Jobho 33
Job 33 · 33 verses
1Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu, Teererai mashoko angu ose.
2Tarirai zvino, ndashamisa muromo wangu, Rurimi rwangu rwataura mumuromo wangu,
3Mashoko angu achadudzira kururama kwomoyo wangu; Miromo yangu ichataura izvo zvainoziva nezvokwadi.
4Mweya waMwari wakandiita, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunondipa upenyu.
5Kana mukagona, chindipindurai henyu; Gadzirai mashoko enyu pamberi pangu, simukai henyu.
6Rairai, ini ndakafanana nemi pamberi paMwari; Neniwo ndakaumbwa nevhu.
7Tarirai, kutyisa kwangu hakungakutyisiyi imi, Uye handingakuremedziyi.
8Zvirokwazvo, makataura ini ndichizvinzwa, Ndakanzwa inzwi ramashoko enyu, richiti,
9Ndakanaka, handina kudarika; Handine mhosva, hapana zvakaipa mukati mangu;
10Tarirai, iye unowana mhosva kuti arwe neni, Anonditi muvengi wake.
11Anomana makumbo angu mumatanda, Anocherekedza nzira dzangu dzose.
12Tarirai, ndichakupindurai, pachinhu ichi hamuna kururama, Nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu.
13Munorwireiko naye? Nokuti haazvidaviriri pamashoko ake ose.
14Nokuti Mwari anotaura kamwechete, Kana kaviri, asi munhu haane hanya nazvo.
15Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku, Kana munhu abatwa nehope kwazvo, Kana avete panhovo;
16Ipapo unodziura nzeve dzavanhu, Nokusimbisa kurairwa kwavo,
17Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa, Nokuvanzira munhu kuzvikudza;
18Kuti adzore mweya wake pagomba. Upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
19Unorangwawo achirwadziwa panhovo yake, Nokutambudzika nguva dzose mumapfupa ake;
20Naizvozvo hupenyu hwake hunosema zvokudya, Nomoyo wake zvokudya zvinonaka.
21Nyama yake inopedzwa, haichaonekwi, Mapfupa ake, akanga asingaonekwi, anobudira kunze.
22Zvirokwazvo mweya wake unoswedera kugomba, Nohupenyu hwake kuvaparadzi.
23Kana mutumwa akasvika kwaari, Ari mushanduri, mumwe pakati pavane zviuru zvamazana, Kuti aratidze munhu nzira yakarurama;
24Mwari akamunzwira tsitsi, akati, Murwirei arege kuburukira kugomba, Ndawana dzikunuro.
25Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; Achadzokera kumazuva ouduku hwake.
26Anonyengetera kuna Mwari, iye achimufarira; Naizvozvo anotarira chiso chake nomufaro; Akadzosera munhu kururama kwake.
27Uchaimba pamberi pavanhu, achiti, Ndatadza, ndakanganisa zvakarurama, Asi hazvina kundibatsira;
28Iye akarwira mweya wangu urege kuburukira kugomba, Hupenyu hwangu huchaona chiedza.
29Tarirai, Mwari unoita zvinhu izvi zvose, Kaviri kana katatu nomunhu,
30Kuti adzose mweya wake pagomba, Kuti avhenekerwe nechiedza chavapenyu.
31Cherekedzai zvakanaka, Jobho, mundinzwei; Nyararai, ini nditaure.
32Kana mune shoko rokureva, ndipindur ei, Taurai, nokuti ndinoda kukururamisirai.
33Kana musingadi, nditeererei; Nyararai, ini ndikudzidzisei huchenjeri.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.