Bhaibheri

Jobho 17

Job 17 · 16 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Mweya wangu wapera, mazuva angu adzima, Hwiro hunondimirira.

2Zvirokwazvo, vanondiseka vaneni; Ziso rangu rinoramba richiona kutsamwa kwavo.

3Zvino ndipikirei, muve rubatso rwangu kwamuri; Ndianiko achabatana maoko neni?

4Nokuti makavanzira moyo yavo kunzwisisa; Naizvozvo hamungavakudzi.

5Iye, anokwirira shamwari dzake kuti dzitapwe, Meso avana vake achapera.

6Iye akandiita shumo pakati pavanhu; Ndinosemwa pachena.

7Ziso rangu harichaoni nemhaka yokuchema, Mitezo yangu yose yafanana nomumvuri.

8Vanhu vakarurama vachakanuka nazvo, Asine mhaka achamukira vasingadi Mwari.

9Kunyange zvakadaro wakarurama acharambira panzira yake, Uye ana maoko akanaka acharamba achisimba.

10Asi imi mose dzokai, muuye zvino; Nokuti handingawani munhu akangwara pakati penyu.

11Mazuva angu apfuura, zvandaivavarira zvakona, Iyo mifungo yomoyo wangu.

12Vanoshandura usiku ave masikati; Vanoti, Chiedza chiri pedo nerima.

13Kana ndine tariro, Sheori ndiyo imba yangu; Ndakawadza nhovo yangu murima;

14Ndakati kuhwiro, Ndiwe baba vangu; Nokuhonye, Ndiwe mai vangu nehanzvadzi yangu;

15Zvino tariro yangu iripiko? Kana iri tariro yangu, ndianiko angaiona?

16Ichaburukira kumazariro eSheori, Kana zororo yavapo paguruva.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.