira kuwawo, sezvakawira pasi paBhabhironi vakaurawa venyika yose.As Babylon hath caused the slain of Israel to fall, so at Babylon shall fall the slain of all the earth.
Imi makapukunyuka pamunondo, endai, musamira; rangarirai Jehovha muri kure, fungai Jerusaremu pamoyo yenyu.Ye that have escaped the sword, go away, stand not still: remember the LORD afar off, and let Jerusalem come into your mind.
Takanyadziswa, nokuti takanzwa kushoorwa, kunyara kwakafukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.We are confounded, because we have heard reproach: shame hath covered our faces: for strangers are come into the sanctuaries of the LORD’S house.
Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya andichatonga mifananidzo yaro yakavezwa; vakakuvadzwa vachagomera kwose panyika yaro.Wherefore, behold, the days come, saith the LORD, that I will do judgment upon her graven images: and through all her land the wounded shall groan.
Kunyange Bhabhironi rikakwira kudenga, kunyange rikasimbisa pakakwirira pane simba raro, kunyange zvakadaro vaparadzi vachabva kwandiri vachiendako, ndizvo zvinotaura Jehovha.Though Babylon should mount up to heaven, and though she should fortify the height of her strength, yet from me shall spoilers come unto her, saith the LORD.
Inzwai inzwi rokuchema rinobva Bhabhironi, nerokuparadzwa kukuru rinobva panyika yavaKaradhea!A sound of a cry cometh from Babylon, and great destruction from the land of the Chaldeans:
Nokuti Jehovha unoparadza Bhabhironi, uchanyaradzamo mubvumo mukuru; mafungu avo anotinhira semvura zhinji, mubvumo wamanzwi avo anonzwika.Because the LORD hath spoiled Babylon, and destroyed out of her the great voice; when her waves do roar like great waters, a noise of their voice is uttered:
Nokuti muparadzi wasvika kwariri, iko Bhabhironi, mhare dzaro dzakundwa, huta hwavo hwavhuniwa-vhuniwa; nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva, ucharipidzira zvirokwazvo.Because the spoiler is come upon her, even upon Babylon, and her mighty men are taken, every one of their bows is broken: for the LORD God of recompences shall surely requite.
Ndichabatisa newaini machinda aro navakachenjera varo, vabati varo navakuru varo, nemhare dzaro, vachavata hope dzisingaperi, havangazomuki ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.And I will make drunk her princes, and her wise men, her captains, and her rulers, and her mighty men: and they shall sleep a perpetual sleep, and not wake, saith the King, whose name is the LORD of hosts.
Zvanzi naJehovha wehondo, Masvingo akafara eBhabhironi achakoromorwa chose, namasuo aro marefu achapiswa nomoto; vanhu vachabatira zvisina maturo, namarudzi achabatira moto; vachaneta.Thus saith the LORD of hosts; The broad walls of Babylon shall be utterly broken, and her high gates shall be burned with fire; and the people shall labour in vain, and the folk in the fire, and they shall be weary.
Ndiro shoko, rakarairwa Seraia mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, nomuporofita Jeremiya, nguva yaakaenda Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha negore rechina rokubata kwake ushe. Zvino Seraia wakanga ari murairi mukuru parwendo.The word which Jeremiah the prophet commanded Seraiah the son of Neriah, the son of Maaseiah, when he went with Zedekiah the king of Judah into Babylon in the fourth year of his reign. And this Seraiah was a quiet prince.
Jeremiya akanyora mubhuku zvakaipa zvose zvaifanira kuwira Bhabhironi, iwo mashoko ose akanyorwa pamusoro peBhabhironi.So Jeremiah wrote in a book all the evil that should come upon Babylon, even all these words that are written against Babylon.
Jeremiya akati kuna Seraia, `Kana wasvika Bhabhironi rangarira kuti urave mashoko awa ose.'And Jeremiah said to Seraiah, When thou comest to Babylon, and shalt see, and shalt read all these words;
Uti, `Haiwa Jehovha, makataura pamusoro penzvimbo ino kuti muchai,paradza, kuti kusava nounogaramo, kana munhu kana zvipfuwo, asi kuti richava dongo nokusingaperi.'Then shalt thou say, O LORD, thou hast spoken against this place, to cut it off, that none shall remain in it, neither man nor beast, but that it shall be desolate for ever.
Zvino kana wapedza kurava bhuku iyi, unofanira kusungira ibwe pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaYufuratesi;And it shall be, when thou hast made an end of reading this book, that thou shalt bind a stone to it, and cast it into the midst of Euphrates:
uchiti, `Saizvozvo Bhabhironi richanyura, haringazobudizve, nokuda kwezvakaipa zvandichauyisa pamusoro paro; vachaneta.' Ndipo panoguma mashoko aJeremiya.And thou shalt say, Thus shall Babylon sink, and shall not rise from the evil that I will bring upon her: and they shall be weary. Thus far are the words of Jeremiah.