Jobho 24
Job 24 · 25 verses
1WaMasimbaose anoregereiko kutara nguva dzokutonga? Vanomuziva vanoregereiko kuona mazuva ake?
2Vanoshandura miganho varipo; Vanopamba mapoka amakwai, vachiafudza.
3Vanotinha mbongoro yenherera, Vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.
4Vanodzinga varombo panzira; Varombo venyika vanovanda vose.
5Tarira, sembizi murenje Vanobudira kumabasa avo, vachishingairira zvokwadi; Renje rinovapa zvokudya zvavana vavo.
6Vanocheka zvavanodya kusango; Vanounganidza mazambiringa avakaipa.
7Vanovata usiku hwose vasina zvavakafuka, Pachando havana chavangazvifukidza nacho.
8Vakanyorova nokupfunha kwemvura yamakomo, Vanombundikira dombo nokushaiwa pokutizira.
9Varipo vanobvuta nherera pazamu ramai, Nokutora rubatso rwavarombo;
10Naizvozvo vanofamba vasina zvavakafuka, Vanotakura zvisote vane nzara;
11Vanosvina mafuta mukati mamasvingo avanhu ava; Vanotsika zvisviniro zvamazambiringa avo, vachifa nenyota.
12Vanhu vanogomera mukati meguta rina vanhu vazhinji, Uye mweya yavakakuvadzwa inochema; Kunyange zvakadaro Mwari haane hanya nezvisina kururama.
13Ndivo vanovenga chiedza; Havazivi nzira dzacho, Havarambi vachifamba pamakwara acho.
14Muurayi anomuka kana kwoedza, anouraya murombo neanoshaiwa; Usiku wakafanana nomubi.
15Ziso remhombwewo rinomirira rubvunzavaeni, Achiti, Hakune ziso richandiona; Ndokufukidza chiso chake.
16Usiku vanopaza dzimba; Masikati vanozvipfigira; Havazivi chiedza.
17Nokuti mangwanani akaita serima guru kwavari vose; Nokuti vanoziva kutyisa kwerima guru.
18Iye anofambisa pamusoro pemvura; Mugove wavo wakatukwa panyika; Haachafambi nenzira yeminda yemizambiringa.
19Kuoma nokupisa kunopedza mvura yechando; Ndizvo zvinoita Sheori navakatadza.
20Chizvaro chichamukanganwa; honye dzichatapirirwa Uye kusarurama kuchavhunwa somuti.
21Iye unoparadza han’a isingabereki; Haaitiri chirikadzi zvakanaka.
22Anobvisa vane simba nesimba rake; Kana iye achisimuka, hakuna munhu anoziva kana achararama.
23Mwari anovagarisa vakachengetwa, vachivimba nazvo; Asi meso ake anotarira nzira dzavo.
24Vanokudzwa; gare-gare vaenda; Vanodukupiswa, vanobviswa panzira savamwe vose, Vanochekwa semisoro yehura dzezviyo.
25Kana zvisina kudaro zvino, ndiani angati ndine nhema, Nokushaisa mashoko angu simba here?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.