Bhaibheri

Jobho 40

Job 40 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Jehovha akapfuura kupindura Jobho, akati,

2Ko munhu, anokakavara, angaita nharo nowaMasimbaose here? Anoita nharo naMwari ngaapindure.

3Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati

4Tarirai, ini ndiri muduku hangu; ndingakupindurai here? Ndinofumbira muromo wangu.

5Ndakataura kamwe, asi handingapindurizve; Zvirokwazvo kaviri, asi handingapamhidzizve.

6Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari muchamupupuri, akati,

7Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Ndichakubvunzisisa, iwe undipindure.

8Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, Unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?

9Iwe unoruoko rwakafanana norwaMwari here? Iwe ungatinhira nenzwi rakafanana nerake here?

10Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa; Ufukidze nokurumbidzwa noumambo.

11Durura hasha dzako dzinopfachuka; Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise.

12Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze. Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire.

13Uvavige pamwechete paguruva; Sunga zviso zvavo pakavanda.

14Ipapo ndichakurumbidzawo, Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.

15Tarira zvino mvuu, yandakaita pamwechete newe; Inodya uswa senzombe.

16Tarira zvino simba rayo riri muchiuno chayo; Kusimba kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.

17Inotsvikidza muswe wayo somusidhari; Marunda ezvitumbi zvayo akarukwa-rukwa.

18Mapfupa ayo akafanana nendarira ine mhango; Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.

19Ndiyo huru pamabasa aMwari; Iye, akaiita, akaipa munondo wayo.

20Zvirokwazvo, makomo anoivigira zvokudya zvayo; Ipapo panotamba mhuka dzose dzesango.

21Inovata pasi pemiti yemirotusi, Pamumvuri wetsanga napamurove.

22Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo; Mikondachando yomurukova inoipoteredza.

23Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haidederi; Haityi, kunyange Jorodhani rukazara kusvikira pamuromo wayo.

24Ko munhu ungaibata kana yakarindira here, Kana kuurura mhino dzayo norwauro here?

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.